Muponesi Onawo Jesu Kristu Uyo anoponesa. Jesu Kristu, kuburikidza nerudzikinuro rwake, akapa rununuro neruponeso kurudzi rwose rwevanhu. “Muponesi” izita nekudanwa kwaJesu Kristu. Ishe ndivo chiedza changu neruponeso rwangu, Mpi. 27:1 (Eks. 15:1–2; Ⅱ Sam. 22:2–3). Ndini Ishe; kunze kwangu ini hakuna muponesi, Isa. 43:11 (D&Z 76:1). Daidzai zita rake kuti Jesu: nokuti achaponesa vanhu vake kubva muzvitadzo zvavo, Mat. 1:21. Kwamuri zuva ranhasi kwazvarwa Muponesi, anove ndiye Kristu Ishe, Ruka 2:11. Mwari vakada nyika zvekuti Mwanakomana Mumwechete Akaberekwa akauya kuzoponesa vanhu, Joh. 3:16–17. Hakuna rimwe zita kunze kweraKristu iro ringaponeswe naro vanhu, Mabasa 4:10–12 (2 Ni. 25:20; Mosaya 3:17; 5:8; D&Z 18:23; Mos. 6:52). Kubva kudenga tinotsvaga Muponesi, Ishe Jesu Kristu, VaF. 3:20. Baba vakatumira Mwanakomana kuti ave Muponesi wenyika, Ⅰ Joh. 4:14. Ishe vakamutsa Mesia, Muponesi wepasi rose, 1 Ni. 10:4. Gwayana raMwari ndiro Muponesi wenyika, 1 Ni. 13:40. Ruzivo rweMuponesi rwuchapararira kwose kunyika kumarudzi, ndimi, nevanhu, Mosaya 3:20. Kristu aifanira kufa kuti ruponeso rwuuye, Hir. 14:15–16. Kurevererwa nekutsveneswa kuburikidza neMuponesi zvakarurama ndezvechokwadi, D&Z 20:30–31. Ndini Jesu Kristu, Muponesi wepasi rose, D&Z 43:34. Wangu Mumwechete Akaberekwa ndiye Muponesi, Mos. 1:6. Sekuwanda kwevanodaira mune Mwanakomana vachitendeuka kuzvitadzo zvavo vachazoponeswa, Mos. 5:15.