Ane Shanje Onawo Chiva Sekushandiswa mumagwaro matsvene, izwi rekuti shanje rinoreva nepaviri: (1) kutsva mwoyo nekunzwa kurwadziwa pamusana pemumwe munhu kana chinhu, (2) kuva neruchiva kumumwe munhu kana kufungira kuti mumwe achawana parinani. Kunzwa kurwadziwa Ini Ishe ndiri Mwari vane shanje, Eks. 20:5 (Deut. 5:9; 6:15; Mosaya 11:22). Ndichaitira shanje kuzita rangu dzvene, Ezk. 39:25. Ndinoitira shanje Jerusarema neZioni, Zek. 1:14. Kuchochora kana kufungira Shanje ihasha dzemunhu, Zir. 6:32–35. Akishi akatanga kuve neshanje kumwanakomana wake, Eta 9:7. Zvikumurei kubva mushanje nokutya, D&Z 67:10.