Enosi, Mwanakomana waJakobho
Muporofita wechiNifai uye aiva muchengeti wezvinyorwa muBhuku raMormoni akanamatira uye akagashira ruregerero rwezvitadzo zvake kuburikidza nerutendo rwake muna Kristu (Eno. 1:1–8). Ishe vakabvumirana naEnosi kuunza Bhuku raMormoni kumaRamani (Eno. 1:15–17).
Bhuku raEnosi
Bhuku riri muBhuku raMormoni rinotaura pamusoro pemunamato waEnosi kuna Ishe veruregerero, wevanhu vavo, uye nevamwe. Ishe vakamuvimbisa kuti Bhuku raMormoni richachengetedzwa uye rigoitwa kuti riwanikwe kumaRamani mune rimwe zuva mberi. Kana dai zvazvo bhuku iri riine chitsauko chimwechete, rinotaura rungano rwune simba rwemurume akatsvaga Mwari vake mumunamato, akagara achiteerera mirairo yaMwari, uye asati afa akafara neruzivo rwake rweMununuri.