Kubviswa Hunhengo Onawo Hupanduki; Kurasika pachitendero Nzira yekubvisa munhu muChechi nekumutorera zvinhu zvose zvehunhengo. Vakuru veChechi vanobvisa munhu kubva muchechi chete kana asarudza kugara achipikisa mirairo yaIshe uye achibva azvibvisa kuti asave nhengo yeChechi. Mwoyo yevazhinji yakange yaoma, uye mazita avo akadzimwa, Aru. 1:24 (Aru. 6:3). Kana asina kutendeuka haazoverengerwa pakati pevanhu vangu, 3 Ni. 18:31 (Mosaya 26). Mhombwe dzisingatendeuke dzicharaswa kunze, D&Z 42:24. Uyo anoita zvitema asingatendeuki acharasirwa kunze, D&Z 42:28. Makwara anopiwa ekugadzirisa nawo zvinonetsa muChechi, D&Z 102 (D&Z 42:80–93). Bhishopi anoiswa kuti ave mutongi muIsraeri, D&Z 107:72. Magungano ekunamata ane mvumo yekugadzirisa kukanganisa kwenhengo, D&Z 134:10.