Revitiko
Bhuku riri muTestamente yaKare rinotaura nezvebasa rehupirisita muIsraeri. Rinotsinhira pamusoro pehutsvene hwaMwari nechisungo chingagarwe nacho nevanhu vake kuti vaite vatsvene. Chinangwa chacho kudzidzisa mirau yehunhu nekunamata kwechokwadi kwemurau waMosesi mutsika. Mosesi ndiye akanyora bhuku raRevitiko.
Zvitsauko 1–7 zvinotsanangura zvisungo zvekupira. Zvitsauko 8–10 zvinotsanangura tsika inotevedzwa pakupira vapirisita. Chitsauko 11 chinotsanangura nezvingadyiwe kana kusadyiwa nezvakachena kana zvisina kuchena. Chitsauko 12 chinokurukura nezvemadzimai mushure mekusununguka mwana. Zvitsauko 13–15 mitemo iri maererano nezve mapira ekusachena. Chitsauko 16 chine tsika yakafanira kuteedzwa paZuva reRudzikinuro. Zvitsauko 17–26 zvine chisungo chemitemo inotsanangura nezvekunamata nezvino cherechedzwa pamagariro evanhu. Chitsauko 27 chinotsangura kuti Ishe vakataurira vaIsraeri kuti vapire zvirimwa zvavo, hwai nemombe kuna Ishe.