Zvibatsiro Zvekudzidza
Zvemucherechedzo


Zvemucherechedzo

Kushandisa chimwe chinhu sechakafanana kana chinhu chine chimiro chechimwe. Zvemicherechedzo mumagwaro matsvene zvinoshandisa chinhu chinozivikanwa, chiitiko, kana zviitiko zvekumirira hurongano kana dzidziso yevhangeri. Semuenzaniso, muporofita Aruma wemuBhuku raMormoni akashandisa mhodzi kumiririra shoko raMwari (Aru. 32).

Vaporofita mumagwaro matsvene ose vaishandisa zviratidzo kudzidzisa nezvaJesu Kristu. Mimwe yemicherechedzo iyi yaisanganisa mhemberero nezvisungo (Mos. 6:63), mipiro (VaH. 9:11–15; Mos. 5:7–8), sakaramende (Ruka 22:13–20; DJS, Marko 14:20–24), nerubhabhatidzo (VaR. 6:1–6; D&Z 128:12–13). Mazhinji emazita ari mubhaibheri ndeemicherechedzo. Mhemberero yemutabernakeri yemuTestamente yaKare nemurau waMosesi zvaimiririra zvokwadi zvekusingaperi (VaH. 8–10; Mosaya 13:29–32; Aru. 25:15; Hir. 8:14–15). Semimwe mienzaniso, tarisai Mat. 5:13–16; Joh. 3:14–15; Jak. 4:5; Aru. 37:38–45.