Mukoho Magwaro matsvene dzimwe nguva anoshandisa izwi mukoho semufananidzo kutaura kuunza vanhu muChechi, rinove ndiro umambo hwaMwari pasi pano, kana kunguva yekutongwa, sekuuya kwechipiri kwaJesu Kristu. Kukohwa kwapfuura, zhizha rapera, uye hatina kuponeswa, Jer. 8:20 (D&Z 56:16). Mukoho mukuru, asi vashandi vashoma, Mat. 9:37. Mukoho ndiko kupera kwenyika, Mat. 13:39. Kana chiri chii zvacho chinodyarwa nemunhu, ichocho ndicho chaachakohwawo, VaG. 6:7–9 (D&Z 6:33). Munda wachena wagadzirira kukohwewa, D&Z 4:4. Kukohwa kwapera uye mweya yenyu haina kuponeswa, D&Z 45:2. Nguva yekukohwa yasvika, uye shoko rangu rakafanira kuzadzikiswa, D&Z 101:64.