Kuwadzana Onawo Kubatana; Rudo KuVatendi vaMazuva Ekupedzisira, kuwadzana kunosanganisa kupa ushamwari hunovaraidza, kushandira, kusimudzira, nekusimbisa vamwe. Ida muvakidzani wako sezvaunozviita, Rev. 19:18 (Mat. 19:19; D&Z 59:6). Kana mapinduka, simbisai hama dzenyu, Ruka 22:32. Muri vadzidzi vangu kana muchidanana, Joh. 13:35. Ipa zvekudya hwai dzangu, Joh. 21:15–17. Vakakumbira kuti tizvitore pachedu zvekuwadzana kwekushandira vatendi, â…¡Â VaKori. 8:1–5. Kuwadzana kwedu kuri kuna Baba, nekuMwanakomana wavo, â… Â Joh. 1:3. MaNifai nemaRamani vaiwadzana mumwe nemumwe, Hir. 6:3. Regai wose munhu akudze hama yake sezvaanozviita iye, D&Z 38:24–25. Kana musiri vamwechete hamusi vangu, D&Z 38:27. Ndinokugamuchirai mukuwadzana kuti ndive shamwari nehama yenyu, D&Z 88:133.