Zvakavandika zvaMwari Zvakavandika zvaMwari izvokwadi zvemweya zvinozivikanwa chete nokuzarurirwa. Mwari vanoratidza zvakavandika zvavo kune avo vanoteerera kuvhangeri. Zvimwe zvezvakavandika zvaMwari hazvisati zvaratidzwa. Zvakapiwa kwamuri kuti muzive zvakavandika zveumambo hwokudenga, Mat. 13:11. Kana zvazvo ndichinzwisisa zvose zvakavandika uye ndisina rudo, handisi chinhu, â… Â VaKori. 13:2. Nifai aive neruzivo rwukuru kwazvo rwezvakavandika zvaMwari, 1 Ni. 1:1. Zvinopiwa kuvazhinji kuziva zvakavandika zvaMwari, Aru. 12:9. Kune vakadaro kwakapiwa kuziva zvakavandika zvaMwari, Aru. 26:22. Izvi zvakavandika hazvisati zvaitwa kuti zvizivikanwe zvakazara kwandiri, Aru. 37:11. Kune zvakavandika zvizhinji izvo zvisina munhu anoziva kunze kwaMwari pachake, Aru. 40:3. Zvakakura sei zvakavanda zveumwari, D&Z 19:10. Kana mukakumbira, muchagashira zvakaiswa pachena uye mugoziva zvakavandika zveumambo, D&Z 42:61, 65 (â… Â VaKori. 2:7, 11–14). Uyo anochengetedza mirairo achapiwa zvakavandika zveumambo, D&Z 63:23. Kwavari ndicharatidza zvose zvakavandika, D&Z 76:7. Hupirisita hukuru hune kiyi yezvakavandika, D&Z 84:19. Pakuuya kwavo Ishe vacharatidza zvinhu zvakavandika zvisina munhu anoziva, D&Z 101:32–33. Hupirisita hwaMerkizedeki huchave nemukana wekugashira zvakavandika zveumambo, D&Z 107:19.