Upfumi Onawo Kudada; Mari Upfumi kana uwandu. Ishe vanoraira Vatendi kuti vasatsvake upfumi hwenyika kunze kwekuita zvakanaka. Vatendi havana kufanira kuisa kutsvaka upfumi hwenyika pamberi pekutsvaka umambo hwaMwari, hune upfumi husingaperi (Jak. 2:18–19). Kana upfumi hukawanda, usaise mwoyo wako pahuri, Mpi. 62:10. Upfumi hauna chahunopa pamusi wehasha, Zir. 11:4. Uyo anovimba neupfumi hwake achapunzika, Zir. 11:28. Zita rakanaka riri nani kurisarudza pane upfumi hukuru, Zir. 22:1. Zvakaoma sei kune avo vane upfumi hukuru kuti vapinde muumambo hwaMwari, Marko 10:23 (Ruka 18:24–25). Kuda mari ndiwo mudzi wekuipa kwose, â… Â Tim. 6:10. Nhamo kune vapfumi vanoshora varombo uye vanoti upfumi hwavo ndiye Mwari wavo, 2 Ni. 9:30. Vakarurama havana kuisa mwoyo yavo paupfumi asi vakagovana nevose, Aru. 1:30. Vanhu vakatanga kudada pamusoro peupfumi, Aru. 4:6–8. Vanhu vaipatsanurwa nezvinhano, maererano neupfumi hwavo, 3 Ni. 6:12. Musatsvake upfumi asi ungwaru, D&Z 6:7 (Aru. 39:14; D&Z 11:7). Upfumi hwepanyika ndehwaMwari kuhupa, asi chenjererai rudado, D&Z 38:39. Upfumi hwokusingaperi Isai upfumi kudenga, Mat. 6:19–21. Kangani ndichikudaidzai nezveupfumi hweupenyu hwokusingaperi, D&Z 43:25. Upfumi husingaperi ndehwangu kuhupa, D&Z 67:2 (D&Z 78:18).