Mwoyo Wakatyoka Onawo Akapfava; Akazvininipisa; Kupira; Mwoyo; Rutendeuko Kuve nemwoyo wakatyoka kuzvirereka, kuzvidzora, kutendeuka, nokuzvininipisa—zvinoreva kuti, kugamuchira kuda kwaMwari. Ndinogara naye uyo ane mweya wekuzvininipisa wakapfava, Isa. 57:15. Ishe vakazvipira kune avo vane mwoyo wakatyoka nemweya wakaninipa, 2 Ni. 2:7. Ipai semupiro kuna Ishe mwoyo wakatyoka nemweya wakazvininipisa, 3 Ni. 9:20 (D&Z 59:8). Avo chete vane mwoyo yakatyoka nemweya yakazvininipisa ndivo vanogashirwa murubhabhatidzo, Moro. 6:2. Jesu akaroverwa kuti kuregererwe zvitadzo kumwoyo wakazvininipisa, D&Z 21:9. Uyo ane mwoyo wakazvininipisa anobvumwa, D&Z 52:15. Mweya Mutsvene unovimbiswa kune avo vanozvininipisa, D&Z 55:3. Mweya wangu unotumwa kunoisa chiedza kune vakapfava nevakazvininipisa, D&Z 136:33.