Chitsauko 28
MaRamani anokundwa muhondo yakaoma—Makumi ezviuru vanouraiwa—Vakaipa vachaiswa mudambudziko risingaperi; vakarurama vanowana kufara kusingagume. Zvingangove makore 77 kusvika ku76 Kristu asati azvarwa.
1 Uye zvino zvakaitika kuti mushure mekunge vanhu vaAmoni vagadzwa munyika yeJeshoni, uye maiswawo chechi munyika yeJeshoni, uye mauto emaNifai adyarwa-dyarwa munyika yeJeshoni, hongu, kumuganhu yose yenyika yeZarahemura; tarisai mauto emaRamani akanga atevera hama dzavo murenje.
2 Uye nokudaro pakave nehondo yakaoma kwazvo; hongu, hakuna kumbenge kwakaita hondo yakadaro yakambozivikanwa kana kuonekwa nevanhu venyika iyi kubvira panguva yakabva Rihai kuJerusarema; hongu, uye makumi ezviuru zvamaRamani akauraiwa uye vakapararira kune dzimwe nzvimbo.
3 Hongu, uye kwakabaiwawo vazhinji mukati memaNifai; zvakadaro, maRamani akatinhwa akaita barara-mwanda, uye vanhu vaNifai vakadzokera zvakare kunyika yavo.
4 Uye zvino iyi yaive nguva yakanga iine kuchema nekuwuwura kukuru kwakanzwikwa munyika yose, mukati mevanhu vose vaNifai—
5 Hongu, kuchema kweshirikadzi dzaichemera varume vadzo, nekwemadzibaba aichemera vanakomana vavo, uye mwanasikana achichemera hanzvadzi, hongu, hanzvadzikomana ichichemera baba; saka kuchema kwakanzwikwa mukati mavo vose, vachichemera hama dzavo dzakanga dzabaiwa.
6 Uye zvino chokwadi iri raive zuva rizere nokusuwa; hongu, nguva yekudumbirwa, uye nguva yekutsanya kwakanyanya nekunamata.
7 Uye ndiko kupera kwakaita gore rechigumi nemashanu rekutonga kwevatongi muvanhu vaNifai;
8 Uye ndirwo rungano rwaAmoni nehama dzake, nzendo dzavo munyika yaNifai, kutambudzika kwavo munyika umu, kusuwa kwavo, nokurwadziswa kwavo, norufaro rwavo rwusinganzwisisike, nokutambirwa nokuchengetedzwa kwehama munyika yaJeshoni. Uye zvino Ishe, Mununuri wevanhu vose, vangaropafadze mweya yavo nokusingaperi.
9 Uye urwu rwungano rwehondo nokupesana mukati memaNifai, nehondo pakati pemaNifai nemaRamani; negore rechigumi nemashanu rekutonga kwevatongi kupera kwaro.
10 Uye kubvira gore rekutanga kusvika kugore rechigumi nemashanu kwakauya kuparadzwa kweupenyu hwezviuru nezviuru; hongu, kwakaunza kuitika kwekuona kudeuka kweropa.
11 Uye mitumbi yezviuru zvakawanda yakarinzwa muvhu, mimwe mitumbi yezviuru zvizhinji iri kuora yakaturikidzaniswa pamusoro penyika; hongu, uye zviuru zvizhinji zviri kuchema nokurasikirwa kwavakaitwa nehama dzavo, nokuti vane chikonzero chekuti vave vanotya, maererano nezvakavimbiswa naIshe, kuti vakaiswa munhamo isina magumo.
12 Zviuru nezviuru zvevamwe zvichichema kurasikirwa nehama dzavo, asi vanofara uye vachisimudzirwa mukutarisira, uye vanotoziva, maererano nevimbiso dzaIshe, kuti vanosimudzwa kuti vagare kuruoko rwerudyi rwaMwari, vari murufaro rwusingaperi.
13 Uye ndiko kuona kwatinoita kusaenzana kwemunhu kukuru kunokonzerwa nechitema nokutadza, nesimba radhiabhorosi, rinouya nemazano ekunyengedza raakaita kuteya mwoyo yevanhu.
14 Uye saka tinoona kudaidzwa kukuru kwekuti tibate zvine simba mubindu reminzabviringa raIshe; uye saka tinoona chikonzero chikuru chekusuwa, nechokufarawo—kusuwa nenzira yekufa nekuparadzwa kuri muvanhu, nerufaro nenzira yechiedza chaKristu muupenyu.