Ropafadzo paMvura
Mwari, Baba Vokusingaperi,
tinokukumbirai muzita reMwanakomana wenyu, Jesu Kristu,
kuti muropafadze nokutsvenesa mvura
iyi kumweya yeavo vose vanoinwa,
kuti vave vanozviita mukurangarira ropa reMwanakomana wenyu,
iro ravakadeurirwa;
kuti vagopupura kwamuri, Mwari, Baba Vokusingaperi,
kuti vangomurangarira nguva dzose,
kuti vave neMweya wake kuti uve navo.
Ameni.