Pamusoro peEndaumenti yeMutemberi

Chipo Chako Pachako Chinobva kuna Mwari

Mutungamiri Russell M. Nelson vakatiuyechidza kuti “chiitiko chose, chidzidzo chose, zvose zvatinoita muChechi, zvinonongedzera kuna Ishe neimba Yavo tsvene. Kuedza kwedu kuparidza vhangeri, kururamisa Vatendi, uye nokununura vakafa zvose zvinotungamirira kutemberi. Temberi tsvene yoga yoga inomira sechiratidzo cheunhengo hwedu muChechi, semucherechedzo werutendo rwedu muupenyu mushure mokufa, senhanho yakakosha takananga kukubwinya kwokusingaperi kwedu isu nemhuri dzedu” (“Personal Preparation for Temple Blessings,” Ensign, May 2001, 32; Liahona, July 2001, 37).

Mutemberi chete ndimo matinokwanisa kuita zvibvumirano zvinoera izvo zvinosanganisira vimbiso yeupenyu hwokusingaperi muumambo hwaMwari, icho chinova ndicho “chipo chikurusa chezvipo zvose zvaMwari” (Dzidziso neZvibvumirano 14:7). Zvisungo nezvibvumirano zvemutemberi zvakagara zviri chikamu chevhangeri raJesu Kristu. Zvinosimbisa ukama hweumwari uye zvinotibatsira kunangisa pfungwa paMuponesi, Rudzikinuro Rwake, uye kuzvipira kwedu kuMutevera.

Kugamuchira endaumenti yako yemutemberi chiitiko chemunhu pachake oga. Kuigadzirira kunozoita kuti inyanye kuva yakakosha. Nhengo dzakawanda dzeChechi dzinogamuchira endaumenti yadzo dzisati dzaienda kuhushumiri kana kuti dzisati dzachata. Vamwe vanongova nechido chikuru chokufambira mberi nemugwara rechibvumirano. Mabhishopi navatungamiri vamabazi vanofanira kukurudzira nokurairana nenhengo dzechikuru idzo dzinoshuvira kugamuchira endaumenti yadzo. Zvakakosha kuziva kuti endaumenti yako inopfuura kungova imwe nhanho; chikamu chakakosha zvikuru uye chakanakisisa cherwendo rwako rwokusingaperi.

Endaumenti zvirokwazvo “chipo.” Munzwisiso iyi, endaumenti yemutemberi chipo chemaropafadzo anoera anobva kuna Mwari kune mumwe nemumwe wedu. Endaumenti inokwanisa chete kugamuchirwa nenzira Yavo uye mutemberi Yavo tsvene. Zvimwe zvezvipo zvaunogamuchira kuburikidza neendaumenti yemutemberi zvinosanganisira:

  1. Ruzivo rukurusa rwezvinangwa nedzidziso dzaIshe.

  2. Simba rokuita izvo zvose Mwari zvavanoda kuti tiite.

  3. Nhungamiro nedziviriro yehumwari apo patinoshandira Ishe, mhuri dzedu, uye navamwe.

  4. Tariro, nyaradzo, nerunyararo zvakawedzerwa.

  5. Maropofadzo akavimbiswa iyezvino uye nariinhi nariinhi.

Nhengo dzeChechi idzo dzava nezera remakore gumi nemasere kana kupfuura (uye dzisingachaendi kuchikoro chepamusoro kana chikoro chesekondari) vanokwanisa kugamuchira endaumenti yavo yemutemberi kana vari vakatendeka uye vakagadzirira. Nokuda kwokuti zvisungo nezvibvumirano zvemutemberi zvinoera uye zvine ukoshi hwokusingaperi, Ishe vakamisa mipimo yeavo vanoshuvira kuzvigamuchira. Nhengo dzinofanirawo kukwanisa kunzwisisa mabasa akakomba zvikuru avanotambira apo pavanoita zvibvumirano naMwari.

Kugadzirira kugamuchira endaumenti yako kunozosanganisira dzidziso dzaJesu Kristu dzinotevera uye nokuedza nesimba rose kuchengeta zvibvumirano zvawakaita parubhabhatidzo. Unovandudza chibvumirano chako nguva yose yaunotora sakaramende. Unozova nemukana wokusangana nabhishopi wako uye zvino nemutungamiri wehoko kuti vaite bvudzurudzo yemvumo yemutemberi. Mipimo yokupinda muimba yaIshe inozokurukurwa munguva yebvudzurudzo iyi. Vanozokubvunza mibvunzo iyo inokubvumira kugovera uchapupu hwako hwevhangeri raJesu Kristu, vaporofita vanorarama Vavo, uye nehweChechi yakadzorerwa Yavo. Mhinduro dzako dzinozosimbisa kuti iwe uri kuedza nesimba rose kuchengeta mirairo yaMwari uye kutevera Jesu Kristu. Mutungamiri wako wehoko zvino anozokwanisa kukupa mvumo yemutemberi iyo inozokubvumira kupinda mutemberi uye kugamuchira endaumenti yako.

Pfupiso yeEndaumenti

Apo pawakapinda muChechi, wakagamuchira zvisungo zviviri—rubhabhatidzo uye rusimbiso. Zvimwechetezvo, endaumenti yemutemberi inogamuchirwawo muzvikamu zviviri.

Muchikamu chokutanga, unozogamuchira muruvande uye uri woga izvo zvinonzi zvisungo zvokutanga. Zvisungo izvi zvinosanganisira maropafadzo akakosha maererano nenhaka uye kwaniso yehumwari yako. Sechikamu chezvisungo izvi, unozobvumirwawo kupfeka gamendi rinoera remutemberi uye unozorairwa kuripfeka nemuupenyu hwako hwose.

Muchikamu chechipiri, unozogamuchira imwe endaumenti yako yose uri muboka nevamwe. Izvi zvinotora chinhanho mumupanda werairidzo navamwe avo vauya kutemberi. Imwe yeendaumenti inoratidzwa kuburikidza nevhidhiyo uye imwe kuburikidza navashandi vemutemberi. Munguva yechisungo, zviitiko izvo zviri chikamu chechirongwa cheruponeso zvinoratidzwa. Zvinosanganira Kusikwa kwenyika, Kuputsika kwaAdama naEva, Rudzikinuro rwaJesu Kristu, Kutsauka, uye Kudzorerwa. Unozodzidzawo zvimwe zvakawanda pamusoro penzira iyo vanhu vose yavanokwanisa kudzokera nayo pamberi paIshe.

Temberi yeGilbert Arizona, Mupanda weEndaumenti

Munguva yechisungo cheendaumenti, unozokokwa kuita zvimwe zvibvumirano naMwari. Zvibvumirano izvi ndeizvi:

  • Mutemo woKuteerera, uyo unosanganisira kuedza nesimba rose kuchengeta mirairo yaMwari.

  • Mutemo weChibairo, uyo unoreva kuita zvose zvatinokwanisa kutsigira basa raIshe uye kutendeuka nemwoyo wakatyoka uye nemweya wokuzvidemba.

  • Mutemo weVhangeri, uyo unova mutemo wepamusoro waAkadzidzisa apo paAiva panyika.

  • Mutemo weKuzvibata, uyo unoreva kuti tinova neukama hwepabonde chete nemunhu uyo watakachata naye zviri pamutemo uye zviri pamurau maererano nemutemo waMwari.

  • Mutemo weRukimikidzo, uyo unoreva kukumikidza nguva yedu, matarenda edu, uye zvinhu zvose izvo Ishe zvavakatiropafadzo nazvo kukuvaka Chechi yaJesu Kristu panyika.

Zvibvumirano zvose naMwari zvakaitirwa kuti zvive zvinosungira. Apo paunochengeta zvibvumirano zvako uye wotendeuka kubva kukusarurama kwako, ukama hwako naVo hwunosimbiswa uye Vanozokuropafadza zvakanyanya kuzara. Ukama hwako neMuponesi hwunozovawo hwepedyosa uye hwunonyanya kureva chinhu. Vachengeti vechibvumirano vanowana simba raMwari uye rudo, runyararo, nyaradzo, nemufaro zvisingaperi. Mwari vanovimbisa kuti avo vanochengeta zvibvumirano zvavo vanozova nemukana wokudzokera kunogara naVo nariinhi nariinhi.

Mutungamiri Russell M. Nelson vanotsanangura kuti “Kuita chibvumirano naMwari kunoshandura ukama hwedu naVo nariinhi nariinhi. Kunotiropafadza nemwero wakawedzerwa worudo nengoni. Kunoshandura zvatiri uye mabatsiriro ayo Mwari avanozotiita kuti tive vanhu vatinokwanisa kuva.” Nokuda kwetsitsi dzine rudo dzaMwari kuna avo vakaita chibvumirano Navo, “Vanozovada. Vanozoramba vachishanda navo uye nokuvapa mikana yekushanduka. Vanozovaregerera apo pavanotendeuka. Uye kana vakatsauka, Vanovabatsira kuwana nzira yavo yokudzokera kwaVari” (“Chibvumirano Chisingaperi,” Liahona, Gumiguru 2022).

Kumagumo kweendaumenti, avo vari kutora chinhanho vanodzokera, nenzira yokufananidzira, pamberi paIshe apo pavanopinda mumupanda weseresitiyaro. Imomo unokwanisa kutora nguva yokufungisisa, kunamata, kuverenga magwaro matsvene, kana nechizevezeve kugoverana pfungwa dzako nemhuri neshamwari. Inzvimbo yerunyararo, umo maunokwanisa kuwanawo nyaradzo uye nhungamiro yehumwari.

Avo vose vanotora chinhanho museremoni yeendaumenti vanokurudzirwa kunyotsoteerera kune izvo zviri kudzidziswa. Chiitiko chako chinozova chinonyanya kugutsa apo paunoenda nevavariro yokudzidziswa neMweya Mutsvene. Usanetsekana pamusoro pokurangarira kana kunzwisisa zvinhu zvose panguva yokutanga. Vashandi vemutemberi varipo nguva dzose kukubatsira nokukuyamura. Haisi bvunzo, asi mukana wekunzwa kuva pedyosa naBaba Vokudenga naJesu Kristu. Nangisa pfungwa pamufaro wokuva muimba yaIshe uye manzwiro ezvepamweya aunogamuchira.

Temberi yeFort Lauderdale, Mupanda weEndaumenti

Swedera Pedyosa naIshe

Endaumenti yemutemberi inhanho inodikanwa takananga kuruponeso uye kudzokera kuna Baba Vokudenga. Inguvawo yokuswedera pedyosa naJesu Kristu—kuMuziva zvirinani uye kutevera muenzaniso Wake. Zvirokwazvo, maropafadzo ose akavimbiswa eendaumenti anoererana nerutendeko rwedu.

Mushure mokunge wagamuchira endaumenti yako pachako, dzokera kutemberi napose paunokwanisa. Apo paunodaro, unokwanisa kutora chinhanho muzvisungo zvokutanga uye zveendaumenti muchinzvimbo chemadziteteguru uye vamwe avo vakafa. Sezvazviri nezvimwe zvisungo zvose zvinoitwa mutemberi, avo vakafa vanoziva nezvekushandira kwako uye vanokwanisa kusarudza kuti votambira here kana kuti kwete izvo zvaunenge wavaitira.

Kutora chinhanho kwako kunokubvumirawo kuva nemukana wokunzwa maropafadzo, mirairidzo, uye zvibvumirano zvakare. Apo paunoenda kutemberi, unozocherechedza dzimwe nzira dzakawanda idzo endaumenti yadzinoenderana nadzo nechirongwa choruponeso uye yadzinoropafadza upenyu hwako. Izvo zvaunodzidza nokunzwa zvinozova zvakanyanya kujeka uye zvakanyanya kukosha kwauri nekufamba kwenguva. Apo paunoshanya, unozonzwa rudo rwaMwari uye unozoyeuchidzwa nezve izvo zvakanyanyisa kukosha.