2023
Funga Seresitiyaro!
Mbudzi 2023


Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Mbudzi 2023

Funga Seresitiyaro!

Sarudzo dzako dzonozotungamirira uko kwaunozogara nokusingaperi, rudzi rwemuviri waunozomutswa kuvakafa nawo, uye avo vaunozogara navo nariinhi nariinhi.

Mabhuratha nemasisita angu anodiwa, ndinotenda zvikurusa kutaura nemi nhasi. Pazera rangu rino, zuva idzva roga roga rinounza zvishamiso zvakanakisa pamwepo nezvinonetsa. Masvondo matatu akapfuura, ndakakuvara mhasuru dzemusana wangu. Naizvozvo, nepo ndakapa nhaurwa dzemusangano mukuru dzinopfuura zana ndakamira, nhasi ndafunga kuti ndiite kudaro ndakagara. Ndinonamata kuti Mweya unozotakura shoko rangu kuisa mumwoyo yenyu nhasi.

Nguva pfupi yapfuura ndakapemberera zuva rangu rekuzvarwa rechimakumi mapfumbamwe nepfumbamwe uye nokudaro ndakatanga gore rangu rechizana rekurarama. Ndinobvunzwa nguva zhinji chakavanzika chokurarama kwenguva yakareba kudaro. Mubvunzo uri nani ungava wokuti, “Chii chandakadzidza mumakore anoda kusvika zana ekurarama iwayo?”

Nguva nhasi haindibvumire kupindura mubvunzo iwoyo zvakazara, asi ndingagovera chimwe chezvidzidzo zvakakoshesa zvandakadzidza.

Ndakadzidza kuti chirongwa chaBaba Vokudenga kwatiri chakanakisisa, kuti izvo zvatinoita muupenyu huno zvakakosha chaizvoizvo, uye kuti Rudzikinuro rweMuponesi ndirwo rwunoita kuti chirongwa chaBaba vedu chikwanisike.1

Apo pandakatambudzika zvikuru nemarwadzo makuru akakonzerwa nekukuvara kwangu nguva pfupi yapfuura, ndakanzwa ruvongo rwakadzama zvikuru rwaJesu Kristu nechipo chisinganzwisisiki cheRudzikinuro Rwake. Funga nezvazvo! Muponesi akatambura “marwadzo nematambudziko nemiedzo zvemarudzi ose”2 kuitira kuti Agokwanisa kutinyaradza, kutiporesa, kutinunura munguva dzekushaiwa.3 Jesu Kristu akatsanangura chiitiko Chake muGetsemane uye paKarivhari achiti: “Kuri kutambura kwakakonzera ini, kunyangwe Mwari, mukurusa kune zvose, kudedera nokuda kwamarwadzo, uye kubuda ropa paburi rose reganda.”4 Kukuvara kwangu kwakandikonzera kuti ndifungisise nguva nenguva pamusoro “pehukuru hweMutsvene waIsraeri.”5 Munguva yekuporeswa kwangu, Ishe vakaratidza simba rehumwari ravo nenzira dzine runyararo uye dziri pachena.

Mufananidzo
Part of a worldwide series of photographs taken in connection with General Conference. September 30 - October 1, 2023. Pictures were taken in Peru.

Peru

Nekuda kweRudzikinuro rusingagumi rwaJesu Kristu, chirongwa chaBaba vedu Vokudenga chirongwa chakarurama! Nzwisiso yechirongwa chakanakisisa chaMwari inobvisa kusaziva kuti chinangwa cheupenyu ndecheyi uye kusagadzikana kubva mune ramangwana redu. Kunobvumira mumwe nomumwe wedu kusarudza mararamiro atinozoita pasi pano uye kwatinozogara nariinhi nariinhi. Pfungwa yenhema yokuti tinofanira “kudya, kunwa, nokufara, nokuti mangwana tinofa; uye zvichava zvakatinakira”6 ndidzo dzimwe dzenhema dzoupenzi hukuru pasi rose.

Hedzino nhau huru dzechirongwa chaMwari: zvinhu chaizvo zvinozoita kuti upenyu hwako hwenyama huve hwakanakisisa zvahunokwanisa kuva ndizvo zvinhu zvimwechetezvo zvinozoita kuti upenyu hwako nekusingaperi kwose huve hwakanakisa zvahunokwanisa kuva! Nhasi, kukubatsirai kuti mukwanise kuwana maropafadzo makuru anaBaba Vokudenga kwamuri, ndinokukokai kuti mutore tsika “yekufunga seresitiyaro”!7 Kufunga seresitiyaro kunoreva kuva nepfungwa dzezvepamweya. Tinodzidza kubva kumuporofita wemuBhuku raMormoni Jakobo kuti “kuva nepfungwa dzezvepamweya upenyu hwokusingaperi.”8

Mufananidzo
Part of a worldwide series of photographs taken in connection with General Conference. September 30 - October 1, 2023. Pictures were taken in Utah.

United States

Upenyu huno ikirasi huru mukudzidza kusarudza zvinhu zvakakoshesesa munezvokusingaperi. Vanhu vakawandisa zvikuru vanorarama sokunge hakuna chimwe chinhu kunze kweupenyu huno. Zvisinei, sarudzo dzako nhasi dzinozotungamirira kuzvinhu zvitatu: kwaunozogara nemukusingaperi mose, rudzi rwomuviri waunozomutswa kuvakafa nawo, uye avo vaunozogara navo nariinhi nariinhi. Saka funga Seresitiyaro.

Mushoko rangu rekutanga seMutungamiri weChechi, ndakakukurudzirai kuti mutange nemagumo mupfungwa. Izvi zvinoreva kuita umambo hweseresitiyaro chinangwa chako chokusingaperi uyezve wonyatsofunga kuti imwe neimwe yesarudzo dzako uri pasi pano inozokuisa papi munyika inotevera.9

Ishe vakadzidzisa zvakajeka kuti chete varume nemadzimai vakasunganidzwa semurume nemukadzi mutemberi, uye vari vanochengeta zvibvumirano zvavo, vanozova pamwechete nemukusingaperi. Vakati, “Zvose zvibvumirano, zvisungo, zvinofanirwa kuitwa, sungiro, mhiko, zvitsidzo, zviitwa, mibatanidzwa, hufambidzani, kana tarisiro, zvinenge zvisina kuitwa uye zvikapindwa mazviri uye zvikasimbiswa neMweya Mutsvene wechivimbiso … zvinoguma kana vanhu vafa.”10

Nokudaro, kana tikasarudza zvisina kungwara kurarama mitemo yeteresitiyaro iyezvino, tiri kusarudza kumutswa nomutumbi weteresitiyaro. Tiri kusarudza kusazorarama nemhuri dzedu nariinhi nariinhi.

Naizvozvo, mabhuratha nemasisita angu anodiwa, munoda kurarama sei uye muri kupi uye muinani nariinhi nariinhi? Munozvisarudzira.11

Apo pamunoita sarudzo, ndinokukokai kuti muve nemaonero ekumberi—maonero ekwokusingaperi. Isa Jesu Kristu kutanga, nokuti upenyu hwako hwokusingaperi huri maererano nerutendo rwako maAri uye nemuRudzikinuro Rwake.12 Huri maereranowo nekuteerera kwako kumitemo Yake. Kuteerera kunogadzirira nzira youpenyu hunofadza hwako nhasi uye mubairo wokusingaperi, mukuru mangwana.

Apo paunotarisana nedambudziko, funga seresitiyaro! Apo paunoyedzwa nemuedzo, funga seresitiyaro! Apo upenyu kana vadikanwi pavanokutsamwisa, funga seresitiyaro! Apo mumwe munhu paanofa nguva isati yakwana, funga seresitiyaro. Apo mumwe munhu paanotambura kwenguva refu nechirwere chisingarapiki, funga seresitiyaro. Apo zvinetso zvoupenyu pazvinokuunganira, funga seresitiyaro! Apo paunopora kubva mutsaona kana kukuvara, sezvandiri kuita iyezvino, funga seresitiyaro!

Apo paunonangisa pfungwa pakufunga seresitiyaro, tarisira kusangana nerupikiso.13 Makumi emakore akapfuura, imwe nyanzvi yandaishanda nayo yakandishoropodza nekuva “netemberi zvakanyanya” mandiri, uye masupavhaiza anopfuura mumwechete akandiranga nokuda kwechitendero changu. Zvisinei, ndine chokwadi chokuti kufunga seresitiyaro kwakasimudzira basa rangu

Apo paunofunga seresitiyaro, mwoyo wako unozoshanduka zvishoma nezvishoma. Unozoda kunamata nguva zhinji uye nemwoyo wose. Ndapota usarega minamato yako ichinzwika sokunge mudorongodzwa wezvekutenga. Maonero aIshe anodarika ungwaru hwako hwemuviri unofa. Mhinduro Yavo kuminamato yako inogona kukushamisa uye inozokubatsira kufunga seresitiyaro.

Funga pamusoro pemhinduro yaIshe kuna Joseph Smith paakateterera kuti asunungurwe muJeri reLiberty. Ishe vakadzidzisa Muporofita kuti kubatwa kune utsinye uku kwaizomupa ruzivo uye kwaizova kwakanakira iye.14 “Kana ukashingirira zvakanaka,” Ishe vakavimbisa, “Mwari vachakusimudzira pamusoro.”15 Ishe vakanga vachidzidzisa Joseph kufunga seresitiyaro uye kuona mubairo wokusingaperi panzvimbo pekunangisa pfungwa pamatambudziko airwadza zvukurusa ezuva racho. Minamato yedu inokwanisa kuva—uye inofanira kuva—hurukuro mhenyu naBaba vedu Vokudenga.

Apo paunofunga seresitiyaro, unozozviwana uchinzvenga chinhu chipi zvacho chinokubira kwaniso yokuzvisarudzira yako. Hunhapwa hwehavi hupi zvahwo—hungava kutamba mitambo, zvokubhejera, chikwereti, zvinodhaka, doro, hasha, kuona zvinonyadzisira, zvepabonde, kana kunyangwe zvokudya—zvinogumbura Mwari. Sei? Nokuti kuda chinhu zvakapfuuridza kwako kunova mwari wako. Unotarisa kwachiri panzvimbo pekutarisa kwaVari kuti uwane nyaradzo. Kana uchinetsekana neunhapwa hwehavi, tsvaga rubatsiro rwezvepamweya nerwenyanzvi rwaunoda. Ndapota usarega kuda chinhu zvakapfuuridza kuchikutorera rusununguko rwako rwekutevera chirongwa chaMwari chinoshamisa.

Kufunga seresitiyaro kunozokubatsirawo kuteerera mutemo wekuzvibata. Zvinhu zvishoma zvinozoomesa upenyu hwako nokukurumidza kupfuura kutyora mutemo wohumwari uyu. Kune avo vakaita zvibvumirano naMwari, hunhu husina kururama ndiyo imwe yenzira dzinokurumidzisa kurasikirwa neuchapupu hwako.

Miyedzo mizhinji yemuvengi isingaperi inosanganisira kutyora ururami hwehunhu hwakanaka. Simba rekusika upenyu ndiro ropafadzo rimwechete rehumwari iro Baba Vokudenga ravanobvumira vana Vavo venyama kushandisa. Nokudaro, Mwari vakamisa nhungamidzo dzakajeka dzokushandisa simba benyu, rohumwari iri. Kubatana muviri kwezvepabonde kunongova chete kwemurume nemudzimai vakaroorana.

Ruzhinji rwepanyika harwubvumi izvi, asi mafungiro eruzhinji haasiriwo anosarudza kuti chokwadi ndechipi. Ishe vakazivisa kuti hakuna munhu asingazvibati achawana umambo hweseresitiyaro. Naizvozvo apo paunoita sarudzo maererano nehunhu hwakanaka, ndapota funga seresitiyaro. Uye kana wanga usingazvibate, ndinoteterera kwauri kuti utendeuke. Huya kuna Kristu ugogamuchira vimbiso Yake yeruregerero rwakakwana apo pauno tendeuka zvakazara pazvivi zvako.16

Mufananidzo
Three young children sit together and watch a session of conference together. Part of a worldwide series of photographs taken in connection with General Conference. September 30 - October 1, 2023. Pictures were taken in Denmark.

Denmark

Apo paunofunga seresitiyaro, unozoona zviedzo nerupikiso neimwe nzira itsva. Apo mumwe munhu waunoda paanorwisa chokwadi, funga seresitiyaro, uye usashaya chokwadi neuchapupu hwako. MuApositora Pauro akaporofita kuti “panguva dzinouya vamwe vachatsauka pakutenda, vachiteerera mweya inonyengera, nedzidziso dzemweya yakaipa.”17

Kunyengera kwemuvengi hakuna magumo. Ndapota iva wakagadzirira. Usambofa wakatora rairo kubva kune vasingatendi. Tsvaka nhungamiro kubva kumanzwi aunokwanisa kuvimba nawo—kubva kuvaporofita, vaoni, nevazaruri uye kubva kuzevezero yeMweya Mutsvene uyo, “unozoratidza kwauri zvinhu zvose izvo zvaunofanira kuita.”18 Ndapota ita basa rezvemweya kuti uwedzere kwaniso yako yekugamuchira zvakazarurwa zvako pachako.19

Apo paunofunga seresitiyaro, rutendo rwako rwunozowedzera. Pandakanga ndichiri mudzidziri webasa wechidiki, mari yandaitambira yaiva $15 pamwedzi. Umwe usiku, mudzimai wangu Dantzel akabvunza kana ndaibhadhara chegumi pamari yandaitambiriswa shoma iyoyo. Ndaiva ndisiri kubhadhara. Ndakatenduka nokukurumidza uye ndikatanga kubhadhara imwe $1,50 pamusoro muchegumi chemwedzi nemwedzi.

Chechi yakachinja here nokuti takawedzera chegumi chedu? Pachokwadi haina. Zvisinei, kuva mubhadhari wechegumi chakazara kwakachinja ini. Ndipo pandakadzidza kuti kubhadhara chegumi kuri maererano nerutendo, kwete mari. Pandakava mubhadhari wechegumi chakazara, mahwindo edenga akatanga kuvhurika kwandiri. Mikana yakatiwandei yehunyanzvi yakatevera yakauya nokuda kwekubhadhara kwedu chegumi kwakatendeka.20

Kubhadhara chegumi kunoda rutendo, uye kunovakawo rutendo munaMwari neMwanakomana Anodiwa Wavo.

Kusarudza kurarama upenyu hwakarurama munyika inokurudzira zvenyaya dzepabonde, nezvematongerwo enyika kunovaka rutendo

Kupedza nguva yakawanda mutemberi kunovaka rutendo. Uye mushando wako nekunamata kwako mutemberi zvinozokubatsira kufunga seresitiyaro. Temberi inzvimbo yezvakazarurwa. Imomo unoratidzwa mafambiriro mberi okuita wakananga kuupenyu hweseresitiyaro. Imomo unoswededzwa pedyo neMuponesi uye ugopuwa mukana mukuru kusimba Rake. Imomo unotungamirirwa mukugadzirisa matambudziko emuupenyu hwako, kunyangwe matambudziko ako anonyanya kuvhiringidza.

Zvisungo nezvibvumirano zvemutemberi zvine ukoshi hwokusingaperi. Tinoenderera mberi nekuvaka mamwe matemberi kuitira kuti mikana inoera iyi ive chokwadi muupenyu humwe nehumwe hwenyu. Tinovonga kuzivisa zvirongwa zvedu zvekuvaka temberi mune imwe neimwe yenzvimbo makumi maviri dzinotevera:

  • Savai’i, Samoa

  • Cancún, Mexico

  • Piura, Peru

  • Huancayo, Peru

  • Viña del Mar, Chile

  • Goiânia, Brazil

  • João Pessoa, Brazil

  • Calabar, Nigeria

  • Cape Coast, Ghana

  • Luanda, Angola

  • Mbuji-Mayi, Democratic Republic of the Congo

  • Laoag, Philippines

  • Osaka, Japan

  • Kahului, Maui, Hawaii

  • Fairbanks, Alaska

  • Vancouver, Washington

  • Colorado Springs, Colorado

  • Tulsa, Oklahoma

  • Roanoke, Virginia

  • Ulaanbaatar, Mongolia

Ishe varikutiraira kuti tivake matemberi aya kutibatsira kuti tifunge seresitiyaro. Mwari vanorarama. Jesu ndiye Kristu. Chechi Yake yakadzorerwa kuropafadza vana vose vaMwari. Ndinopupura kudaro nemuzita rinoera raJesu Kristu, ameni.

Manotsi

  1. Ona Johane 6:38.

  2. Aruma 7:11.

  3. Ona Aruma 7:12.

  4. Dzidziso neZvibvumirano 19:18.

  5. 2 Nifai 9:40.

  6. 2 Nifai 28:7.

  7. Zvingaratidzika kuva zviri nyore kutendeuka uye kufambira mberi panezvepamweya pano panyika, apo mweya wedu paunenge uchakabatanidzwa nomuviri wedu, pane munyika inotevera pakati penguva yatinofa nekuzomutswa kuvakafa. Sokudzidzisa kwakaita Amureki vaZoramu vakanga vatsauka kuti, “Upenyu huno ndiyo nguva … yokugadzirira kusangana naMwari” (ona Aruma 34:32–35).

  8. 2 Nifai 9:39.

  9. Ona Mosaya 4:30 apo Mambo Benjamini paanotsiura vanhu vake achiti, “Kana mukasazvichenjerera, uye pfungwa dzenyu, uye mashoko enyu, uye zviito zvenyu, uye nokucherechedza mirairo yaMwari, uye muchienda mberi murutendo … munofanira kuparara.”

  10. Dzidziso neZvibvumirano 132:7; kusimbisa kwakawedzerwa.

  11. Pachokwadi, kwaniso yokuzvisarudzira yako haikwanisi kudziviririra kwaniso yokuzvisarudzira yomumwe uye nemhedzisiro dzesarudzo dzomumwe munhu. Ndaiva nechido chikurusa chokusunganidzwa kuvabereki vangu. Zvisinei, ndakamirira kusvikira ivo vasarudza kutora indaumendi dzavo, apo pavaiva vava nemakore okuzvarwa anopfuura makumi masere. Zvino vakazosunganidzwa semurume nomukadzi, uye isu vana tikasunganidzwa kwavari.

  12. Magwaro matsvene anopupura kakawanda kuti chipo cheupenyu hwokusingaperi chinokwanisika chete kuburikidza nekodzero, ngoni, uye nyasha dzeMuponesi Jesu Kristu (ona, semuenzaniso, Moronai 7:41; onawo 2 Nifai 2:6–8. 27).

  13. Ona 2 Nifai 2:11.

  14. Ona Dzidziso neZvibvumirano 122:7.

  15. Dzidziso neZvibvumirano 121:8.

  16. Ona Muporofita Isaya 1:16–18; Dzidziso neZvibvumirano 58:42–43.

  17. 1 Timotio 4:1. Ndima inotevera inoenderera mberi nokuti, “Vachinyengerwa navanoreva nhema, vakapiswa pahana dzavo nedare rinopisa” (ndima 2). Pauro akazivisawo kuti avo vose “vanoda kunamata Mwari munaKristu Jesu vachatambudzwa” (2 Timotio 3:12).

  18. 2 Nifai 32:5; kusimbisa kwakawedzerwa. Kana tikazokumbira, tinogona “kugamuchira zvakazarurwa pamusoro pezvakazarurwa, ruzivo pamusoro peruzivo” (Dzidziso neZvibvumirano 42:61).

  19. Ona Russell M. Nelson, “Zvakazarurwa zveChechi, Zvakazarurwa zveUpenyu Hwedu, Liahona, Chivabvu 2018, 96.

  20. Izvi hazvirevi ukama pakati pechiito nemhedzisiro yacho. Vamwe vasingambobhadhari chegumi vanowana mikana yehunyanzvi, apo vamwe vanobhadhara chegumi havaiwani mikana iyoyo. Vimbiso ndeyokuti mahwindo edenga anozozarurirwa mupi wechegumi. Chimiro chemaropafadzo chinozosiyana.

Dhinda