Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona, Chivabvu 2023
Umambo hweKubwinya
Zvikamu Zvakatorwa
Dzidziso dzakazarurwa dzeChechi yaJesu Kristu yakadzorerwa dzinodzidzisa kuti vana vose vaMwari—kusara kwavashomasa zvokutaurwa pano—vanozopedzisira vagara nhaka yehumwe hweumambo hutatu hwekubwinya, kunyangwe huduku hwahwo “hunopfuura kwose kunzwisisa” [Dzidziso neZvibvumirano 76:89]. …
Imwe dzidziso nemaitiro akasiyana zveChechi yakadzorerwa mirairo nezvibvumirano zvakazarurwa zvinopa vana vose vaMwari ropafadzo rinoera rekukodzera chinhanho chepamusoro-soro chekubwinya muumambo hweseresitiyaro. Mugumo epamusoro-soro iwayo—kusimudzirwa kumusoro-soro muumambo hweseresitiyaro—ndiyo nangiso yeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. …
… Mukubwinya “kweseresitiyaro” mune matanho matatu, repamusoro-soro rinova kusimudzirirwa kumusoro-soro muumambo hweseresitiyaro. …
Chirongwa chaMwari, chakamiswa pachokwadi chokusingaperi, chinodikanwa kuti kusimudzirwa kumusoro-soro kunokwanisa kuwanikwa chete kuburikidza nerutendeko kuzvibvumirano zvemuchato wokusingaperi pakati pemurume nemukadzi mutemberi tsvene, uyo muchato pakupedzisira unozovapo kuna vakatendeka vose. …
Mutongo Wokupedzisira hausi chete wongororo yebwerengedzo yezviito zvakanaka nezvakaipa—izvo zvatakaita. Uri maererano nemugumisiro wokupedzisira wezviito zvedu nemifungo yedu—izvo zvatakava. Tinokodzera upenyu hwokusingaperi kuburikidza nenhanho yerupinduko. …
Nokuda kwaJesu Kristu neRudzikinuro Rwake, apo patinotadza muupenyu huno, tinokwanisa kutendeuka uye topinda zvakare mugwara rechibvumirano rinotungamirira kune izvo Baba vedu Vokudenga zvavanoshuvira kwatiri.
© 2023 ne Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Liahona Message, November 2023.Language.19050 731