Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona Chivabvu 2023
Dzidziso dzaJesu Kristu
Zvikamu Zvakatorwa
Sokudzidzisa kwatakaitwa naMuporofita Nifai, tinofanira “kudya pamashoko aKristu, nokuti tarisai, mashoko aKristu anozokutaurira zvinhu zvose izvo zvaunofanira kuita.”1 … Shoko rangu nhasi rinosanganisira zvakasarudzwa zvemashoko eMuponesi wedu—izvo zvaAkataura. …
“[Murairo mukuru mumutemo ndeuyu:] ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, nomweya wako wose nokufunga kwako kwose.
“uyu ndiwo murairo mukuru wokutanga.
“Uye wechipiri unofanana nawo, ndiwoyu: Ida wokwako sezvaunozvida iwe.
“Murairo wose navaporofita zvakabatanidzwa pamirairo iyi miviri.”2 …
“Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, munofanira kuchenjerera nokunamata nguva dzose, kuti musava munoedzwa nadhiabhorosi, uye mugotungamirwa muutapwa naye.”3 …
“Naizvozvo, chipi nechipi zvacho chamuchaita, muchachiita muzita rangu; naizvozvo imi muchadaidza chechi muzita rangu.”4 …
“Zvino uyu ndiwo murairo: Tendeukai, imi mose mativi epanyika, uye huyai kwandiri uye mubhabhatidzwe muzita rangu, kuitira kuti mugotsveneswa kuburikidza nokutambira Mweya Mutsvene, kuti imi mugomira musina mavara pamberi pangu pazuva rokupedzisira.”5 …
Tinotenda muna Kristu. Ndinopedzisira neizvo zvaAkataura pamusoro pamaziviro uye nemateverero atinofanira kuita dzidziso Dzake.
“Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uchatumwa naBaba muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvose, nokukuyeuchidzai zvose, zvandakareva kwamuri.”6
© 2023 by Intellectual Reserve, Inc. All rights reserved. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yemuChirungu: 6/19. Mvumo yeDudziro: 6/19. Dudziro yeMonthly Liahona Message, May 2023. Language. 19025 731