2023
Kuwana Runyararo Rwako Pachako
Chivabvu 2023


Shoko reMwedzi Woga Woga reLiahona Chivabvu 2023

Kuwana Runyararo Rwako Pachako

Zvikamu Zvakatorwa

Mufananidzo
pepa rinonamirwa kumadziro

Nhasi ndinozotaura nezve izvo zvandakadzidza pamusoro pechishamiso chokuwana runyararo rwako pachako, zvisinei nokuti mamiriro ezvinhu edu akaita sei. …

Ndadzidza zvokwadi zvitatu kubva kudzidziso yeMuponesi.

Chokutanga, chipo cherunyararo chinopuwa mushure mokunge tava nerutendo rwokuchengeta mirairo Yake. …

Chechipiri, Mweya Mutsvene unozouya uye wogara nesu. …

Chechitatu, Muponesi unovimbisa kuti apo patinochengeta zvibvumirano zvedu, tinokwanisa kunzwa rudo rwaBaba uye rweMwanakomana kune mumwe nemumwe wavo uye kwatiri. …

Chechina, kuchengeta mirairo yaIshe kunoda zvakawanda kupfuura kuteerera. Tinofanira kuda Mwari nemwoyo wedu wose, nesimba redu rose, nepfungwa dzedu dzose, uye nemweya wedu wose. …

Chechishanu, zvakajeka kuti Ishe vaitida zvakakwana kuripira mutengo wezvivi zvedu kuitira kuti tikwanise—kuburikidza nerutendo rwedu maVari uye nerutendeuko rwedu, kuburikidza neshanduro dzeRudzikinuro Rwavo—kuva nechipo cherunyararo urwo “runopfuura kunzwisisa kwose” [VaFiripi 4:7], muupenyu hwuno uye naVo nokusingaperi. …

Nhengo nemuChechi mose dzakanzwa chipo chaIshe cherunyararo rwemunhu pachake. Vari kukurudzira munhu wose kubatsira vamwe kuti vave nemikana yokuuya kwaVari uye vakodzere runyararo rumwecheterwo ivo pachavo. Ivo, somugumisiro, vanozosarudza kutsvaka femero yokuziva kuti vangakwanisa sei kupa chipo ichocho kuna vamwe.

Chizvarwa chiri kukura chinozova vareri vechizvarwa chinotevera. Chiito chokuwedzera kakapetwa chinozounza chishamiso. Chinozopararira uye chokura nekufamba kwenguva, uye umambo hwaIshe panyika hwunozova hwakagadzirira uye hwakamirira kuVatambira nedaidziro dzehosana. Panozova nerunyararo panyika.

Dhinda