2000–2009
Namatai Nguva Dzose
Gumiguru 2008


Namatai Nguva Dzose

Munamato unova unonyanya kureva chinhu apo patinotsvaga rairo kuna Ishe mune zvose zvitinoita, apo patinopa kutenda kwedu nemwoyo wose, uye apo patinonamatira vamwe.

Shoko rangu mumusangano mukuru wakapfuura rakanangisa pamusimboti wevhangeri wekukumbira murutendo mumunamato. Nhasi ndinoda kukurukura nezve mimwe misimboti mitatu inokwanisa kubatsira minamato yedu kuti ive inonyanya kureva chinhu, uye ndinonamatira rubatsiro rweMweya Mutsvene kwandiri nekwamuri.

Musimboti nhamba 1. Munamato unova unonyanya kureva chinhu apo patinotsvaga rairo kuna Ishe mune zvose zvatinoita (ona Aruma 37:37).

Nemamwe mazwi, munamato kutaura kuna Baba Vekudenga kunobva kuvanakomana nevanasikana Vavo panyika. “Apo patinongodzidza hukama hwechokwadi hwatiinahwo kuna Mwari (hwekuti, Mwari ndiBaba vedu, uye isu tiri vana Vavo), zvino pakarepo munamato unobva wava chiito chemusikirwo uye chinhu chinongoitika kwatiri” (Bible Dictionary, “Prayer,” 752). Tinorairwa kunamata nguva dzose kuna Baba muzita reMwanakomana (ona 3 Nifai 18:19–20). Tinovimbiswa kuti kana tikanamatira nemwoyo wose izvo zvakarurama uye zvakanaka uye maererano nechido chaMwari, tinokwanisa kuropafadzwa, kudzivirirwa, uye kutungamirwa (ona 3 Nifai 18:20; D&Z 19:38).

Zvakazarurwa iziviso inobva kuna Mwari kuvana Vavo panyika. Apo patinokumbira murutendo, tinokwanisa kugamuchira zvakazarurwa pamusoro pezvakazarurwa neruzivo pamusoro peruzivo, uye tigosvika pakuziva zvakavanzika uye zvinhu zverunyararo zvinounza mufaro neupenyu hwokusingaperi (ona D&Z 42:61). Zvakavanzika ndeizvo zvinhu zvinokwanisa kuzivikanwa nekunzwisiswa chete nesimba reMweya Mutsvene (ona Harold B. Lee, Ye Are the Light of the World [1974], 211).

Zvakazarurwa zvaBaba neMwanakomana zvinounzwa kuburikidza nenhengo yechitatu yeMusoro weHumwari, kunyange Mweya Mutsvene. Mweya Mutsvene ndiwo chapupu uye mutumwa kuna Baba neMwanakomana.

Nzira dzakashandiswa naMwari mukusika pasi dzinorairidza mukutibatsira kunzwisisa maitiro atingaita kuti munamato ureve chinhu. Muchitsauko chechitatu chebhuku raMosesi tinodzidza kuti zvinhu zvose zvakasikwa pamweya zvisati zvasikwa pamusoro penyika.

“Uye zvino tarisai, ndinotaura kwamuri, kuti izvi ndizvo zvizvarwa zvedenga nezvepasi, apo pazvakasikwa, muzuva iro ini Ishe Mwari, randakagadzira denga nepasi,

“Uye chose chirimwa chemusango chisati chave muvhu, negwenzi rose remusango risati rakura. Nokuti, Ini Ishe Mwari, ndakasika zvinhu zvose, izvo zvandakataura nezvazvo, zviri mumweya, zvisati zvave sezvazviri pamusoro penyika” (Mosesi 3:4–5).

Tinodzidza kubva mundima idzi kuti kusikwa pamweya kwakatangira kusikwa panyama. Nenzira imwecheteyo, munamato wemangwanani uyo unoreva chinhu chikamu chakakosha mukusikwa pamweya kwezuva rega rega—uye kunotangira kusikwa panyama kana kuti kuzadzikiswa chaiko kwezuva. Sezvazvari kuti kusikwa kwepanyama kwakabatanidzirwa uye ienderero mberi yekusikwa kwepamweya, saizvozvowo minamato yemangwanani neyemanheru inoreva chinhu yakabatanidzwa uye kuenderera mberi, kwemumwe nemumwe.

Fungai muenzaniso uyu. Pangangova paine zvinhu muhunhu hwedu, mumaitiro edu, kana maererano nekukura kwedu pamweya izvo zvatinofanira kutsvaga rairo nezvazvo kuna Baba Vekudenga mumunamato wemangwanani. Mushure mekunge tapa kutenda kwakakodzera kwemaropafadzo atakagamuchira, tinotetererera kunzwisisa, nhungamiro, uye rubatsiro rwekuita zvinhu zvatisingakwanise kuita tiritega musimba redu pachedu. Semuenzaniso, apo patinonamata, tingango:

  • Funga pamusoro penguva idzo dzatakataura nehasha kana zvisina kukodzera kune avo vatinonyanya kuda.

  • Nzwisisa kuti tinoziva zvirinani pane kuita zvinhu zvakadaro, asi kazhinji hatiwanzoita zvinoenderana neizvo zvatinoziva.

  • Taura kudemba kukuru pamusoro peutera hwedu uye nekusabvisa hunhu hwenyama nemwoyo wose.

  • Sarudza kufananisa upenyu hwedu kuMuponesi zvakanyatsozara.

  • Kutetererera simba guru rekuita zviri nani uye nekuva nani.

Munamato wakadai chikamu chakakosha chegadziriro yemweya yezuva redu.

Mukufamba kwezuva, tinochengeta munamato mumwoyo medu wekuti tirambe tichiwana rubatsiro nenhungamiro—kunyangwe sekuraira kwakaita Aruma kuti: “Ita kuti pfungwa dzako dzose dzinangiswe kuna Ishe” (Aruma 37:36).

Tinocherechedza nemuzuva iroro ratinenge tanamata nemwoyo wose mangwanani kuti pane nguva idzo dzatinowanzove netsika yekutaura nehasha, asi hatizodaro; kana kuti tingangoda kushatirwa, asi hatizodaro. Tinoziva rubatsiro nesimba zvekudenga uye neruninipo tinocherechedza mhinduro kumunamato wedu. Kunyangwe muchinguva ichocho chekucherechedza, tinopa munamato wakanyarara wekutenda.

Pakupera kwezuva redu, tinopfugama zvakare tosuma zviitiko zvezuva kuna Baba vedu. Tinoongorora zviitiko zvezuva iroro uye topa kutenda kwemwoyo wose nemaropafadzo nerubatsiro zvatagamuchira. Tinotendeuka uye, nerubatsiro rweMweya waIshe, towana nzira dzatinokwanisa kuita zvirinani uye kuva nani mangwana. Naizvozvo munamato wedu wemanheru unova wedzero uye enderero yemunamato wedu wemangwanani. Uye munamato wedu wemanheru igadzirirowo yemunamato wemangwanani unoreva chinhu.

Minamato yemangwanani neyemanheru—uye minamato yose pakati pezuva—haisi isingaenderane, zviitiko zvakapatsanuka; panokudaro, minamato inobatanidzwa pamwechete zuva rega rega uye kune mamwe mazuva, mavhiki, mwedzi, uye kunyange makore. Izvi nechimwe chikamu ndiwo mazadzikisiro atinoita rairo yemumagwaro matsvene yekuti “namatai nguva dzose”(Ruka 21:36; 3 Nifai 18:15, 18; D&Z 31:12). Minamato inoreva chinhu yakadai inobatsira mukuwana maropafadzo epamusoro-soro ayo Mwari avanochengetera vana Vavo vakatendeka.

Munamato unova unoreva chinhu apo patinoyeuka hukama hwedu kuna Mwari uye toteera kurairo yekuti:

“Chemera kuna Mwari kuitira kutsigirwa kwako kwose hongu, ita kuita kwako kwose kuve muna Ishe, uye kana kwose kwaunoenda ita kuti kuve muna Ishe; hongu, ita kuti pfungwa dzako dzose dziende kuna Ishe; hongu, ita kuti rudo rwemwoyo wako rwuiswe muna Ishe nariini.

“Tsvaga rairo kuna Ishe mune zvose zvaunoita, uye vanokutungamirira kune zvakanaka; hongu, kana wave kurara mauro rara uri muna Ishe, kuti vakuchengete mukurara kwako; uye paunomuka mangwanani mwoyo wako ngauve wakazadzwa nekutenda kuna Mwari; uye kana ukaita zvinhu izvi, uchasimudzwa musi wekupedzisira” (Aruma 37:36–37; kusimbiswa kwakawedzerwa).

Musimboti nhamba 2. Munamato unova unonyanya kureva chinhu apo patinotaura kutenda kwemwoyo wose.

Panguva yekushandira kwedu paBrigham Young University–Idaho, Sisita Bednar neni taikoka kakawanda Vatungamiri Vakuru kumba kwedu. Mhuri yedu yakadzidza chidzidzo chakakosha pamusoro pemunamato unoreva chinhu apo patakapfugama kuti tinamate mamwe manheru nenhengo yeChikwata cheVaapositori vane Gumi neVaviri.

Mumangwanani ezuva iroro Sisita Bednar neni takanga taziviswa nezverufu rusina kunge rwakatarisirwa rweshamwari inodikanwa, uye chishuwo chedu pakarepo chaive chekunamatira mudzimai akanga asara nevana. Apo pandakakoka mudzimai wangu kuti ape munamato wacho, nhengo yevane Gumi neVaviri iyi, isingazive nezve dambudziko iri, nenzira inetsitsi yakaraira kuti mumunamato wacho Sisita Bednar vape chete kutenda nemaropafadzo akagamuchirwa uye vasakumbire chinhu. Rairo yake yaive yakafanana nerairo yaAruma kunhengo dzeChechi yekare kare yekuti “vanamate vasingamire, uye vape kutenda muzvinhu zvose” (Mosaya 26:39). Nekuda kwedambudziko risina kunge rakatarisirwa iri, kukumbira maropafadzo eshamwari dzedu kwakaratidzika pakutanga kwatiri kuva kwaidikanwa nekukurumidza kupinda kupa kutenda.

Sisita Bednar vakadaira murutendo kunhungamiro yavakanga vagamuchira. Vakatenda Baba Vekudenga nezviitiko zvakakosha uye zvisingakanganwiki zvatakava nazvo neshamwari iyi inodikanwa. Vakataura kutenda kwemwoyo wose kweMweya Mutsvene seMunyaradzi uye nezve zvipo zveMweya izvo zvinotikwanisa kutarisana nematambudziko uye kushandira vamwe. Chakakoshesesa, vakataura kutenda nechirongwa cheruponeso, nerudzikinuro rwekuzvipira rwaJesu Kristu, neKumuka Kuvakafa Kwake, uye nezvisungo nezvibvumirano zvevhangeri rakadzorerwa izvo zvinoita kuti zvikwanisike kuti mhuri dzive pamwechete nariinhi wose.

Mhuri yedu yakadzidza kubva pachiitiko ichocho chidzidzo chikuru pamusoro pesimba rekutenda mumunamato unoreva chinhu. Nekuda kwaizvozvo uye kuburikidza nemunamato uyu, mhuri yedu yakaropafadzwa nefemero pamusoro pezvinhu zvakawanda zvakanga zvichidzamira pfungwa dzedu uye zvichitinetsa mumwoyo yedu. Takadzidza kuti kutenda kwedu nechirongwa cherufaro uye nebasa reMuponesi reruponeso kwakapa simbiso yaidikanwa uye kwakasimbisa chivimbo chedu chekuti zvose zvaizove zvakanaka kushamwari dzedu dzinodikanwa. Isu takawanawo nzwisiso maererano nezvinhu izvo zvatinofanira kunamata, nekubvunza zvakakodzera pamusoro pazvo murutendo.

Minamato inonyanya kureva chinhu uye yemweya yandakasangana nayo yaive nekutaura kwakawanda kwekutenda uye iine zvikumbiro zvishoma, kana zvaivapo. Sezvo ini ndakaropafadzwa iyezvino nekunamata nevaapositora nevaporofita, ndinoona pakati pevatungamiri ava vemazuva ano veChechi yeMuponesi hunhu humwechetehwo hunotsanangura Mutungamiri weMauto Moronai muBhuku raMormoni: ava varume vane mwoyo izere nekutenda kuna Mwari nekuda kwemikana mizhinji nemaropafadzo mazhinji aVanopa kuvanhu Vavo (ona Aruma 48:12). Uye havawanze mashoko mazhinji–zhinji, nokuti zvakapiwa kwavari izvo zvavanofanira kunamata, uye vakazadzwa nechido (ona 3 Nifai 19:24). Minamato yevaporofita yakaita seyevana vadiki mukureruka nekusimba kwayo nekuda kwehuchokwadi hwayo.

Apo patinoedza kuita kuti minamto yedu ive inonyanya kureva chinhu, tinofanira kuyeuka kuti “hapana chimwe chinoita kuti munhu agumbure Mwari, kana kuti hakuna uyo wavakashatirirwa, kunze kweavo vasingatende ruoko rwavo muzvinhu zvose, uye vasingateerere mirairo yavo” (D&Z59:21). Regai ndikurudzire kuti nguva nenguva imi neni tipe munamato uyo watinongopa chete kutenda nekutaura kuvonga. Tisakumbire chimwe chinhu; tingorega mweya yedu ifare uye tiedze kutaura kutenda nesimba rose remwoyo yedu.

Musimboti nhamba 3. Munamato unova unonyanya kureva chinhu apo patinonamatira vamwe nechido chaicho uye nemwoyo wechokwadi.

Kukumbira Baba Vekudenga maropafadzo atinoshuvira muupenyu hwedu pachedu zvakanaka uye zvakafanira. Zvisinei, kunamatira vamwe nemwoyo wose, zvose avo vatinoda uye neavo vanotitambudza, chikamuwo chakakosha chemunamato unoreva chinhu. Sezvo kupa kutenda kazhinji muminamato yedu kuchiwedzera kwaniso yekuti zvakazarurwa zviuye kwatiri kakawanda uye zvakasimba, saizvozvowo kunamatira vamwe nesimba rose remweya yedu kunowedzera kwaniso yedu yekunzwa uye nekuteerera izwi raIshe.

Tinodzidza chidzidzo chakakosha kubva pamuenzaniso waRihai muBhuku raMormoni. Lehi akapindura murutendo kurairo yehuporofita uye yambiro maererano nekuparadzwa kweJerusarema. Zvino akanamata kuna Ishe “nemwoyo wake wose, akamirira vanhu vake” (1 Nifai 1:5; simbiso yakawedzerwa). Mumhinduro kumunamato uyu wakasimba, Rihai akaropafadzwa nechiratidzo chinoshamisa chaMwari neMwanakomana Wavo uye nezvekuparadzwa kwaizouya kweJerusarema (ona 1 Nifai 1:6–9, 13, 18). Nekuda kwaizvozvo, Rihai akafara, uye mwoyo wake wose wakazadzwa nekuda kwezvinhu izvo zvaakanga aratidzwa naIshe (ona 1 Nifai 1:15). Ndapota cherechedzai kuti chiratidzo chakauya mumhinduro kumunamato wekuitira vamwe uye kwete nekuda kwechikumbiro cherairo kana nhungamiro yake pachake.

Muponesi muenzaniso wakarurama wekunamatira vamwe nechinangwa chechokwadi. Mumunamato wake mukuru kuna Mwari akamirira vamwe wakataurwa pausiku apo Kuroverwa Pamuchinjikwa kwake kusati kwaitika, Jesu akanamatira Vaapositora Vake uye neVatendi vose.

“Ndinovanyengeterera; handinyengetereri nyika, asi avo vamakandipa; nokuti ndivo venyu. …

“Handinyengetereri ava bedzi, asi naivo vanotendawo neshoko ravo; …

“… kuti rudo rwamakandida narwo, ruve mavari, neni ndive mavari” (Johane 17:9, 20, 26).

Panguva yehushumiri hweMuponesi munyika yeAmerica, Akaraira vanhu kuti vafungisise nezve dzidziso Dzake uye kuti vanamatire runzwisiso. Akaporesa vanorwara, uye Akanamatira vanhu achishandisa mutauro waisakwaniswa kunyorwa (ona 3 Nifai 17:1–16). Mhedzisiro yemunamato Wake yakava yakadzama: “Hakuna munhu anogona kufunga nezve mufaro wakazadza mweya yedu panguva yatakamunzwa achitinamatira kuna Baba” (3 Nifai 17:17). Fungidzira kuti zvingava zvakanga zvakaita sei kunzwa Muponesi wenyika achitinamatira.

Varume kana madzimai edu, vana, uye dzimwe nhengo dzemhuri vanonzwawo here simba reminamato yedu inopihwa kuna Baba kuitira zvidikanwi nezvido zvavo chaizvo? Avo vatinoshandira vanotinzwa here tichivanamatira nerutendo uye nemwoyo wose? Kana avo vatinoda uye vatinoshandira vasina kunzwa uye vasina kuva neshanduro yeminamato yedu yemwoyo wose takavamiririra, zvino nguva yekutendeuka ndiyo ino. Apo patinotevedzera muenzaniso weMuponesi, minamato yedu zvechokwadi inozova inonyanya kureva chinhu.

Tinorairwa “kunamata nguva dzose” (2 Nifai 32: 9; D&Z 10:5; 90: 24)—“tichidaidzira uye nechemumwoyo [yedu]; … Pamberi penyika pamwepo nemuruvande, paruzhinji uye pamwepo nepako wega” (D&C 19:28). Ndinopupura kuti munamato unova unonyanya kureva chinhu apo patinotsvaga rairo kuna Ishe mune zvose zvatinoita, apo patinotaura kutenda nemwoyo wose, uye apo patinonamatira vamwe nechinangwa chechokwadi chaicho uye nemwoyo wose.

Ndinopupura kuti Baba Vekudenga vapenyu uye kuti Vanonzwa nekupindura wose munamato wemwoyo wose. Jesu ndiye Kristu Muponesi wedu, neMuyananisi. Zvakazarurwa ndezvechokwadi. Kuzara kwevhangeri kwakadzorerwa pasi pano mumukuwo uno. Ndinopupura kudaro muzita rinoyera raJesu Kristu, ameni.

Dhinda