2000–2009
Kushumira kweNgirozi
Gumiguru 2008


Kushumira kweNgirozi

Mwari havambofa vakatisiya tiri toga, havambofa vakatisiya tisina rubatsiro muzvinetso zvatinotarisana nazvo.

Apo Adamu naEva pavakauya nokuzvidira muupenyu huno hunofa, vaiziva kuti nyika yeteresitiyaro iyi yaizova neminzwa norukato uye nematambudziko erudzi rwese. Pamwe vakaziva kuti chinetso chavo chikurusa, zvisinei, chakanga chisiri matambudziko nenjodzi dzavaizo shingirira padziri asi chokwadi chekuti zvino vaizova kure kubva kuna Mwari, kuparadzaniswa kubva kwaVari avo vavakanga vafamba nokutaura navo, avo vakanga vavapa rairo ivo pachavo. Mushure mesarudzo yavakaita vachiziva iyi, sezvinotaurwa nerondedzero yekusikwa, “havana kuvaona; nokuti vakanga vavharidzirwa kubva pamberi pavo.”1 Pakati pazvimwe zvese zvinofanira kunge zvakavanetsa, chokwadi ichi chinofanira kunge chakavanetsa zvakanyanyisa.

Asi Mwari vaiziva zvinetso zvavaizotarisana nazvo, uye chokwadi Vaiziva kuti dzimwe nguva vaizonzwa kusurikirwa nokunetsaka zvakadii. Saka Vakataririra mhuri Yavo yepanyika pano nguva dzose, vakanzwa minamato yavo nguva dzose, uye vakatuma vaporofita (uye pashure vaapositora) kuzovadzidzisa, kuvaraira, nokuvatungamirira. Asi munguva dzehudikanwi hwakakosha, Vakatuma ngirozi, vatumwa vehumwari, kuzoropafadza vana Vavo, kuzovimbisa kuti denga rakanga riri pedyosa nguva dzose uye kuti rubatsiro Rwavo rwaigara rwuri pedyosa. Chokwadi, chinguva chidiki mushure mekunge Adamu naEva vazviwana vari munyika inerusuwo uye inosuwisa, ngirozi yakazviratidza kwavari,2 iyo yakavadzidzisa zvaireva mupiro wavo uye basa rorudzikinuro reMununuri wakavimbiswa uyo aizouya.

Apo nguva yekuuya kweMuponesi uyu payakanga yava pedyo, ngirozi yakatumwa kuzozivisa kuna Maria kuti aizova amai veMwanakomana waMwari.3 Zvino hondo yengirozi yakagadzwa kuti iimbe pahusiku uhwo mwana Jesu hwaakazvarwa.4 Chinguva chidiki mushure maizvozvo ngirozi yaizotaura kuna Josefa kuti mwana akanga achangozvarwa aiva munjodzi uye kuti mhuri diki iyi yaifanira kutizira kuEgipita kuitira dziviriro.5 Apo pazvakanga zvisisina njodzi kudzokera, ngirozi yakataura shoko iroro kumhuri uye vatatu ivavo vakadzokera kunyika yenhaka yavo6

Kubvira pakutanga zvichidzika nemumikuwo yepashure, Mwari vakashandisa ngirozi sevamiririri Vavo mukuratidza rudo nehanya zvevana Vavo. Nguva yandinayo kutaura pano haibvumidzi kunyangwe hurukuro dikidiki yemangwaro matsvene kana nhoroondo yemazuva ekupedzisira yedu pachedu, izvo zvakazara zvikuru nerondedzero dzengirozi dzichishumira kuna avo vari pasi, asi dzidziso yekushumira kwengirozi chokwadi yakakosha zvikuru uye kune mienzaniso yayo yakawanda zvikuru munhoroondo.

Kazhinji vanhu vakadaro havasi vanoonekwa. Dzimwe nguva vanoonekwa. Asi kuonekwa kana kusaonekwa vanogara vari pedyo. Dzimwe nguva mabasa avo akakura zvikuru uye akakosha chaizvo kunyika yose. Dzimwe nguva mashoko acho anenge akavanzika. Nguva nenguva chinangwa chehungirozi ndeche kuyambira. Asi kazhinji kacho ndeche kunyaradza, kupa rumwe rudzi rwekutaririra kunetsitsi, nhungamiro munguva dzakaoma. Apo muchiroto chaRihai paakazviwana ari munzvimbo yaityisa “ine rima uye iri gwenga rinorusuwo,” sokutsanangura kwaakaiita, akatambirwa nengirozi, “murume … akanga akapfeka hanzu chena; … akataura kwandiri,” akadaro Rihai, “uye akati ndimutevere.”7 Rihai akamutevera kuenda kwaiva kusina njodzi uye pokupedzisira kunzira yeruponeso.

Munguva yeupenyu tose tinoita nguva tiri munzvimbo dzine “rima uye norusuwo”, mumarenje, mumamiriro ezvinhu erusuwo kana kutya kana kuora mwoyo. Zuva ranhasi redu rakazadzwa nekunetseka kukuru kwepasi rose kunounzwa nematambudziko makuru ezvemari, nhamo dzemagetsi, kurwisa kwemagandanga, uye njodzi dzekunze dzinongoitika dzoga. Izvi zvinokonzera kunetseka kwevanhu pachavo nekwemhuri kwete chete pamusoro pedzimba dzokugara uye kuwanikwa kwezvokudya asiwo pamusoro pedziviriro inokosha nokugara zvakanaka kwevana vedu uye huporofita hwemazuva ekupedzisira nezve panyika pedu. Zvakanyanya kukomba kupinda izvi—uye dzimwe nguva zvinoenderana nazvo—inyaya dzekuora kwetsika, kwehunhu uye kwezvemweya kunoonekwa mumarudzi makuru nemadiki, munyika medu uye mhiri kwemakungwa. Asi ndinopupura kuti ngirozi dzichiri kutumwa kuzobatsira isu, kunyangwe sokutumwa kwadzakaitwa kunobatsira Adama naEva, kunobatsira vaporofita, uye chokwadi kunobatsira Muponesi wepanyika pose Pachake. Mateo anonyora muvhangeri rake kuti mushure mokunge Satani ayedza Kristu murenje “ngirozi dzakauya dzikashumira kwaari.”8 Kunyangwe Mwanakomana waMwari, Mwari Pachake, aida runyaradzo rwekudenga panguva yekugara Kwake muupenyu huno hunofa hwepanyika. Uye naizvozvo ngirozi dzicharamba dzichishumira kuvanhu vakarurama kusvikira kumagumo kwenguva. Sokutaura kwakaita Mormoni kumwanakomana wake Moronai, uyo nerimwe zuva aizova ngirozi:

“Zuva rezvishamiso ramira here?

“Kana kuti ngirozi dzakamira kuzviratidza kuvana vevanhu here? Kana kuti vakabvisa here simba roMweya Mutsvene kwavari? Kana kuti vachazviita here, chero chete nguva ichinge ichiripo, kana kuti nyika ichakamira, kana kuti pachine munhu mumwechete pachiso chenyika anofanira kuponeswa?

“Tarisai ndinoti kwamuri, Kwete; nokuti … kuburikidza norutendo kunoita kuti ngirozi dzizviratidze nokushumira kuvanhu. …

Nokuti tarisai, dzinoshanda dziri pasi [paKristu], kushumira maererano neshoko rokuraira kwake, dzichizviratidza kune avo vorutendo rwakasimba nepfungwa dzakasimba mune zvose zveumwari.”9

Ndinokumbira munhu wese anonzwa ndichitaura, kuti akurudzirwe, kuti azadzwe nerutendo, uye kuti arangarire kuti Ishe vakati Ivo “vanozorwa hondo [dzedu] hondo dzevana [vedu], uye [hondo] dzevana vevana vedu.”10 Uye chii chatinoita kukodzera dziviriro yakadaro? Tinofanira “kutsvaga nekushingirira, kunamata nguva dzose, uye kuva tinotenda. [ Zvino] zvinhu zvose zvichashanda pamwechete kupundutso [yedu], kana [isu] tikafamba zvakatwasanuka uye tikarangarira chibvumirano icho chatakabvumirana.”11 Mazuva ekupedzisira haasi nguva yokutya nokudedera. Iwo ava nguva yokutenda nokurangarira zvibvumirano zvedu.

Ndataura pano nezve rubatsiro rwekudenga, nezve ngirozi dzinotumwa kuzotiropafadza panguva yezvinetso. Asi apo patinotaura nezve avo vari midziyo mumaoko aMwari, tinoyeuchidzwa kuti hadzisi dzose ngirozi dzinobva kunyika yemweya uye kudenga. Dzimwe dzacho tinofamba nadzo uye tinotaura nadzo—pano, iyezvino, mazuva ose. Dzimwe dzacho dzinogara munzvimbo dzedu dzatigere isu. Dzimwe dzacho dzakatizvara isu, uye muupenyu hwangu, imwe yadzo yakabvuma kuchata neni. Chokwadi kudenga hakumboratidzi kuva pedyo kupfuura apo patinoona rudo rwaMwari ruchitaridzwa mutsitsi nekuzvipira kwevanhu vakanaka uye vakarurama zvokuti hungirozi ndiro shoko roga rinouya mupfungwa. Gosa James Dunn, vachitaura kubva papurupiti pano chinguva chichangopfuura ichi, vashandisa shoko irori mumunamato wavo kutsanangura vaimbi veBato reVana Vadiki—uye zvingasadaro nei? Nemweya, zviso, uye manzwi evana ivavo mupfungwa dzedu uye pamberi pemeso edu, ndinoda kugoverana nemi rondedzero yakataurwa neshamwari yangu yandaiva nayo kuBYU, Clyn D. Barrus uyo akashaya. Ndinotaura izvi nemvumo yemudzimai wake, Marilyn, nemhuri yavo.

Achitaura nezve hudiki hwake papurazi guru muIdaho, Bhuratha Barrus vakataura nezve basa ravo remanheru oga oga rokuunganidza mombe pamwechete panguva yokukama mukaka. Nokuda kwekuti mombe dzaifura mumafuro aiva kumuganhu kweRwizi Teton urwo kazhinji rwaiva nenjodzi, mutemo wakasimba waiva mumba memhuri yekwa Barrus waiva wekuti panguva yemwaka wemafashamu emuchirimo vana vakanga vasingambofaniri kunotsvaka mombe dzainge dzayambuka rwizi. Nguva dzose vaifanira kudzokera kumba uye vonotsvaka rubatsiro rwevanhu vakuru.

Mumwe mugovera chinguva chidiki mushure mezuva rake rokuzvarwa rechinomwe, vabereki vaBhuratha Barrus vakavimbisa mhuri kuti vaizoenda kunoona bhaisikopo manheru iwayo kana mabasa avo akaitwa nenguva yawo. Asi apo Clyn mudiki paakasvika kumafuro, mombe dzaaitsvaga dzakanga dzayambuka rwizi, kunyangwe zvazvo rwakanga rwakazara zvikuru. Achiziva kuti izvi zvizomutadzisa kuenda kubhaisikopo chinhu chakanga chisingawanzoitika, akasarudza kutevera mombe iye pachake, kunyangwe zvazvo akanga akayambirwa nguva zhinji kusambofa akadaro.

Apo mukomana wemakore manomwe uyu paakakurudzira bhiza rake rakanga rachembera, Banner, kudzika nemurwizi rwaitonhora uye rwaiyerera nesimba guru, musoro webhiza wakanga uri pamusoro pemvura zvishomanana. Dai aiva munhu mukuru akanga akagara pabhiza zvaizenge zvisina njodzi, asi pazera diki raBhuratha Barrus, mafashamu akafukidza muviri wake wose kusara kweapo bhiza paraiurukira mberi nguva nenguva, richiunza musoro waClyn pamusoro pemvura kwechinguva chaingokwana kuti akwanise kufema.

Pano ndinodzokorora mashoko aBhuratha Barrus chaivo:

“Apo Banner parakazokwira pamahombekombe ekune rumwe rutivi rwerwizi, ndakaziva kuti upenyu hwangu hwanga huri munjodzi yakakomba uye kuti ndakanga ndaita chinhu chakaipa zvikuru—ndichiziva ndakanga ndisina kuteerera baba vangu. Ndakanzwa kuti ndaikwanisa kuzvidzikinura chete nokuunza mombe kumba zvisina njodzi mukati. Pamwe zvino baba vangu vaizondiregerera. Asi kwakanga kwatosviba, uye ndakanga ndisingazivi zvechokwadi kwandaiva ndiri. Kupererwa nezvokuita kwakandikurira. Ndakanga ndatota uye ndichitonhorwa, ndarasika uye ndichitya.

“Ndakaburuka kubva pana Banner, ndikawira pasi netsoka dzangu, uye ndikatanga kuchema. Pakati pekuchema kukuru, ndakaedza kupa munamato, ndichidzokorora ndadzokororazve kuna Baba vangu Vokudenga, kuti ‘Ndine urombo. Ndiregerereiwo! Ndine urombo. Ndiregerereiwo!’

“Ndakanamata kwenguva yakareba. Apo pandakazokusimudza musoro pokupedzisira, ndakaona nemumisodzi yangu munhu akanga akapfeka zvichena achifamba kuuya kwandiri. Murima imomo, ndakanzwa chokwadi kuti aifanira kuva ngirozi yakanga yatumwa mumhinduro kuminamato yangu. Handina kusuduruka kana kuita ruzha apo munhu uyu paaisvika, ndakakurirwa zvikuru nezvandaiona. Ishe chokwadi vaizotuma here ngirozi kwandiri, ini ndakanga ndisina kuteerera zvakadaro?

“Zvino inzwi randinoziva rakati, ‘Mwanakomana wangu, ndanga ndichikutsvaga.’ Murima iroro ndakaziva inzwi rababa vangu uye ndikamhanya kuenda mumaoko avo akanga akatambanudzwa. Vakandimbundira zvakasimba, zvino zvinyoro nyoro vakati, ‘Ndanga ndichinetseka. Ndinofara kuti ndakuwana.’

“Ndakaedza kuvataurira kuti ndaiva neurombo zvikuru, asi mashoko akanga asingaumbi mutsetse ndiwo chete akabuda mumuromo wangu waidedera—‘Mazvita henyu … rima … kutya … rwizi … ndoga.’ Pashure usiku ihwohwo ndakaziva kuti apo pandakanga ndisina kudzoka kubva kumafuro, baba vangu vakanga vauya kuzonditsvaga. Apo ini kana mombe patisina kuwanikwa, vakaziva kuti ndakanga ndayambuka rwizi uye kuti ndaiva munjodzi. Nokuda kwekuti kwakanga kwasviba uye kuti zvaiva zvakakosha zvikuru kuti vandiwane nokukurumidza, vakabvisa mbatya dzavo vakasara vakapfeka mbatya dzavo chena dzemukati, vakasungirira shangu dzavo muhuro yavo, uye vakashambira rwizi raiva nenjodzi huru kuzonunura mwanakomana asina kuteerera”12

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa ndinopupura nezve ngirozi, rudzi rwedzose dzekudenga nedze muupenyu huno hunofa. Mukuita kudaro ndinopupura kuti Mwari havambofi vakatisiya tiri toga, havambofi vakatisiya tisina rubatsiro muzvinetso zvatinotarisana nazvo. “Kana kuti vachazviita, chero chete nguva ichinge ichiripo, kana kuti nyika ichakamira, kana kuti pachine murume [kana mukadzi kana mwana] mumwechete pachiso chenyika anofanira kuponeswa.”13 Pane dzimwe nguva, vanhu vese panyika kana munhu pachake, tinokwanisa kunzwa kuti taiswa kure kubva kuna Mwari, kuvharidzirwa kubva kudenga, kurasika, kuva toga munzvimbo dzine rima uye dzinorusuwo. Kazhinji kacho kunetseka ikoko kunokwanisa kunge kuri mugumo wechimwe chinhu chatinenge taita, asi kunyangwe zvakadaro Baba vedu tose vanotaririra nokubatsira. Uye nguva dzose kune idzo ngirozi dzinouya uye dzotipoteredza, dzinoonekwa uye dzisingaonekwi, dzinozikanwa uye dzisingazikanwi, dzine upenyu hwunofa nedzine upenyu hwusingafi.

Tese ngatibvumei zviri nyore muna Ishe, uye ngativei nekutenda kwakanyanya kwevimbiso yaIshe sezvazvakanyorwa muchimwe chezvinyorwa zvitsvene zvinodisiswa naMutungamiri Monson: “Ndichaenda pamberi pehuso hwenyu. Ndichange ndiri kurudyi rwenyu nokuruboshwe rwenyu, … Mweya wangu uchange uri [mumwoyo] yenyu, uye ngirozi dzangu dzakakukomberedzai, kuti dzikusimudzirei pamusoro.”14 Mukunamatira ngirozi idzodzo kuti dzitibatsire, ngatiedzei tose kuva nehungirozi zvakatinyanyei isu pachedu—neshoko retsitsi, ruoko rwunotsigira, kutaura pachena rutendo uye “chibvumirano icho [isu] chatakabvumirana.”15 Pamwe zvino isu tinozokwanisa kuva vatumwa vanotumwa kubva kuna Mwari apo mumwe munhu, pamwe mwana weBoka reVana Vadiki, paanenge achichema, “Rima … kutya … rwizi … ndoga.” Ndinonamatira izvi nemuzita raJesu Kristu, ameni.

Dhinda