2010–2019
“Uye Pamusoro paVarandakadzi Mumazuva Iwayo Ndichadurura Mweya Wangu”
Kubvumbi 2010


“Uye Pamusoro paVarandakadzi Mumazuva Iwayo Ndichadurura Mweya Wangu”

Tinoziva kuti tiri kubudirira kana tichirarama zvinoita kuti tikodzere, tigashire, uye tizive nzira yekutevera nayo Mweya.

Mugore rapfuura ndakasangana nezviuru zvemadzimai eVatendi vaMazuva Ekupedzisira munyika zhinji. Zvinetso zvinosangana nemasisita aya zvakawanda uye zvinoita kuti udzamise pfungwa. Vanosangana nezvinetso zvemhuri, kuderera kweupfumi, njodzi huru, tsaona, uye urwere. Kune zvinovhiringidza zvakawanda uye hakuna runyararo nerufaro rwakakwana. Pasinei nezvinogara zvichitaurwa munhau, hapana munhu ane mari yakakwana, akanaka zvakakwana, kana akangwara zvakakwana zvekuti anodzivirira zviitiko zveupenyu hwuno.

Mibvunzo inobvunzwa nemasisita yakakomba uye yakadzama. Vanotaura nekusagadzikana pamusoro peramangwana, rusuwo rwetarisiro dzisina kubudirira, kushaya kuti vosarudza zvipi, uye manzwiro ukuzvitarisira pasi. Vanoratidzawo chido chakadzama chekuita zvakanaka.

Mandiri makakura uchapupu hwakasimba zvinoshamisa hwekukosha kwevanasikana vaMwari. Zvakawanda zvinovimbisirwa pavari. Mukushanyirana kwangu nemasisita, ndakanzwa kuti hakuna kumbove nekudikanwa kukuru kunopfuura iyezvino kwerutendo rwakawedzerwa neururami hwakawedzerwa hwako pachako. Hakuna kumbova nekudikanwa kukuru kwemhuri nedzimba dzakasimba kunopfuura iyezvino. Hakusati kwambova nezvakawanda zvinokwanisa kuitwa kubatsira vamwe vanoshaya kupfuura iyezvino. Munhu anowedzera sei rutendo, anosimbisa sei mhuri uye anopa sei rubatsiro?1 Mazuva ano mukadzi angawana sei mhinduro kumibvunzo yake pachake uye omira akasimba uye asingasuduruki mukutarisana nekupikiswa kukuru nematambudziko makuru?

Kuzarurirwa Kwako Pachako

Mukadzi akanaka anoziva kuti haana nguva yakakwana, simba rakakwana kana mukana wakakwana wekubatsira vanhu vese kana kuita zvinhu zvese izvo mwoyo wake zvaunoda kuita. Upenyu hausi hwakadzikama kumadzimai akawanda, uye zuva roga roga rinotaridzika kuda kuti vabudirire pazvinhu zvakawanda chaizvo, zvizhinji zvacho zvinova zvakakosha. Mukadzi akanaka anofanira kudzivirira nguva dzose mashoko anokwezva uye anonyengera anobva kwakasiyana siyana achimuudza kuti anofanira kuwana nguva yakawanda yekutandara asingaiti zvaanofanira kuita uye kuti anokodzera kuva neupenyu huri nyore uye runerusununguko. Asi kuburikidza nekuzarurirwa kwake pachake, anokwanisa kuisa zvinhu zvinokosha pekutanga muupenyu uye ofamba rwendo rweupenyu aine chivimbo.

Kwaniso yekukodzera zvakazarurwa, kuzvigamuchira, uye kuita zvinoenderana nekuzarurirwa kwako pachako ndiyo hunyanzvi humwechete hunokoshesesa hunokwanisa kuwanikwa muupenyu huno. Kukodzera kugamuchira Mweya waIshe kunotanga nechido cheMweya uwoyo uye zvinoda kuti munhu aratidze kuti akakodzera kuugamuchira. Kuchengeta mirairo, kutendeuka, uye kuvandudza zvibvumirano zvakaitwa parubhabhatidzo kunotungamirira kuchikomborero chekugara tiine Mweya waIshe uinesu nguva dzose.2 Kuita nekuchengeta zvibvumirano zvetembere kunowedzerawo kusimba kwepamweya uye simba kuupenyu hwemukadzi. Mhinduro zhinji kumibvunzo yakaoma dzinowanikwa nekuverenga magwaro matsvene nokuti magwaro matsvene ndiwo rubatsiro kuzvakazarurwa.3 Ruzivo rwunowanikwa mumagwaro matsvene rwunowedzera nekufamba kwenguva, saka zvakakosha kuwana nguva yekudzidza magwaro matsvene zuva nezuva. Kuita munamato zuva nezuva kwakakosha pakuita kuti Mweya waIshe uve nesu.4 Avo vanotsvaga nemwoyo wose rubatsiro kuburikidza nemunamato uye nekunzvera magwaro matsvene vanowanzove nepepa nepenzura pedyo kuti vanyore mibvunzo uye vanyore pasi manzwiro avo nepfungwa dzavo.

Zvakazarurwa zvinogona kuuya awa neawa uye nguva nenguva apo patinoita zvinhu zvakanaka. Apo vakadzi pavanoriritira sokuriritira kwakaitwa naKristu, simba uye rugare zvinodzika pavari kuzotungamirira apo rubatsiro parunenge ruchidikanwa. Semuenzaniso, vanaamai vanogona kunzwa rubatsiro kubva kuMweya kunyangwe pavenenge vaneta, vana vachivachemera, asi vanogona kuparadzaniswa kubva kuMweya kana vakatsamwira vana vavo. Kuva panzvimbo dzakanaka kunoita kuti tigamuchire nhungamiro. Zvinoda kushanda nesimba kubvisa zvinhu zvinovhiringidza, asi kuva neMweya wezvakazarurwa kunoita kuti zvikwanisike kukunda rupikiso uye kushingirira murutendo nemumazuva akaoma uye nemumabasa akakosha emazuva ose. Zvakazarurwa zvako pachako zvinotipa nzwisiso yezvatinofanira kuita zuva nezuva kuitira kuwedzera rutendo neururami hwedu pachedu, kusimbisa mhuri nemisha, uye kutsvaga avo vanoda rubatsiro rwedu. Nokuda kwekuti zvakazarurwa ijerero resimba nguva dzose, zvinokwanisika kuti rubatsiro rwuwande kunyange munguva dzakaoma zvikuru.

Tinoudzwa kuisa vimbiso yedu muMweya uyo unotitungamira kuti ‘tiite zvakarurama, tifambe tichizvininipisa, titonge zvakarurama.”5 Tinoudzwawo kuti Mweya uyu unozojekesa pfungwa dzedu, wozadza mweya yedu nemufaro, uye wotibatsira kuziva zvinhu zvatinofanira kuita.6 Zvakazarurwa zvako pachako izvo zvakavimbiswa zvinouya patinozvikumbira, patinogadzirira kuzvigamuchira, uye tofambira mberi murutendo, tichivimba kuti zvichadururirwa patiri.

Chita cheRubatsiro—Kudzidzisa, Kukurudzira, uye Kusimbisa Vamwe

Mukuwedzera, Ishe muungwaru Hwavo vakapa Chita cheRubatsiro kuti chibatsire vanasikana Vavo mumazuva ano ekupedzisira. Kana Chita cheRubatsiro chikaita zvinhu nenzira yakafemerwa, chinosimudzira madzimai uye chovabudisa munyika ine matambudziko chovaisa munzira yeupenyu inovagadzirira kuzowana makomborero eupenyu husingaperi. Chita ichi basa racho rakakoshesesa ndere kubatsira masisita kukudziridza rutendo uye ururami hwavo pachako, kusimbisa mhuri nemisha, uye kutsvaga nokubatsira vamwe vanoda rubatsiro. Kuburikidza neChita cheRubatsiro, masisita anogona kutambira mhinduro kumibvunzo yavo uye kuropafadzwa nesimba remweya rakabatanidzwa remasista ese. Chita cheRubatsiro chinosimbisa hunhu hwechokwadi uye hwokusingaperi hwevanasikana vaMwari. Chita ichi idziviriro inoyera, chiedza chinotungamirira, uye chirongwa chekutaririra chinodzidzisa nokukurudzira madzimai kuti vave vakasimba uye vasingatsuduruki. Chirevo chacho chinoti, “Rudo harumbokundikani,”7 chinoonekwa mumadzimai ese akanaka.

Apo musikana paanofambira mberi kupinda muChita cheRubatsiro kana apo mudzimai paanobhabhatidzirwa muChechi, anova chikamu chehusisita hunomusimbisa mugadziriro yake yeupenyu husingaperi. Kupinda muChita cheRubatsiro kunoratidza kuti mudzimai anogona kuvimbwa naye kuita mabasa akakosha muChechi. Anoramba achifambira mberi semunhu pachake asingatambire rumbidzo kana rukudzo rwevanhu rwakawanda.

Mutungamiri mukuru wechipiri weChita cheRubatsiro, Eliza R. Snow, akataura izvi kumasisita: “Tinoda kuva madzimai muzviito zvose, kwete maererano nezvinoreva shoko iri semaonerwe arinoitwa nenyika, asi sevafambidzani vakakodzera vevaMwari neAvo Vatsvene. Nenzira yakarongeka tinogona kubatsirana kwete chete mukuita zvakanaka asiwo mukuzvinatsa isu pachedu, uye kana vashoma kana vazhinji vakauya kuzobatsira kupikisa basa guru iri, kunozova neavo vanozozadza zvinzvimbo zvinokudzwa muHumambo hwaMwari. … Madzimai vanofanira kuva madzimai kwete vana vacheche vanoda kurezvwa uye kugadziriswa nguva nenguva. Ndinoziva kuti tinoda kukukosheswa asi kana tikasawana kukosheswa kwese kwatinofunga kuti tinofanira kuwana, zvine mhosva yei? Tinoziva kuti Ishe vakaisa basa guru patiri, uye hapana chishuwo kana chido chakaiswa naIshe mumwoyo yedu muururami chisingazozadzikiswi, uye chinhu chikuru chakanaka chatinogona kuzviitira isu pachedu uye nevamwe ndeche kuzvinatsa nokuzvivandudza muzvinhu zvose zvakanaka uye zvinogonesa kuti tikodzere kuita mabasa iwayo.”8

Kuyera Budiriro

Madzima akanaka anogara aine chido chokuziva kana vari kubudirira. Munyika umo zviyereso zvekubudirira kazhinji mazvisiri kwazvo, zvakakosha kutsvaga kukosheswa uye rukudzo kubva kunzvimbo kwadzo. Kutaura muchidimbu mudorongodzwa unowanikwa mubhuku rinonzi Preach My Gospel, (Paridzai Vhangeri Rangu), tiri kuita zvakanaka patinokudziridza hunhu hwaKristu uye nokuedza kuteerera vhangeri Rake nemazvo. Tiri kuita zvakanaka patinoedza kuzvinatsa pachedu uye nokuita zvese zvatinogona. Tiri kuita zvakanaka apo patinowedzera rutendo uye ururami hwedu pachedu, kusimbisa mhuri nemisha, uye kutsvaga nekubatsira vamwe avo vanoshaya. Tinoziva kuti tiri kubudirira kana tichirarama zvinoita kuti tikodzere, tigashire, uye tizive nzira yekutevera nayo Mweya. Apo patinenge taita zvese zvatinogona chaizvo, tinogona kusangana nekuodzwa mwoyo, asi hatizoori mwoyo tichifunga kuti hatina kuita zvakakwana. Tinokwanisa kuva nechokwadi chekuti Ishe vari kufara apo patinonzwa Mweya uchishanda nematiri.9 Runyararo, mufaro, uye tariro zvinowanikwa nevaya vanoyera budiriro nenzira kwayo.

Zvakazarurwa zviri mubhuku raJoere zvinotaura kuti mumazuva ekupedzisira, vanakomana nevanasikana vaMwari vachaporofita uye Ishe vachadurura Mweya Wavo pamusoro pevaranda Vavo uye varandakadzi Vavo.10 Mutungamiri Spencer W. Kimball vakadzokorora huporofita uhwu pavakati:

“Huzhinji hwehuwandu hwevanhu hukuru huri kuuya kuChechi mumazuva ekupedzisira hunozouya nekuda kwekuti vazhinji vemadzimai akanaka epanyika (umo mavari kazhinji mune manzwiro emukati makuru ezvemweya) vachakwezverwa kuChechi muhuwandu hukuru. Izvi zvichaitika kusvika padanho apo madzimai eChechi ravanotaridza ururami nenzwisiso muupenyu hwavo uye kusvika padanho apo madzimai eChechi pavanoonekwa kuti vakasiyana—munzira dzinofadza—kubva kumadzimai enyika. …

“Nekudaro mienzaniso iyoyo yakanaka yevanhukadzi veChechi ndiyo inozova simba guru muzvose kukura kwehuwandu nekwezvemweya kweChechi mumazuva ekupedzisira.”11

Ndinopupura uchapupu hwangu kuti vhangeri raJesu Kristu ndere chokwadi. Ishe vanovimba nevanasikana Vavo kuti vaite chikamu chavo kusimbisa dzimba dzeZioni uye kuvaka Umambo Hwavo panyika. Apo pavanotsvaka nokukodzera zvakazarurwa zvavo pachavo, Ishe vanozodurura Mweya Wavo pamusoro peVarandakadzi Vavo mumazuva ano ekupedzisira. Nemuzita raJesu Kristu, ameni.

Dhinda