2010–2019
Endererai Mberi muMwoyo Murefu
Kubvumbi 2010


Endererai Mberi muMwoyo Murefu

Zvidzidzo zvatinodzidza kubva mukuva nemwoyo murefu zvinozosimbisa hunhu hwedu, zvinozosimudzira upenyu hwedu, uye nekuwedzera rufaro rwedu.

Muma 1960, purofesa wepaUnivhesiti yeStanford akatanga wongororo duku yekuyedza simba rekuzvidzora revana vane makore mana. Akaisa pamberi pavo chiwitsi chihombe uye ndokuvaudza kuti vaigona kuchidya panguva iyoyo kana kuti, vakambomira kwemaminetsi gumi nemashanu, vaizogona kuva nezviwitsi zviviri.

Zvino akabva asiya vana ava vari vega uye akatarisa zvaiitika ari kuseri kwegirazi rinoonesa zviri mukati. Vamwe vevana ava vakadya chiwitsi chimwechete ichi pakarepo; vamwe vakagona kumirira kwemaminetsi mashomanani chete vasati vakundwa nemuyedzo. Makumi matatu kubva muzana chete ndivo vakakwanisa kumirira.

Yakanga iri wongororo ine kakunakidza, uye purofesa akaenderera mberi kune dzimwe nzvimbo dzetsvagurudzo, nekuti, nemumashoko ake pachake akati, “pane muganhu pazvinhu zvaunogona kuita nevana varikuedza kusadya zviwitsi.” Asi nekufamba kwenguva, akaramba achitevera vana ava uye akatanga kucherechedza kuenderana kwainakidza: vana vasina kukwanisa kumirira vakanetseka pashure muupenyu uye vakanga vaine misikanzwa muzviito zvavo, apo avo vakamirira vaiwanzova netarisiro yakanaka uye vachinzwa kurudziro zvirinani, vaine mamakisi epamusoro uye nokutambira mari yepamusoro, uye vaine hukama hwakanaka.

Zvakatanga sewongororo irinyore nevana nezviwitsi zvakazova chidzidzo chinokosha chinoratidza kuti kwaniso yekumirira—kuve nemwoyo murefu—yaive hunhu hwakakosha hwaigona kufanotaura budiriro yepashure muhupenyu.1

Kumirira Kunogona Kuva Kwakaoma

Kumirira kunogona kuva kwakaoma Vana vanozviziva, uye nevanhu vakuru vanozvizivawo. Isu tinorarama munyika inopa kudya kunobikwa nekukurumidza zvikuru, kutumira mashoko pakarepo neindaneti kana maserufoni, mafirimu anowanikwa paunoadira ipapo, uye mhinduro pakarepo kumibvunzo mizhinji isina basa kana yakakosha zvikuru. Hatidi kumirira. Vamwe vanonzwa kushatirwa apo mutsetse wavo wemuchitoro paunofamba zvishoma kupfuura weavo vakavakomberedza.

Mwoyo murefu—kwaniso yokumbomisa zvido zvedu kwekanguva—hunhu hwakakosha uye husingaonekwi mazuva ose. Tinoda zvatinoda, uye tinozvida ikozvino. Naizvozvo, pfungwa yemwoyo murefu ingangoratidzika seisingafadzi uye, pane dzimwe nguva, seyakaoma kutambira.

Zvakadaro, pasina mwoyo murefu, hatigoni kufadza Mwari; hatikwanisi kuva vakarurama. Chokwadi, kuva nemwoyo murefu inhanho yekuzvinatsa inonatsurudza kunzwisisa, inowedzera mufaro, inonangisa chiito, uye inopa tariro yerunyararo.

Sevabereki, tinoziva kuti zvingave zvisina uchenjeri sei kupa vana vedu zvese zvavanoda. Asi vana havasi ivo chete vanovhiringika pavanopuwa zvose zvavanoda pakarepo. Baba Vedu Vekudenga vanoziva izvo vabereki vakanaka zvavanozosvika pakunzwisisa nekufamba kwenguva: kuti kana vana vachizobvira vakakura uye nokusvika pakwaniso yavo, vanofanira kudzidza kumirira.

Mwoyo Murefu Hakusiri Kungomirira Chete.

Pandaive nemakore gumi ekuberekwa, mhuri yangu yakava vapoteri kune imwe nyika itsva. Ndakanga ndagara ndiri mudzidzi akanaka muchikoro—kusvikira tasvika kuWest Germany. Ikoko, ruzivo rwangu rwedzidzo rwakanga rwakasiyana zvikuru. Jogirafi yataidzidza muchikoro changu yaive itsva kwandiri. Nhoroondo yataidzidza yaive yakasiyanawo chaizvo. Pashure ndakanga ndichidzidza chiRussian semutauro wechipiri; zvino, ndakanga ndodzidza Chirungu semutauro wechipiri. Izvi zvakanga zvakandiomera. Chokwadi, pane dzimwe nguva dzandaitenda zvechokwadi kuti rurimi rwangu rwakanga rwusina kugadzirirwa kutaura Chirungu.

Nekuti zvidzidzo zvizhinji zvakanga zviri zvitsva kwandiri uye ndisingazvizive, ndakasarira kumashure. Kekutanga muhupenyu hwangu, ndakatanga kunetseka kana ndaive ndisina kungwara zvakakwana zvokuti ndive muchikoro.

Sezvineiwo ndaive nemudzidzisi akandidzidzisa kuve nemwoyo murefu. Akandidzidzisa kuti kushanda nesimba uye kuramba ndakashinga—kuramba ndichitsungirira nemwoyo murefu—zvaizondibatsira kudzidza.

Nekufamba kwenguva, zvidzidzo zvakaoma zvakava zvakajeka—kunyangwe Chirungu. Zvishoma nezvishoma ndakatanga kuona kuti kana ndikaedza nesimba, ndaizogona kudzidza. Hazvina kuuya nekukurumidza, asi nemwoyo murefu, zvakauya.

Kubva pachiitiko ichocho, ndakadzidza kuti mwoyo murefu chinhu chinopfuura kungomirira kuti chimwe chinhu chiitike—mwoyo murefu waida kushanda nesimba wakananga kuzvinangwa zvakanaka uye kusaora mwoyo kana mhedzisiro dzikasavapo pakarepo kana kuti dzichida kuedza zvinesimba.

Pane pfungwa yakakosha pano: kuva nemwoyo murefu hakusi kungogara wakamirira pasina chaunoita, kana kutadza kuita chinhu nekuda kwekutya kwedu. Kuva nemwoyo murefu zvinoreva kuita chimwe chinhu wakamirira uye kutsungirira. Zvinoreva kuramba tichiita chimwe chinhu uye kuita zvese zvatinogona—-kushanda, kutarisira, uye nekushandisa rutendo; kutakura matambudziko neushingi, kunyangwe kana zvishuwo zvemwoyo yedu zvichinonoka. Kuva nemwoyo murefu hakusi kungotsungirira; kutsungirira zvakanaka!

Kusava nemwoyo murefu, nerumwe rutivi, chiratidzo cheundingoveni. Hunhu hweavo vanozvida. Kunobva pamamiriro anowanikwa zvakanyanyisa ayo etsika yokuti “ndini chinhu chinokoshesesa muzvisikwa zvese”, iyo inoita kuti vanhu vatende kuti nyika inotenderera pavari uye kuti vamwe vese havana kukosha mumagariro ezveupenyu huno hunofa.

Izvi zvakasiyana zvikuru, mabhuratha angu anodikanwa, kubva kumwero watakamisirwa naIshe sevanhu vane hupirisita.

Mwoyo Murefu, Musimboti weHupirisita

Seavo vane hupirisita uye vamiriri vaIshe Jesu Kristu, tinofanira kushandira vamwe nenzira inoenderana nemuenzaniso Wavo. Pane chikonzero chinoita kuti zvidzidzo zvose pamusoro pehutungamiriri hwehupirisita pane imwe nguva zvinozosvika pachikamu 121 cheDzidziso neZvibvumirano. Mundima shoma, Ishe vanopa dzidziso ineunyanzvi muhutungamiri hwehupirisita. “Hakuna simba kana shanduro inokwanisa kana inofanira kuchengetedzwa nekuda kwehupirisita, asi chete nekunyengetedza, nemwoyo murefu, nehunyoro nekuzvininipisa, uye nerudo rusina kunyengedza.”2

Hunhu netsika zvinotsanangurwa mundima idzi ndizvo hwaro hwemwoyo murefu wehumwari uye zvakabatanidzwa zvisingapatsanurwe kumushandiro unobudirira wehupirisita newehupatiriyaki. Hunhu uhwu hunozokupai simba neuchenjeri mukuzadzisa daidzo dzenyu, mukuparidza vhangeri, mukuwadzana nenhengo dzechikwata, uye mukupa mushandiro wakakoshesesa wehupirisita—unova zvechokwadi mushandiro werudo mukati medzimba dzenyu pachenyu.

Ngatirangarirei nguva dzose kuti chimwe chezvikonzero Mwari chavakapira hupirisita kwatiri ndechekubatsira kutigadzirira makomborero ekusingaperi nekunatsa hunhu hwedu kuburikidza nemwoyo murefu uyo unodikanwa nemushando wehupirisita.

Sezvo Ishe vaine mwoyo murefu nesu, ngativewo nemwoyo murefu kune avo vatinoshandira. Ngatizwisisei kuti ivo, sesu, havana kururama. Ivo, sesu, vanokanganisa. Ivo, sesu, vanoda vamwe kuti vavafunge nenzira yakanaka.

Musambofa makaora mwoyo pamusoro pemunhu upi zvake. Uye izvi zvinosanganisira kuora mwoyo pakodzero dzako pachako.

Ndinotenda kuti mumwe nemumwe wedu, pane imwe nguva, anokwanisa kuzviona akafanana nemuranda ari munyaya yemufananidzo yaKristu uyo aiva nechikwereti chemari kuna mambo uye akateterera mambo, achiti, “Ishe, ivai nemwoyo murefu neni.”3

Nzira yaIshe neNguva Yavo

Vana veIsraeri vakamirira makore makumi mana murenje vasati vakwanisa kupinda munyika yechipikirwa. Jakobho akamirira Racheri makore marefu manomwe. MaJuda akamirira makore makumi manomwe muBhabhironi vasati vakwanisa kudzokera kunovaka temberi zvakare. MaNifai vakamirira chiratidzo chekuzvarwa kwaKristu, kunyangwe vaiziva kuti kana chiratidzo ichi chikasauya, vaizoparara. Miyedzo yaJoseph Smith mujeri reLiberty yakakonzera kuti kunyange muporofita waMwari anetseke kuti, “Kusvikira riini?”4

Panguva imwe neimwe, Baba Vekudenga vaive nechinangwa mukuita kuti vana Vavo vamirire.

Mumwe nemumwe wedu anodaidzwa kuti amirire nenzira yedu pachedu. Tinomirira mhinduro kuminamato. Tinomirira zvinhu izvo panguva iyoyo zvingaratidzike sezvinhu kwazvo chaizvo uye zvakanaka chaizvo kwatiri zvekuti isu hatikwanisi kutombofungidzira kuti sei Baba Vekudenga vanganonotsa mhinduro.

Ndinoyeuka pandakanga ndichigadzirira kudzidziswa semutyairi wendege wehondo. Takapedza chikamu chikuru chekutanga chedu chedzidziso dzechiuto mukusimbisa muviri. Handisati ndanyatsoziva chaizvo kuti sei kumhanya kusina mugumo kwaifungwa sechikamu chegadziriro chakakosha chekuva mutyairi wendenge. Zvisinei, takamhanya tikamhanya tikamhanya zvekare.

Pandakanga ndichimhanya ndakatanga kuona chimwe chinhu icho, kutaura chokwadi, chakandinetsa. Nguva nenguva ndaipfuurwa nevarume vaiputa, vainwa, uye vaiita zvinhu zvemarudzi ose zvaipesana nevhangeri uye, kunyanya, kuShoko reUngwaru.

Ndinoyeuka ndichifunga kuti, “Mira zvishoma! “Handisi ndinofanira here kumhanya uye ndisinganete?” Asi ndakanga ndakaneta, uye ndakapfuurwa nevanhu vaive zvechokwadi vasingambotevereri Shoko reUngwaru. Ndinoreurura, zvakandinetsa panguva iyoyo. Ndakazvibvunza kuti, chivimbiso ichi chaive chechokwadi here kana kuti chaive chisiri?

Mhinduro haina kuuya pakarepo. Asi pakupedzisira ndakadzidza kuti zvivimbiso zvaMwari hazvizadzikwisi nguva dzose nekukurumidza kana nemunzira yatingatarisira; dzinouya maererano nenguva Yavo uye nenzira Dzavo. Mushure memakore mazhinji ndakazoona umboo hwakajeka hwemakomborero epanyama anouya kune avo vanoteerera Shoko reUngwaru—pamusoro pemakomborero emweya ayo anouya pakarepo kubva mukuteerera kune upi zvawo wemitemo yaMwari. Ndichitarisa kumashure, ndinoziva zvirokwazvo kuti zvivimbiso zvaIshe, kana pamwe zvikasakurumidza nguva dzose, zvinozadziswa nguva dzose.

Mwoyo Murefu Unoda Rutendo

Brigham Young akadzidzisa kuti kana paine chimwe chinhu chaiuya chaaisakwanisa kunyatsonzwisisa, ainamata kuna Ishe kuti, “Ndipeiwo mwoyo murefu wekuti ndimirire kusvikira ndakwanisa kuchinzwisisa pachangu.”5 Uye zvino Brigham aizoramba achinamata kusvikira agona kuchinzwisisa.

Tinofanira kudzidza kuti muhurongwa hwaIshe, kunzwisisa kwedu kunouya “mutsetse nemutsetse, uye mutemo nemutemo.”6 Muchidimbu, ruzivo uye nzwisiso zvinoda mwoyo murefu.

Kazhinji nhika dzakadzika dzenguva yedu yazvino dzinozonzwisiswa chete nekutarisa kumashure padziri kubva pamatutu ezviitiko zvedu zveramangwana. Kazhinji hatigone kuona ruoko rwaIshe muupenyu hwedu kusvikira miyedzo yanguri yapfuura kare kare. Kazhinji nguva dzakaomesesa dzeupenyu hwedu zvidhinha zvekuvakisa zvakakosha izvo zvinoumba hwaro hwehunhu hwedu uye zvogadzira nzira yekumukana, kunzwisiso, uye kumufaro mune ramangwana.

Mwoyo Murefu, Chibereko cheMweya

Mwoyo murefu hunhu hwehumwari hunokwanisa kuporesa mweya, kuvhura hupfumi hweruzivo nenzwisiso, uye kushandura varume nemadzimai vamazuva ose kuti vave vatendi uye ngirozi. Mwoyo murefu zvechokwadi chibereko cheMweya.7

Mwoyo murefu unoreva kugara nechimwe chinhu kusvikira kumagumo. Unoreva kunonoka kugutsikana kwepakarepo kuitira makomborero eramangwana. Unoreva kudzora hasha uye kudzora shoko risina tsitsi. Unoreva kuramba zvakaipa, kunyangwe apo pazvinoratidzika sezviri kuita kuti vamwe vapfume.

Mwoyo murefu unoreva kugamuchira izvo zvisingakwanisike kushandurwa uye kutarisana nazvo neushingi, nenyasha uye nerutendo. Unoreva “kuda kuzviisa pasi pezvinhu zvose izvo Ishe zvavanoona zvakakodzera kuisa [patiri], kunyange somwana anozviisa pasi pababa vake.”8 Kupedzisira, mwoyo murefu unoreva kuva “wakasimba nokutsiga uye usingazungunuke mukuchengeta mirairo yaIshe”9 awa rimwe nerimwe rezuva rega rega, kunyangwe pazvinenge zvakaoma kuzviita. Mumashoko aJohane Muzaruriri, “Heino mwoyo mirefu yevatsvene: havano ivo vanochengeta mirairo yaMwari, uye … rutendo [muna] Jesu.”10

Mwoyo murefu inhano yeururami. Muponesi Iye pachake akataura kuti mumwoyo murefu wenyu muchava nemweya yenyu.11 Kana kuti, kushandisa imwe dudziro yechinyora chechiGiriki, mumwoyo murefu wenyu munowana unyanzvi hweruzivo hwemweya yenyu.12 Mwoyo murefu unoreva kugara murutendo, muchiziva kuti dzimwe nguva tinokura zvakanyanya mukumirira kupinda mukugamuchira (mhinduro). Izvi zvaive zvechokwadi munguva yeMuponesi. Ndezvechokwadi munguva yeduwo, nekuti tinorairwa mumazuva ano ekupedzisira kuti “rambai muine mwoyo murefu kudakara maruramiswa.”13

Ishe Vanotikomborera paMwoyo Murefu Wedu

Ndichitaura neimwe nzira manzwi akanyorwa neMupisarema wemakare, kana tikamirira nemwoyo murefu kuna Ishe, Vanozotiteerera. Vanozonzwa kuchema kwedu. Vanozotiburitsa mugomba rinotyisa nekuisa tsoka dzedu padombo rakasimba. Vanozoisa rwiyo rutsva mumiromo yedu, uye tinozorumbidza Mwari wedu. Vazhinji vakatikomberedza vanozozviona, uye vanozovimba muna Ishe.14

Mabhuratha angu anodikanwa, basa rekuva nemwoyo murefu riri pane izvi: chengetai mirairo; vimbai muna Mwari, Baba vedu Vekudenga; Vashandirei nehunyoro uye nerudo serwaKristu; ivai nerutendo netariro muMuponesi; uye musambofa makaora mwoyo. Zvidzidzo zvatinodzidza kubva mukuva nemwoyo murefu zvinozosimbisa hunhu hwedu, zvinozosimudzira upenyu hwedu, uye nekuwedzera rufaro rwedu. Zvinozotibatsira kuti tive vanehupirisita vakakodzera uye vadzidzi vakatendeka vaTenzi wedu, Jesu Kristu.

Munamato wangu ndewekuti mwoyo murefu unozove hunhu hunotsanangudza isu avo vane hupirisita hwaMwari Samasimba; kuti tinozovimba neushingi muzvivimbiso zvaIshe uye nenguva Yavo; kuti tinozoitira vamwe mwoyo murefu netsitsi izvo zvatinozvitsvagira isu pachedu; uye kuti tinozoenderera mberi mumwoyo murefu kusvikira taruramiswa. Nemuzita dzvene raJesu Kristu, ameni.

Dhinda