2010–2019
Nhoroondo yeMhuri neBasa reMutemberi: Kusunganidza neKuporesa
Kubvumbi 2018


Nhoroondo yeMhuri neBasa reMutemberi: Kusunganidza neKuporesa

Apo patinounganidza nhoroondo dzemhuri yedu uye toenda kutemberi takamiririra madziteteguru edu, Mwari vanozadzikisa maropafadzo akavimbiswa panguva imwechete kumativi ese echidzitiro.

Hukama hwemhuri hwunokwanisa kuva zvimwe zvezviitiko zvinonyanyisa kugutsa asi zvinotiedza zvikuru zvatiinazvo. Vazhinji vedu takatarisana nokusawirirana kwerumwe rudzi mukati memhuri dzedu. Kusawirirana kwakadaro kwakaitika pakati pemagamba maviri eKudzorerwa kweChechi yaJesu Kristu mumazuva ano ekupedzisira. Parley naOrson Pratt vaiva mukoma nomunun’una, vatendeuki vokutanga, uye vaiva Vaapositora vakagadzwa. Mumwe nemumwe wavo akatarisana nechiedzo cherutendo asi mushure mechiedzo vakanga vava neuchapupu hwakasimba zvikuru. Vose vakazvipira nokutsigira zvikuru chinangwa chechokwadi.

Mufananidzo
Parley Pratt

Panguva iyo vatendi pavaiva muNauvoo, hukama hwavo hwakava hwekunetsena, zvichigumisira mukupopotedza kukuru pamberi pevanhu muna 1846. Kusawirirana kwakadzama uye kwenguva refu kwakava pakati pavo. Parley pokutanga akanyora tsamba kuna Orson kuti vagadzirise kusawirirana uko, asi Orson haana kupindura. Parley akabva aregedza kuramba achiedza, achitenda kuti kutaurirana kwakanga kwaguma narinhi narinhi, kunze kwekuti Orson azokutangisa.1

Mufananidzo
Orson Pratt

Mushure memakore akati wandei, muna Kubvumbi 1853, Orson akanzwa pamusoro pechirongwa chokushambadza bhuku pamusoro pezvizvarwa zvaWilliam Pratt, uyo akanga ari teteguru wawo wekutanga wechiAmerican. Orson akatanga kuchema “sekamwana kadiki” apo paaitarisa pamuunganidzwa wakakosha uyu wenhoroondo yemhuri. Mwoyo wake wakazadzwa nemanzwiro erudo, uye akasarudza kugadzirisa hukama hwakanga husina kunaka nemukoma wake.

Orson akanyora kuna Parley achiti, “Zvino mukoma wangu anodiwa, hakuna vamwe pakati pezvizvarwa zvose zvaTeteguru vedu, Refut[enendi] William Pratt, vane chido chakadzama mukutsvangurudza zvizvarwa zvavo sesu.” Orson aiva mumwe wekutanga akanzwisisa kuti Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vane sungiro yokutsvagurudza nokuunganidza nhoroondo dzemhuri kuitira kuti tigokwanisa kuita zvisungo takamirira madziteteguru edu. Tsamba yake vakaenderera mberi ichiti: “Tinoziva kuti Mwari wamadzibaba edu vakanga vanehurudziro nazvo izvi. … Ndinokumbira ruregerero nokuda kwekukanganisa kwangu mukusakunyorera. … Ndine tarisiro yokuti unozondiregerera.”2 Zvisinei neuchapupu hwavo hwaiva hwakasimba zvikuru, rudo rwavo rwemadziteteguru avo ndirwo rwakava kurudziro yokugadzirisa hukama hwavo, kupodza chirwadzo, uye kutsvaka nokupa ruregerero.3

Apo Mwari pavanotiraira kuita chimwe chinhu, kazhinji Vanenge vane zvinangwa zvizhinji mufungwa. Nhoroondo yemhuri nebasa remutemberi hazvisi zvevakafa chete asi zvinoropafadza vapenyuwo. Kuna Orson naParley, zvakaita kuti vatendeudzirane mwoyo yavo. Nhoroondo yemhuri nebasa remutemberi zvakapa simba rokuporesa izvo zvaida kuporeswa.

Senhengo dzeChechi, tine basa rakagadzwa nehumwari rokutsvaka madzitetegure edu uye nokuunganidza nhoroondo dzemhuri. Izvi zvakakosha zvikurusa kupfuura chifadzo chinokurudzirwa, nokuti zvisungo zveruponeso zvinodikanwa kuvana vose vaMwari.4 Tinofanira kuziva madziteteguru edu ayo akafa asina kugamuchira zvisungo zveruponeso. Tinokwanisa kuita zvisungo izvi takavamirira mumatemberi, uye madziteteguru edu vanogona kusarudza kutambira zvisungo zvacho5 Tinokurudzirwawo kubatsira nhengo dzewadhi nedzesiteki nemazita emhuri dzavo. Zvinoshamisa zvikurusa kuti, kuburikidza nenhoroondo yemhuri nebasa remutemberi, tinokwanisa kubatsira kununura vakafa.

Asi apo patinotora chinhanho munhoroondo yemhuri nebasa remutemberi nhasi, tinokodzerawo maropafadzo “eruporeso” akavimbiswa navaporofita nevaapositora.6 Maropafadzo aya anoshamisawo zvikurusa nokuda kwemikana yaanopa, chimiro chaicho chawo, uye mugumisiro wawo muupenyu huno hunofa. Mudorongodzwa uyu unosanganisira maropafadzo aya:

  • Nzwisiso yakawedzerwa yeMuponesi nekuzvipira kwerudzikinuro Kwake;

  • Kurudziro yakawedzerwa yeMweya Mutsvene7 yokunzwa simba nenhungamiro kuupenyu hwedu pachedu;

  • Rutendo rwakawedzerwa, runoita kuti kutendeukira kuMuponesi kuve kwakadzama uye kunogara

  • Kwaniso nekurudziro zvakawedzerwa zvokudzidza nokutendeuka8 nokuda kwenzwisiso yokuti tiri vanaani, kwatinobva, uye maonero akanyanya kujeka ekwatiri kuenda;

  • Hurudziro dzakawedzerwa dzokuchenesa, kutsvenesa nokudzora mumwoyo yedu.

  • Mufaro wakawedzera kuburikidza nekwaniso yakawedzera yokunzwa rudo rwaIshe;

  • Maropafadzo emhuri akawedzerwa, zvisinei nemamiriro emhuri azvino, akapfuura, kana aneramangwana kana kusarurama kungange kwakaita chati yedu inotaridza mutsetse wemadziteteguru edu;

  • Rudo neruvongo zvakawedzerwa rwemadziteteguru nehama dzinorarama, zvinoita kuti tisanzwa kushurikirwa;

  • Simba rakawedzerwa rokuziva icho chinoda ruporeso uye nokudaro, nerubatsiro rwaIshe, toshandira vamwe.

  • Dziviriro yakawedzerwa kubva kuzviyedzo uye pesvedzero dzakasimba dzemuvengi; uye

  • Rubatsiro rwakawedzerwa rwekugadzirisa mwoyo inotambura, yakatyoka, kana inonetseka uye kuporesa vakakuvadzwa.9

Kana wakanamatira ripi zvaro remaropafadzo aya, tora chinhanho munhoroondo yemhuri nebasa remutemberi. Apo paunodaro, minamato inozopindurwa. Apo zvisungo pazvinoitwa muchinzvimbo chevakafa, vana vaMwari panyika vanoporeswa. Hazvishamisi kuti Mutungamiri Russell M. Nelson, mushoko ravo rokutanga seMutungamiri weChechi, vakataura pachena kuti, “Kunamata kwenyu mutemberi uye kushandira kwenyu imomo makamirira madziteteguru enyu kunozokuropafadzai nezvakazarurwa zvakawedzerwa zvenyu pachenyu uye nerunyararo rwakawedzerwa uye kunozosimbisa kuzvipira kwenyu kuramba muri panzira yechibvumirano.”10

Muporofita wepakutanga akafanoonawo maropafadzo evose vapenyu nevakafa.11 Mutumwa wekudenga akataridza Ezekieri chiratidzo chetemberi yaiva nemvura yaifashanuka kubva mairi. Ezekieri akaudzwa kuti:

“Mvura iyi zhinji inobuda … uye yoenda mugwenga; zvino ichanodira mugungwa [rakafa], … , [uye] mvura dzichaporeswa.

“Uye zvichaitika, kuti zvinhu zvose zvipenyu, izvo zvinopfakanyika, apo pose panosvika nzizi, zvichararama: … nokuti zvichaporeswa; uye zvinhu zvose zvichararama pose panosvika rwizi.”12

Zvimiro zviviri zvemvura iyi zvinokosha. Chokutanga, kunyangwe zvazvo rwizi rudiki rwakanga rusina nzizi dzaidira marwuri, rwakakura kuita rwizi rwakasimba zvikurusa, ruchiramba ruchipamhamha uye ruchidzika pasi zvakanyanya nochokumberi kwarwaiyerera. Chimwe chinhu chakafanana naizvozvo chinoitika nemaropafadzo anoyerera kubva mutemberi apo vanhu pavanosunganidzwa semhuri. Kukura kwakakosha kunoitika zvichienda kumashure uye nokumberi nemuzvizvarwa apo zvisungo zvekusunganidzwa pazvinobatanidza zvakasimba mhuri pamwechete

Chechipiri, rwizi rwakavandudza zvinhu zvose zvarwakabata. Maropafadzo etemberi saizvozvowo ane kwaniso inoshamisa zvikuru yokuporesa. Maropafadzo etemberi anokwanisa kuporesa mwoyo neupenyu nemhuri.

Mufananidzo
Todd mwanakomana waBetty

Regai ndipe muenzaniso wazvo. Muna 1999 murume wechidiki ainzi Todd akarrapatika kubva kutsiga yeropa yakanga yaputika muuruzvi rwake. Kunyangwe zvazvo Todd nemhuri yake vaiva nhengo dzeChechi, kuuya kwavo kuchechi kwakanga kusisiri kwenguva dzose, uye hapana akanga atambira maropafadzo emutemberi. Pausiku hwokupedzisira hwoupenyu hwaTodd, amai vake, Betty, vakagara padivi pemubhedha wake vachipurudzira ruoko rwake uye vakati, “Todd, kana uchifanira chaizvo kuenda kuupenyu hunotevera, ndinovimbisa kuti ndinozoita chokwadi kuti basa remutemberi rako rinoitwa.” Mangwanani akatevera, Todd akanzi uruzvi hwake hwakanga hwafa. Vanachiremba vanovhiya vakatora mwoyo waTodd vakauisa mumurwere wangu wandairapa, munhu aishamisa zvikuru ainzi Rod.

Mwedzi mishoma mushure meoparesheni iyi, Rod akaziva zita remhuri yemunhu akanga amupa mwoyo uye akatanga kunyorerana navo. Mushure meangangoita makore maviri, amai vaTodd, Betty, vakakoka Rod kuti avepo apo pavakaenda kutemberi kekutanga. Rod naBetty vakasangana kekutanga mumupanda weseresitiyaro weTemberi yeSt. George Utah.

Chinguva chidiki mushure maizvozvo, baba vaTodd—murume waBetty—vakafa. Mushure memakore maviri, Betty akakoka Rod kuti amiririre mwanakomana wake uyo akanga afa mukugamuchira zvisungo zvake zvemutemberi. Nekutenda Rod akazviita, uye basa rokumiririra mumwe rakagumisira mumupanda wekusungunidzwa muTemberi yeSt. George Utah. Betty akasunganidzwa kumurume wake akanga afa, akagwadama paaritari mhiri kwemuzukuru uyo akanga ari kushandira semumiririri. Zvino, nemisodzi ichiyerera nemumatama ake, Betty akadaidza Rod noruoko kuti auye azogadamawo paaritari. Rod akagwadama pedyo navo, achitora chinzvimbo chokumiririra mwanakomana waBetty, Todd, uyo mwoyo wake wakanga uchiri kurova mukati mechipfuva chaRod. Mupi wemwoyo kuna Rod, Todd, zvino akasunganidzwa kuvabereki vake nokusingaperi kwose. Amai vaTodd vakanga vachengeta vimbiso yavaiva vaita kumwanakomana wavo apo paaiva avakufa makore mashoma akanga apfura.

Mufananidzo
Rod naKim pazuva romuchato wavo

Asi nyaya yacho haigumiri ipapo. Makore gumi nemashanu mushure mekupuwa kwake mwoyo, Rod avavimbisana nemusikana wake kuchata uye vakandikumbira kuti ndivasunganidze muTemberi yeProvo Utah. Pazuva remuchato, ndakasangana naRod uye nemwenga wake anoshamisa, Kim, mumupanda waiva mhiri kwemupanda wekusunganidzirwa, umo mhuri dzavo neshamwari dzavo dzapedyo mavaiva vakamirira. Mushure mokushanyirana zvishoma naRod naKim, ndakabvunza kana vakanga vaine mibvunzo.

Rod akati, “Hongu. Mhuri yemunhu akandipa mwoyo iri pano uye vanoda chaizvo kusangana nemi.”

Ndakanga ndisiri kutarisira zvaakandiudza, “Unoreva kuti vari pano? Iyezvino?”

Rod akapindura akati, “Hongu.”

Ndakabuda uye ndikanodaidza mhuri iyi kubva mumupanda wekusunganidzirwa. Betty, mwanasikana wake, uye mukuwasha wake vakauya mumupanda wataiva tiri. Rod akakwazisa Betty nekumumbundikira, akamutenda nokuuya, uye zvino akandisuma kwaari. Rod akati, “Betty, ava ndiGosa Renlund. Ndivo vaiva chiremba wakachengeta mwoyo wemanakomana wako kwemakore mazhinji.” Betty akauya kwandaiva ndiri akandimbundikira. Uye kwemamitsi akati wandei akatevera, pakava nokumbundikirana nemisodzi yemufaro kubva kuvanhu vose.

Mushure mokunge tagadzikana zvakare, takaenda mumupanda wekusunganidzirwa, umo Rod naKim mavakasunganidzwa kwenguva uye nokusingaperi kwose. Rod, Kim, Betty, neni tinokwanisa kupupura kuti ichi chaiva chaizvo chiitiko chokudenga uye chezvomweya, kuti paiva navamwe nesu pazuva iroro avo vakanga vapfuura kare nemuchidzitiro cherufu.

Mwari, mukwaniso Yavo isina mugumo, vanosunganidza uye vanoporesa vanhu nemhuri kunyangwe nenjodzi, kurasikirwa, kana kuomerwa. Dzimwe nguva tinoenzanisa manzwiro atinowana mutemberi sokuti tinenge tawana mwero mudiki wezvakaita kudenga.13 Pazuva iroro muTemberi yeProvo Utah, chirevo ichi naC.S. Lewis chakareva zvakakosha kwandiri: “[Vanhu veNyama] vanotaura nezvekutambura kwenguva diki vachiti, ‘Hakuna mufaro wamagwana unokwanisa kuripira kutambura uku,’ vasingazivi kuti Kudenga, kana kwawanikwa, kunozoshandura marwadzo makuru atinonzwa munguva yeupenyu hunofa kuva kubwinya. … Vakaropafadzwa vanozoti, ‘Hatina kumbogara kumwe kunhu kusara kweKudenga.’”14

Mwari vanozotisimbisa, kutibatsira, uye nokutisimudzira;15 uye Vanozotsvenesa kwatiri rusuwo rwedu rwakadzamisisa.16 Apo patinounganidza nhoroondo dzemhuri uye toenda kutemberi takamiririra madziteteguru edu, Mwari vanozadzikisa mazhinji emaropafadzo aya akavimbiswa panguva imwecheteyo kumativi ose echidzitiro. Saizvozvowo, tinoropafadzwa apo patinobatsira vamwe mumawadhi nemasiteki edu kuti vaite zvimwechetezvo. Nhengo idzo dzisingagari pedyo netemberi dzinogamuchirawo maropafadzo aya nokutora chinhanho mubasa renhoroondo yemhuri, vachiunganidza mazita emadziteteguru avo kuitira kuti zvisungo zvemutemberi zviitwe.

Mutungamiri Russell M. Nelson, zvisinei, vakayambira kuti: “Tinokwanisa kunzwa nyaya dzinokurudzira zuva rose pamusoro pezviitiko zvetemberi nezvenhoroondo yemhuri izvo vamwe zvavakava nazvo. Asi tinofanira kuita chimwe chinhu kuti tinyatsozwa mufaro wacho isu pachedu.” Vakaenderera mberi vachiti, “Ndinokukokai kuti mufunge nemunamato rudzi rwekuzvipira—kunyanya kuzvipira kwenguva—kwamunokwanisa kuita [kuti] muite basa remutemberi nenhoroondo yemhuri rakanyanya kuwanda.”17 Apo pamunotambira kukoka kwaMutungamiri Nelson, munozowana, kuunganidza, uye nokubatanidza mhuri yenyu. Pamusoro pazvo, maropafadzo azonoyerera achiuya kwamuri nekumhuri yenyu serwizi rwakataurwa nezvarwo naEzekieri. Munozowana ruporeso kune izvo zvinoda kuporeswa.

Orson naParley Pratt vakanzwa shanduro dzekuporesa nekusunganidza dzenhoroondo yemhuri nebasa remutemberi pakutanga mumukuwo uno. Betty, mhuri yake, uye Rod vakadzinzwawo. Nemi munokwanisawo kudzinzwa. Kuburikidza nekuzvipira kwerudzikinuro Kwake, Jesu Kristu anopa maropafadzo aya kuna vese, zvose vakafa nevanorarama. Nokuda kwemaropafadzo aya, tinozowana kuti isu, nenzira yokufananidzira, “hatina kumbogara kumwe kunhu kunze … kweKudenga.”18 Saizvozvo ndinopupura nemuzita raJesu Kristu, ameni.

Zvinyorwa

  1. Ona Parley P. Pratt kuna Orson Pratt, Chivabvu 25, 1853, Orson Pratt Family Collection, Raibhurari yeNhoroondo yeChechi, Salt Lake City; muna Terryl L. Givens naMatthew J. Grow, Parley P. Pratt: The Apostle Paul of Mormonism (2011), 139.

  2. Orson Pratt kuna Parley P. Pratt, Kurume. 10, 1853, Parley P. Pratt Collection, Raibhurari yeNhoroondo yeChechi, Salt Lake City; muna Givens naGrow, Parley P. Pratt, 319.

  3. Zvakakosha ndezvokuti, Orson Pratt haana chete kubatsira kushambadza bhuku pamusoro pezvizvarwa zvaWilliam Pratt, asi mushure mamakore akati kuti, muna 1870, iye nemhuri yake vakaita rubhabhatidzo vakamiririra vamwe runopfuura 2 600 muEndowment House muSalt Lake City rwevanhu vakafa vari mubhuku rinonzi (ona Breck England, The Life and Thought of Orson Pratt [1985], 247).

  4. Ona Joseph Smith, History of the Church 6:312–13.

  5. Ona “Names Submitted for Temple Ordinances,” First Presidency letter, Ndira. 29, 2012. Madziteteguru ayo anemazita anoendeswa kuti vaitirwe zvisungo zvemutemberi vakamiririrwa vanofanira kunge vanehukama nemunhu anoendesa mazita iwawo. Pasina mutsauko, nhengo dzeChechi hadzifaniri kuendesa mazita anobva kuboka ripi zvaro risina kubvumirwa, sezvakaita vanemukurumbira uye vakaurawa muJewish Holocaust.

  6. Ona Dallin H. Oaks, “Family History: ‘In Wisdom and Order,’ Ensign, Chikumi 1989, 6–8; “In Wisdom and Order,” Tambuli, Zvita 1989, 18–23; D. Todd Christofferson, “The Redemption of the Dead and the Testimony of Jesus,” Ensign, Mbudzi 2000, 9–12; Liahona, Ndira 2001, 10–13; Boyd K. Packer, “Your Family History: Getting Started,” Ensign kana Liahona, Nyamavhuvhu 2003, 12–17; Thomas S. Monson, “Constant Truths for Changing Times,” Ensign or Liahona, Chivabvu 2005, 19–22; Henry B. Eyring, “Hearts Bound Together,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2005, 77–80; M. Russell Ballard, “Faith, Family, Facts, and Fruits,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2007, 25–27; Russell M. Nelson, “Salvation and Exaltation,” Ensign or Liahona, Chivabvu 2008, 7–10; Russell M. Nelson, “Generations Linked in Love,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2010, 91–94; David A. Bednar, “The Hearts of the Children Shall Turn,” Ensign or Liahona, Mbudzi 2011, 24–27; Richard G. Scott, “The Joy of Redeeming the Dead,” Ensign kana Liahona, Mbudzi 2012, 93–95; Quentin L. Cook, “Roots and Branches,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2014, 44–48; Thomas S. Monson, “Hastening the Work,” Ensign kana Liahona, Chikumi 2014, 4–5; Henry B. Eyring, “The Promise of Hearts Turning,” Ensign kana Liahona, Chikunguru 2014, 4–5; David A. Bednar, “Missionary, Family History, and Temple Work,” Ensign, Gumiguru 2014, 30–35; Liahona, Gumiguru. 2014, 14–19; Neil L. Andersen, “‘My Days’ of Temples and Technology,” Ensign, Kukadzi. 2015, 28–35; Liahona, Kukadzi 2015, 26–33; Neil L. Andersen, “Sharing the Temple Challenge,” Family Discovery Day, Kukadzi 2015, LDS.org; Quentin L. Cook, “The Joy of Family History Work,” Ensign, Kukadzi 2016, 28–33; Liahona, Kukadzi 2016, 22–27; Gary E. Stevenson, “Where Are the Keys and Authority of the Priesthood? Ensign kana Liahona, Chivabvu 2016, 29–32; Dieter F. Uchtdorf, “In Praise of Those Who Save,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2016, 77–80; Quentin L. Cook, “See Yourself in the Temple,” Ensign kana Liahona, Chivabvu 2016, 97–101; Dale G. Renlund, Ruth L. Renlund, uye Ashley R. Renlund, “Family History and Temple Blessings,” Ensign, Kukadzi 2017, 26–31; Liahona, Feb. 2017, 34–39; Dallin H. Oaks naKristen M. Oaks, “Connected to Eternal Families,” Family Discovery Day, Kurume 2018, LDS.org.

  7. Ona Dzidziso neZvibvumirano 84:73

  8. Ona Dzidziso neZvibvumirano 84:73

  9. Ona Boyd K. Packer, “Balm of Gilead,” Ensign, Mbudzi 1987, 16–18; Jeremiah 8:22; 51:8.

  10. Russell M. Nelson, “As We Go Forward Together,,” Ensign kana Liahona, Kubvumbi 2018, 7.

  11. Ona Muporofita Ezekieri 40–47; Nhungamiro kuMagwaro Matsvene, “Ezekieri.”

  12. Muporofita Ezekieri 47:8–9.

  13. Ona Spencer W. Kimball, “Glimpses of Heaven,” Ensign, Zvita 1971, 36–37.

  14. C.S. Lewis, The Great Divorce: A Dream (2001), 69.

  15. Ona Muporofita Isaya 41:10.

  16. Ona “Hwaro Hwakasimba,” Nziyo neDzevana Vadiki, nhamba. 10.

  17. Russell M. Nelson naWendy W. Nelson, “Open the Heavens through Temple and Family History Work,” Ensign, Gumiguru 2017, 39; Liahona, Gumiguru 2017, 19

  18. Lewis, The Great Divorce, 69.

Dhinda