2010–2019
Kuchenjerera Pane Kushaya Hanya
Musangano Mukuru waKubvumbi 2019


Kuchenjerera Pane Kushaya Hanya

Apo pesvedzero dzenyika padzinoramba dzichiwedzera kutambira uyipi, tinofanira kuedza neushingi hwese kuramba takasimba tiri munzira inotitungamirira zvakanaka kuMuponesi wedu.

Ndakamboona chimwe chiratidzo pahwindo rechitoro chaiti,“Mufaro, $15.00.” Ndaida chaizvo kuziva kuti ndaikwanisa kutenga mufaro wakawanda zvakadii ne$15 zvokuti ndakapinda mukati kunoona. Zvandakawana zvaive zvinhu zvakawanda zvisina basa uye zvisina kukosha—hapana kana chinhu chimwechete chandakaona chaigona kundipa rudzi rwomufaro rwairehwa nechiratidzo! Nemumakore akapfuura, ndakafunga kakawanda nezvechiratidzo ichocho uye kuvanyore kwazvinokwanisa kuva kutsvaga mufaro muzvinhu zvisina basa uye zvisina kukosha kana zvenguva pfupi. Senhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, takakomborerwa kuziva mawaniro uye uko kunowanikwa mufaro wechokwadi. Unowanikwa mukurarama zvakachenjera vhangeri rakamiswa naIshe uye Muponesi wedu, Jesu Kristu, uye mukushingirira kunyanya kuva saIye,

Tine shamwari yepamwoyo aive injiniya wezvitima. Rimwe zuva apo paaityaira chitima munzira yake akaona motokari yaiva yakamira panjanji kumberi kwake. Akakurumidza kuziva kuti mavhiri emotokari iyi. akanga apinda pakati penjanji uye yakanga isisakwanisi kuyambuka njanji yacho. Nekukurumidza akachinja mafambiro echitima, izvo zvakaisa mabhureki patiroko rimwe nerimwe ayo pamwepo aiva akareba kwekiromita nehafu kumashure kweinjini, uye chakatakura zvinhu zvaiva nehwuremu hwematani 6,500. Pakange pasina mukana wairatidza kuti chitima chaizogona kumira chisati charovera pamotokari, izvo zvinova chaizvo zvakaitika. Nerombo rakanaka revanhu vaive mumotokari, vakanzwa yambiro yehuta yechitima uye vakatiza kubva mumotokari isati yaroverwa. Apo injiniya paakataura nemupurisa aiongorora njodzi yacho, mukadzi ainge akatsamwa akauya pavaiva. Akapopota achiti akanga aona chiitiko chose uye akapupura kuti injiniyaakanga asina kunyangwe kumboedza kutsauka kubva munjanji kuti asarovera pamotokari!

Zviripachena, kuti dai injiniya akanga akwanisa kutsaukira kuritivi achisiya njanji kuitira kudzivirira njodzi, iye nechitima chake chose vairasika mukubuda munjanji uye kufambira mberi kwechitima kwaibva kwamira pakarepo. Nerombo rakanaka kwaari, simbi dzenjanji idzo chitima chake padzaimhanya dzakachengeta mavhiri echitima achifambira mberi zvakatsiga akananga kwaaienda zvisinei nechimhingamupinyi chaive munzira yake. Nerombo rakanaka kwatiri, nesuwo tiri panjanji, nzira yechibvumirano yatakatsidza kwairi apo patakabhabhatidzwa senhengo dzeChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira. Kunyangwe zvazvo tingasangana nezvimhingamupinyi nguva nenguva tiri munzira, nzira iyi inozoita kuti tirambe takananga kumugumo wedu wakakosha wekusingaperi kana tikaramba tiri pairi zvakasimba.

Mufananidzo
Chiratidzo chaRihai chemuti weupenyu

Chiratidzo chemuti weupenyu chinotiratidza kuti kushaya hanya kunokwanisa kutitungamira kure kubva munzira yechibvumirano. Funga pamusoro pekuti danda resimbi uye nzira yakamanikana uye nhete, kana nzira yechibvumirano, yaitungamira chaiko kumuti weupenyu, uko makomborero ose anopihwa neMuponesi wedu uye neRudzikinuro Rwake kwaanowanikwa navakatendeka. Chimwewo chakaonekwa muchiratidzo chaiva rwizi rwemvura rwaimirira utsvina hwenyika. Magwaro anotsanangura kuti rwizi urwu “rwakange rwuchierera” nenzira asi rwaingopfuura chete “nepedyo” nemuti, kwete kwauri iwo. Nyika yakazara kangaidzo izvo zvinogona kunyengedza kunyangwe vakasarudzwa, zvichiita kuti vave vanoshaya hanya mukurarama zvibvumirano zvavo—nokudaro zvichivatungamira pedyo nemuti, asi kwete kwauri iwo. Kana tisingachenjereri mukurarama zvibvumirano zvedu nemazvo chaimo, kuedza kwedu kusina hanya pokudzesira kunogona kuzotitungamira munzira dzinorambidzwa kana kubatana naavo vakatopinda muchivako chikuru uye chakapamhamha. Kana tikasachenjerera, tinogona kunyangwe kunyura muhudzikwa hwerwizi rwetsvina1

Pane nzira yakachenjerera uye pane nzira isina hanya yokuita nayo zvinhu zvose, kusanganisira kurarama vhangeri. Apo patinofunga nezvechitsidzo chedu kuna Muponesi, tinozviita nokuchenjerera here kana kuti nokushaya hanya? Nokuda kwekuti tiri vanhu vanofa, dzimwe dzenguva hatisi here tinoedza kupa zvikonzero zvemaitiro edu, pane dzimwe nguva tichitsanagura zviito zvedu zviri pakati nepakati pokuipa nokunaka kana kusanganisa zvakanaka nechimwe chinhu chisina kunyatsonaka? Panguva ipi zvayo patinoti “zvisinei,” “kunze kwekuti,” kana “asi” apo pazvinenge zviri maererano nokutevedzera rairo yevaporofita vanotitungamirira kana kurarama vhangeri zvakachenjerera, chokwadi ndechekuti tinenge tiri kuti, “Rairo iyo haishandi kwandiri.” Tinogona kupa zvikonzero pamadiro edu asi chokwadi ndechekuti, hapana nzira yakanaka yekuita chinhu chakaipa!

Musoro wenyaya wevechidiki wa2019 unobva muna Johane 14:15, apo Ishe pavanotiraira kuti, “Kana muchindida, chengetai mirairo yangu.” Kana tichiVada sokutaura kwatinoita, hatikwanisi here kuratidza rudo irworwo nekuva tinonyanya kuchenjereramukurarama mirairo Yavo?

Kuva takachenjerera mukurarama vhangeri hazvisi zvinoreva kusafaranuka kana kuva wakakomba. Zvazvinoreva ndezvekuti tinofanira kuva nepfungwa nemaitiro akakodzera sevadzidzi vaJesu Kristu. Apo patinofungisisa nezvemusiyano pakati pekuchenjerera uye kushaya hanya mukurarama vhangeri kwedu, hedzino dzimwe ndangariro dzekufunga:

Takachenjerera here mukunamata kwedu kwezuva reSabata uye mugadziriro yedu yokutora sakaramende vhiki yoga yoga?

Tinokwanisa here kuva takachenjerera zvakanyanya muminamato yedu uye mukunzvera magwaro matsvene kwedu kana kutora chinhanho zvakanyanya mukunzvera Huyai, Munditevere—Yemunhu Pachake neMhuri?

Takachenjerera here mukunamata kwedu mutemberi, uye tinochenjerera uye nechinangwa here pakurarama zvibvumirano zvatakaita zvese parubhabhatidzo uye nemutemberi? Takachenjerera here mukutaridzika kwedu uye kutsiga mukupfeka kwedu, kunyanya munzvimbo dzinoyera uye mumamiriro ezvinhu anoyera? Takachenjerera here mumapfekero edu atinoita magamendi emutemberi anoyera ? Kana kuti fashoni dzepanyika dzinogombedzera here maitiro ekushaya hanya?

Takachenjerera here mumashumiriro atinoita kune vamwe uye nemumazadzikisiro atinoita daidzo dzedu dzemuChechi, kana kuti hatina basa kana hatina hanya nedaidzo yedu yekushandira?

Takachenjerera here kana kuti hatina hanya mune zvatinoverenga uye zvatinoona paterevhizheni kana munharembozha dzedu? Takachenjerera here mumutauro wedu? Kana kuti tinotambira zvinhu zvisina hunhu uye zvinonyadzisa tisina hanya nazvo?

Chibhuku chinonzi For the Strength of Youth chine mwero yehunhu yokuti, ikanyatsotevedzwa nokuchenjerera inozounza maropfadzo makuru uye nokutibatsira kugara panzira yechibvumirano. Kunyangwezvazvo chakanyorerwa kukomborera vechidiki, mwero yehunhu yacho haigumi apo patinobva mumapurogiramu eVakomana veChidiki uye eVasikana veChidiki. Anoshanda kune mumwe neumwe wedu nguva dzose. Wongororo yemwero yehunhu iyi inogona kukurudzira dzimwe nzira dzatinokwanisa kuva vakachenjerera zvakawedzerwa mukurarama vhangeri kwedu.

Hatideredzi mwero yehunhu yedu kuti titambirwe navamwe vanhu kana kuti tiite kuti mumwe munhu anzwe kugadzikana. Tiri vadzidzi vaJesu Kristu, uye nekudaro tiri mubasa rekusimudzira vamwe, kuvakwidziridza kunzvimbo yekumusoro uye tsvene uko kwavanogonawo kuwana makomborero makurusa.

Ndinokoka mumwe nemumwe wedu kutsvaga nhungamiro yeMweya Mutsvene kuitira kuziva shanduro dzatinofanira kuita muupenyu hwedu kuti tinyanye kuva takayanana nezvibvumirano zvedu. Ndinotetererawo kwamuri kuti musava munotsoropodza vamwe variparwendo rwumwecheterwo urwu. “Hutongi ndehwangu, vanodaro Ishe.”2 Mumwe nemumwe wedu ari munzira yekukura nekushanduka.

Nyaya inotaurwa muBhuku raMormoni pamusoro pevaAmrisai vakatsauka inonakidza kwandiri. Senzira yekuzivisa kune vamwe kuti vainge vasisina kubatana naJesu Kristu uye neChechi Yake, vakaisa rupawo rweruvara rwutsvuku pahuma dzavo kuti vose vaone.3 Nenzira yakasiyana neiyi, uye sevadzidzi vaJesu Kristu, tinozviisa rupawo sei isu pachedu? Vamwe vanogona here kuona zvirinyore mufananidzo Wake muchiso chedu uye vagoziva uyo watinomirira nenzirainehuchenjereri yatinorarama upenyu hwedu?

Sevanhu vechibvumirano, hatisi tinofanira kufanana nevamwe vese vemunyika. Takadaidzwa kunzi “vanhu vanoshamisa”4—iyi irumbidzo yakakura chaizvo! Apo pesvedzero dzenyika padzinoramba dzichiwedzera kutambira uyipi, tinofanira kuedza neushingi hwese kuramba takasimba tiri panzira inotitungamirira zvakanaka kuMuponesi wedu, tichiita kuti pave nechinhambwe chakakura pakati pekurarama chibvumirano kwedu nepesvedzero dzenyika.

Apo pandinofunga nezvekuwana mufaro usingaperi, ndinoona kuti dzimwenguva tinozviwana tiri pakati nepakati pezvakanaka nezvakaipa. Mhute yerima haidzivirike apo patinofamba murwendo nemunzira yechibvumirano. Chiedzo nekushaya hanya zvinogona kutikonzera kuti titsaudze nzira yedu zvisiri pachena kuenda murima renyika uye kure kubva munzira yechibvumirano. Apo panguva iyo izvi pazvingaitike, muporofita wedu anodiwa, Mutungamiri Russell M. Nelson, akatikurudzira kuti tidzoke kunzira yechibvumirano uye kuzviita nekukurumidza. Ndinotenda zvikuru nechipo cherutendeuko uye nesimba reRudzikinuro rweMuponesi wedu.

Hazvikwanisiki kurarama upenyu hwakarurama. Murume mumwe chete ndiye akakwanisa kurarama upenyu hwakarurama apo paaigara panyika ino yeteresitiyaro. Uyu aiva Jesu Kristu. Kunyangwe zvazvo tingange tisiri vakarurama, mabhuratha nemasisita, tinogona kuva vakakodzera, kukodzera kutora sakaramende, kukodzera makomborero emutemberi, uye kukodzera kugamuchira zvakazarurwa zvedu pachedu.

Mambo Benjamini vakapupura nezve makomborero norufaro rwunouya kuna avo vanonyatsotevera Muponesi:“Uye pamusoro paizvozvo, ndinoda kuti mufunge pamusoro pamamiriro ekukomborerwa neemufaro eavo vanochengeta mirairo yaMwari. Nokuti tarisai, vakakomborerwa muzvinhu zvose, zvose panyama napamweya; uye kana vakaramba vakatendeka kusvikira kumagumo vanogamuchirwa kudenga, kuti vazova vanogara naMwari mumamiriro emufaro usingaperi.”5

Mufaro ungatengwe here ne$15? Kwete, hazvigone. Mufaro wakadzama uye usingaperi unouya nekurarama zvine chinangwa uye zvineuchenjereri vhangeri raJesu Kristu. Nemuzita raJesu Kristu, ameni.

Dhinda