2010–2019
Mhinduro kuMunamato
Musangano Mukuru waKubvumbi 2019


Mhinduro kuMunamato

Baba vanotiziva, vanoziva zvidikanwi zvedu, uye vanozotibatsira zvakarurama.

Dzidziso yakakosha uye inonyaradza yevhangeri raJesu Kristu ndeyekuti Baba vedu Vokudenga vane rudo rwakarurama rwevana Vavo. Nokuda kwerudo rwakarurama irworwo, Vanotiropafadza kwete chete maererano nezvido uye nezvidikanwi zvedu asiwo maererano neungwaru hwusina magumo Hwavo. Sokutaurwa zviri nyore kwazvakaitwa namuporofita Nifai, “Ndinoziva kuti [Mwari] vanoda vana vavo.”1

Chimwe chikamu cherudo rwakarurama irworwo ndechekutora chinhanho kwaBaba vedu Vokudenga muzvinhu zvose zvoupenyu hwedu, kunyangwe apo patingange tisingazvizivi kana tisingazvinzwisisi. Tinotsvaka nhungamiro yehumwari uye nerubatsiro zvaBaba kuburikidza nemunamato wemwoyo wose, wepachokwadi. Apo patinokudza zvibvumirano zvedu uye toedza kunyanya kuva seMuponesi wedu, tinokodzera kudururirwa kusingaperi2 kwenhungamiro yehumwari kuburikidza nekurudziro uye nefemero yeMweya Mutsvene

Magwaro matsvene anotidzidzisa kuti, “Nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshaiwa, musati makumbira kwavari,”3 uye “Vanoziva zvinhu zvose, nokuti zvinhu zvose zviri pamberi pamaziso [Avo].”4

Muporofita Mormoni muenzaniso weizvi. Haana kurarama kuona mhedzisiro dzebasa rake. Asi ainzwisisa kuti Ishe vaimutungamirira zvakachenjerera. Apo paakanzwa kufemerwa kuti asanganisire mahwendefa madiki aNifai pamwechete nerondedzero yake, Mormoni akanyora kuti “Uye ndinoita izvi nechinangwa chakanaka; nokuti nokudaro zvinozevezerwa kwandiri, maererano nekushanda kweMweya waIshe uyo uri mandiri. Uye zvino, handizivi zvinhu zvose; asi Ishe vanoziva zvinhu zvose zvichauya; naizvozvo, vanoshanda mandiri kuti ndiite maererano nechido chavo.”5 Kunyangwe zvazvo Mormoni aiva asingazivi nezvokuzorasika muneramangwana kwamapeji zana negumi namatanhatu egwaronyorwa, Ishe vaizviziva uye vakagadzira nzira yokukunda nayo chimhingamupinyi ichocho nguva yakareba chisati chaitika.

Baba vanotiziva, vanoziva zvidikanwi zvedu, uye vanozotibatsira zvakarurama. Dzimwe nguva rubatsiro irworwo runopuwa munguva iyoyo chaiyo kana kuti chinguva chipfupi mushure mokunge takumbira rubatsiro rwohumwari. Dzimwe nguva zvido zvedu zvinonyanya kuva zvepachokwadi uye zvakakodzera hazvipindurwi nenzira yatinotarisira, asi tinowana kuti Mwari vane maropafadzo makurusa akatimirira muneramangwana. Uye dzimwe nguva zvido zvedu zvakarurama hazvipuwi kwatiri muupenyu hwuno. Ndinozoratidza, kuburikidza netsananguro nhatu dzakasiyana, nzira idzo Baba vedu Vokudenga dzavangangopindura nadzo teterero dzepachokwadi dzedu kwaVari.

Mwanakomana wedu mudukusa akadaidzwa kushandira semushumiri kuHushumiri hweFrance Paris. Mugadziriro yokushandira, takaenda naye kunotenga zvinhu zvinowanzodikanwa, masheti, masvutu, matai, namasvokisi, uye nejasi. Zvakasuwisa ndezvekuti, jasi raaida raiva risipo musaizi yaaida. Zvisinei, mutengisi wemuchitoro akataura kuti jasi raizovapo mumavhiki mashoma aitevera uye raizotumirwa kunzvimbo inodzidzisirwa vashumuri muProvo mwanakomana wedu asati aenda kuFrance. Takabhadhara jasi uye hatina kufunga pamusoro pazvo mushure maizvozvo.

Mwanakomana wedu akaenda kunzvimbo inodzidzisirwa vashumiri muna Chikumi, uye jasi rakatumirwa mazuva mashomanana asati asimuka kuenda kuFrance muna Nyamavhuvhu. Haana kuedza jasi racho asi akangorirongedza nokukurumidza musvutukesi yake pamwepo nembatya dzake uye nezvimwe zvinhu zvake.

Apo nguva yechando payaiva yosvika muParis, umo mwanakomana wedu maaiva achishandira, akanyora kwatiri achiti akanga abudisa jasi uye akariedza asi akawana kuti raiva riri dikisa. Naizvozvo takatumira imwe mari kuakaundi yake yokubangi kuitira kuti akwanise kutenga rimwe jasi muParis, izvo zvaakaita. Ndisinganyanyi kufara, ndakamunyorera tsamba uye ndikamuudza kuti ape jasi rokutanga kune mumwe munhu, sezvo aiva asingakwanisi kurishandisa.

Pashure takagamuchira imeiri kubva kwaari achiti: “Kuri kutonhora zvikurusa kuno. … Mhepo inoratidzika kupinda nemumiviri yedu chaimo, kunyangwe zvazvo jasi rangu idzva rakanaka uye riri gobvu zvikuru. … Ndakapa jasi rangu rakare kune [mumwe mushumiri mufurati yedu] uyo akati anga achinamatira nzira yokuwana nayo jasi riri nani. Mutendeuki wemakore akati wandei uye anongova naamai vake chete … uye nemushumiri akamubhabhatidza avo varikumuriritira ari pahushumiri hwake uye nokudaro jasi riya rakava mhinduro kumunamato, saka ndakanzwa kufara zvikuru pamusoro pazvo.”6

Baba Vokudenga vakaziva kuti mushumiri uyu, uyo aiva achishandira muFrance mamaira zviuru zvitanhatu namazana maviri (makiromita zviuru gumi) kure nekumusha, aizoda nokukurumidza jasi idzva munguva yechando muParis asi kuti mushumiri uyu aizenge asina mari yokuritenga. Baba Vokudenga vakazivawo kuti mwanakomana wedu aizogamuchira kubva kuchitoro chembatya muProvo, Utah, jasi iro raizova riri dikisa. Vaiziva kuti vashumiri vaviri ava vaizoshandira pamwechete muParis uye kuti jasi racho raizova mhinduro kumunamato wakaninipa uye wepachokwadi wemushumiri uyo akanga aine chidikanwi chapakarepo.

Muponesi akadzidzisa kuti:

“Ko shiri duku mbiri hadzitengeswi nehafu yepeni here? Asi imwe yazvo haingawiri pasi kunze kwaBaba venyu.

“Asi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose.

“Naizvozvo musatya; munopfuvura shiri zhinji.”7

Mune mamwe mamiriro ezvinhu, apo zvido zvedu zvakakodzera pazvisingapuwi kwatiri nenzira yatanga tichitarisira, zvirokwazvo zvingangova chinhu chakatinakira pokupedzisira. Somuenzaniso, Josefa mwanakomana waJokobo aichiviwa uye nokuvengwa namadzikoma ake kusvika pakuti vakaronga kupondwa kwaJosefa. Pane kudaro, vakamutengesa senhapwa muEgipita.8 Kana paine munhu angange akambonzwa kuti minamato yake yaiva isingapindurwi nenzira yaakanga achitarisira, aikwanisa kuva Josefa. Muchokwadi, dambudziko raiva pachena rake rakagumisira mumaropafadzo makuru kwaari uye akaponesa mhuri yake kubva mukuziya nenzara. Pashure, mushure mokunge ava mutungamiri aivimbwa naye muEgipita, nerutendo rukuru uye noungwaru hukuru akataura kumadzikoma kuti:

“Zvino musazvidya mwoyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nokuti Mwari wakandituma pamberi penyu, kuti ndichengete vupenyu.

“Nokuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo.

“Uye Mwari wakandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kuti musunungurwe nokusunungurwa kukuru.

“Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari.”9

Apo paaiva kukoreji, mwanakomana wedu mukurusa akapinzwa pabasa remudzidzi ramaawa mashoma pazuva rakanaka zvikuru iro rakanga riine kwaniso yokutungamira kubasa rakanakisa rachose mushure mokugirajuweta. Akashanda nesimba pabasa remudzidzi iri kwamakore mana, akava noruzivo rukurusa pariri, uye aiva achikudzwa zvikuru navamwe vake vashandi uye navatungamiriri vake. Pakupera kwegore rokupedza zvidzidzo zvake, sokunge zvaiva zvarongwa nedenga (ndiwo aiva mafungiro emwanakomana wedu), chinzvimbo chezvachose chakavapo, uye iye ndiye aiva pamusoro pavamwe vose vaitsvaka chinzvimbo ichocho, paine ratidzo uye tarisiro yokuti, chokwadi, aizowana basa racho.

Sezvinei, haana kutorwa. Hakuna mumwe wedu akakwanisa kuzvinzwisisa. Akanga agadzirira zvakanaka, akange aita zvakanaka mubvunzurudzo, ndiye aiva neunyanzvi uye nedzidzo zvakakwirira kupfuura vamwe vose, uye akanga anamata netariro uye netarisiro huru! Akarwadziwa pamwoyo zvikurusa uye akaora mwoyo, uye chiitiko chacho chose chakatisiya tose tisinganzwisisi kuti sei asina kutorwa pabasa iri. Sei Mwari vakanga vamufuratira muchido chake chakarurama?

Mhinduro yakazova yakajeka zvikuru mushure mamakore akati wandei. Dai akatambira basa raaida zvikuru iri mushure mokugirajuweta, angadai akarasikirwa nemukana wakakosha zvikuru wakashandura upenyu hwake uyo zvino waratidza kuti ndewe pundutso neropafadzo yake yokusingaperi. Mwari vaiziva magumisiro kubva kumavambo (sokuziva kwavanoita nguva dzose), uye munyaya iyi mhinduro kuminamato yakarurama mizhinji yaiva yokuti kwete, musarudzo yemhedzisiro yakanyanyisa kunaka.

Uye dzimwe nguva, mhinduro kumunamato uyo watinotsvaka noururami hukuru, nechishuviro chikuru, uye pachokwadi chose haipuwi muupenyu hwuno.

Sisita Patricia Parkinson vakazvarwa vachiona zvakanaka, asi pazera ramakore manomwe vakatanga kupofomara. Pazera ramakore mapfumbamwe, Pat akatanga kupinda kuUtah Schools for the Deaf and Blind muOgden, Utah, mamaira makumi mapfumbamwe (makiromita zana namakumi mana ane mashanu) kubva kumba kwake, izvi zvakaita kuti afanire kugara pachikoro chacho—izvo zvaisanganisira kusuwa kumba kwose uko mwana wamakore mapfumbamwe kwaaikwanisa kutarisana nako.

Paakasvika pazera ramakore gumi nerimwe, akanga asisaoni zvachose. Pat akadzokera kumba zvachose pazera ramakore gumi namashanu kuti anopinda pachikoro chesekondari chaiva pedyo nekumba. Akapfuurira nechikoro kuenda kukoreji uye akagirajuweta nedhigirii rokutanga munezve urema mukwaniso yokutaura uye nezvokushanda kwepfungwa, uye mushure mokutambura zvine ugamba achipikisina navashandi vanosarudza vadzidzi kuyunivhesiti avo vaiva vasina chokwadi nokumutora, akapinda mupurogiramu yokuita dhigirii rapamusoro uye akagirajuweta nedhigirii remasters mukuongorora urema hwekutaura nokunzwisisa mutauro. Pat zvino ava kushanda navadzidzi vekuchikoro chepuraimari makumi mashanu ane vatatu uye anotungamirira nyanzvi ina dzezveurema hwekutaura mudunhu rake rezvikoro. Akatenga imba yake pachake uye ane motokari, iyo shamwari nenhengo dzemhuri yavanotyaira apo Pat paanenge achida chokufambisa.

Mufananidzo
Sisita Patricia Parkinson

Pazera ramakore gumi, Pat aiva atarirwa nguva yokuti azoitwa imwezve oparesheni kugadzirisa kuona kwamaziso ake kwaiva kuri kuderera. Vabereki vake vakanga vagara vachimuudza chaizvo izvo zvaiva zviri kuzoitika maererano nekurapwa kwake, asi nokuda kwechimwe chikonzero havana kumuudza pamusoro peoparesheni ino iyi. Apo vabereki vake pavakamuudza kuti oparesheni yakanga yatarirwa nguva, Pat, mumashoko aamai vake, “akashungurudzika zvikurusa.” Pat akamhanya kuenda kune mumwe mupanda asi akadzoka pashure uye akataura kuvabereki vake nekushatirwa kukuru achiti, “Regai ndikuudzei chimwe chinhu. Ini ndinozviziva, Mwari vanozviziva, uye zvingava zvakanaka kuti imi muzvizivewo. Ndiri kuzova bofu kweupenyu hwangu hwose!”

Makore akati wandei akapfuura ayo, Pat akaenda kuCalifornia kunoshanyira nhengo dzemhuri yake idzo dzaigara ikoko. Apo paaiva ari panze nemuzukuru wake aiva namakore matatu okuzvarwa, muzukuru uyu akati kwaari, “Tete Pat, munodii kungokumbira Baba Vokudenga kuti vakupei maziso matsva? Nokuti kana mukakumbira Baba Vokudenga, Vanozokupai chero chipi zvacho chamunoda. Munongofanira chete kuVakumbira.”

Pat akati akashamiswa nemubvunzo wacho asi akapindura akati, “Aah, dzimwe nguva Baba Vokudenga havashandi saizvozvo. Dzimwe nguva Vanoda kuti udzidze chimwe chinhu, uye nokudaro haVakupi zvose zvaunoda. Dzimwe nguva unofanira kumirira. Baba Vokudenga uye neMuponesi vanonyanya kuziva izvo zvakatinakira uye izvo zvatinoda. Saka haVazokupi zvose zvaunoda munguva yaunozvida.”

Ndakaziva Pat kwamakore akawanda uye nguva pfupi yakapfuura iyo ndakamuudza kuti ndinoyemura chokwadi chokuti nguva dzose anogara aine tariro yakanaka uye achifara. Akapindura akati, “Aah, wanga usingagari kumba neni, handiti? Ndine nguva dzangu. Ndakatambura zvikuru nerusuruvaro rukuru, uye ndakachema zvakanyanya.” Zvisinei, akawedzera, “Kubvira panguva yandakatanga kupofomara, zvaishamisa, asi ndakaziva kuti Baba Vokudenga uye neMuponesi vaiva nemhuri yangu uye neni. Takatarisana nazvo nenzira yakanaka zvataikwanisa, uye mumafungiro angu, takatarisana nazvo nenzira kwayo. Ndakava munhu akabudirira zvakakwana, uye kazhinji kacho ndiri munhu anofara. Ndinorangarira ruoko Rwavo rwuri muzvinhu zvose. Kuna avo vanondibvunza kana ndakashatirwa nokuda kwokuti ndiri bofu, ndinopindura kuti, ‘Ndiani wandinozoshatirirwa? Baba Vokudenga vari mazviri izvi neni, handisi ndiri ndoga. Vaneni nguva dzose.’”

Mumamiriro ezvinhu aya, chido chaPat chokuti akwanise kuona zvakare hachizopuwi kwaari muupenyu hwuno. Asi chirevo chake, chaakadzidza kubva kuna baba vake, ndechokuti “Izviwo zvichapfuura.”10

Mutungamiri Henry B. Eyring vakataura kuti, “Baba panguva ino vanokuziva, manzwiro ako, uye zvidikanwi zvepamweya uye zvepanyama zvemunhu wose akakukomberedza.”11 Chokwadi ichi chikuru uye chinonyaradza chinokwanisa kuwanikwa muzviitiko zvitatu izvo zvandarondedzera.

Mabhuratha namasisita, dzimwe nguva minamato yedu inopindurwa nokukurumidza nemhinduro yatinotarisira. Dzimwe nguva minamato yedu haipindurwi nenzira yatinotarisira, asi nenguva tinodzidza kuti Mwari vakanga vaine maropafadzo makurusa atakagadzirirwa kupfuura zvataitarisira pakutanga. Uye dzimwe nguva teterero dzedu dzakarurama kuna Mwari hadzizopuwi kwatiri muupenyu hwuno.12 Sokutaura kwakaita Gosa Neal A. Maxwell, “Rutendo runosanganisirawo chivimbo munguva yaMwari.”13

Tine vimbiso yokuti munzira Yavo pachavo uye munguva Yavo pachavo, Baba Vokudenga vanozotiropafadza uye vanozogadzirisa zvinetso zvedu zvose, kusaenzanisirwa kwedu kwose, uye nerusuwo rwedu rwose.

Kutapa Mambo Benjamini: “Uye pamusoro paizvozvo, ndinoda kuti muzofunga maropafadzo uye mamiriro omufaro eavo vanochengeta mirairo yaMwari. Nokuti tarisai, vakaropafadzwa muzvinhu zvose, zvose zvepanyama nezvapamweya; uye kana vakabatirira norutendo kusvikira kumagumo vanogamuchirwa kudenga, kuitira kuti nokudaro vagogara naMwari mumamiriro emufaro usina magumo. O rangarirai, rangarirai kuti zvinhu izvi ndezve chokwadi; nokuti Ishe Mwari vakazvitaura.”14

Ndinoziva kuti Mwari vanonzwa minamato yedu.15 Ndinoziva kuti saBaba vanoziva zvose, vanorudo, Vanopindura minamato yedu zvakarurama, maererano noungwaru Hwavo hwusina magumo, uye munzira idzo dzinozova kupundutso neropafadzo yedu pakupedzisira. Ndinopupura nezvazvo nemuzita raJesu Kristu, ameni.

Dhinda