2011
Vimbiso Dzakakosha dzeBhuku raMormoni
Gumiguru 2011


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Gumiguru 2011

Vimbiso Dzakakosha dzeBhuku raMormoni

Makore mazhinji apfuura ndakamira parutivi pemubhedha wevamwe baba vechidiki apo pavakanga vava pedyo nerufu. Mudzimai wavo ainetsekana zvikuru nazvo nevana vavo vaviri vakanga vakamira pedyo. Vakatora ruoko rwangu munerwavo uye, nokuteterera, vakati, “Bhishopu, ndinoziva ndavakuda kufa. Nditaurirei chichaitika kumweya wangu kana ndafa.”

Ndakanamata chinyararire kuti ndiwane kutungamirwa kwedenga uye ipapo ndakacherechedza kuti patafura yeparutivi pemubhedha wavo paiva nebhuku rine magwaro matsvene matatu akabatanidzwa. Ndakasveerera ndikatora bhuku iri uye ndikazarura mapeji aro. Pakarepo ndakaona kuti, ndisina kumboedza zvakanyanya, ndakanga ndamira pachitsauko 40 chaAruma muBhuku raMormoni. Ndakaverenga mazwi aya kwavari:

“Tarisai, zvakaziviswa kwandiri nomutumwa, kuti mweya yavanhu vose, shure kwokunge yasiya muviri uno,… inotorwa yoenda kumusha kuna Mwari ivavo vakavapa upenyu.

“Uye … mweya yaavo vakarurama igamuchirwe mukufara, munzvimbo inodaidzwa kuti paradiso, mukuzorora, murunyararo, apo vachazorora kubva kumatambudziko avo ose, nemukusuwa” (Aruma 40:11–12).

Apo ndakaenderera mberi nokuverenga pamusoro peKumuka Kuvakafa, kupenya kwakauya kumeso kwemurume wechidiki uyu uye kunyemwerera kwakava pamuromo wake. Apo pandakapedza kushanya kwangu uku, ndakaoneka mhuri yakanaka iyi.

Ndakazoona zvakare mudzimai wake nevana parufu rwake. Ndinofunga shure kuusiku ihwohwo apo murume wechidiki akateterera kuti azive chokwadi uye, kubva muBhuku raMormoni, akanzwa mhinduro kumubvunzo wake.

Kubva muBhuku raMormoni kunouya dzimwe vimbiso dzakakosha, kusanganisa vimbiso dzerunyararo, dzerusununguko, nedzemaropafadzo kana “tiri tinoshandira Mwari wenyika, ari iye Jesu Kristu” (Eta 2:12).

Kubva mumapeji aro kunouya vimbiso “ yerufaro rwusingaperi” kune “avo vanochengeta mirairo yaMwari. Nokuti tarisai, vakakomborerwa muzvinhu zvose, zvose munyama napamweya” (Mosiya 2:41).

Kubva mumapeji aro kunouya vimbiso “yerufaro rwusinganzwisisike” kune avo vanova “mudziyo[midziyo] mumaoko aMwari” mukununura vanakomana nevanasikana Vavo vakakosha (Aruma 28:8; 29:9).

Kubva mumapeji aro kunouya vimbiso yekuti Israeri yakapararira ichaunganidzwa—rinova basa ratirikushanda kuburikidza nebasa redu guru reudzidzisi pasi rose (ona3 Nifai 16; 21–22).

Kubva mumapeji aro kunouya vimbiso yekuti apo tinonamata kuna Baba muzita rinoyera raJesu Kristu, mhuri dzedu dzinozoropafadzwa (ona 3 Nifai 18:21).

Kubva mukudzidza mapeji aro kunouya kuzadzikiswa kwevimbiso yakaporofitwa yekuti “kunozouya muupenyu hwenyu uye mudzimba dzenyu mwero wakawedzerwa weMweya waIshe, chido chakasimbiswa chekufamba mukuteerera kumirairo Yavo, uye uchapupu hwakasimba hwechokwadi chekuvapo kweMwanakomana waMwari.”1

Uye kubva mumapeji eBhuku raMormoni kunouya vimbiso yaMoronai yekuti kuburikidza nemunamato, chido chechokwadi, nerutendo munaKristu, tingangoziva chokwadi chevimbiso idzi “nesimba reMweya Mutsvene” (ona Moronai 10:4–5).

Pamwechete nevamwe vaporofita vemazuva ekupedzisira, ndinopupura huchokwadi “hwebhuku rino rezvirokwazvo zvikuru kupinda rimwe bhuku ripi zvaro panyika,”2 kunyange Bhuku raMormoni, humwe huchapupu hwaJesu Kristu. Shoko raro rinotandira nenyika uye rinounzira vaverengi varo ruzivo rwechokwadi. Uchapupu hwangu hwekuti Bhuku raMormoni rinoshandura upenyu. Mumwe nemumwe wedu ngaariverenge uye agoriverenga zvakare. Uye ngatigoverane nerufaro uchapupu hwedu hwevimbiso dzaro dzakakosha nevana vose vaMwari.

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Gordon B. Hinckley, “A Testimony Vibrant and True,” Liahona, Aug. 2005, 6.

  2. Teachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2007), 64.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Mumagwaro matsvene “tinowana misimboti yechokwadi inozogadzirisa kwese kukangaidzika uye rese dambudziko nekwese kudzemberedzwa kuchatarisana nemhuri yemunhu” (Teaching, No Greater Call [1999], 51). Apo munogovera shoko reMutungamiri Monson nemhuri yamunoshanyira, vakokei kuti vateerere “kuvimbiso dzakakosha” dzavanodoma muBhuku raMormoni. Mungangogovera vimbiso yemuBhuku raMormoni yakakosha kwamuri.

Dhinda