2011
Kana Tichitenda
Gumiguru 2011


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Gumiguru 2011

Kana Tichitenda

Julie B. Beck, Mutungamiri Mukuru weChita cheRubatsiro

Dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu.

Rutendo • Mhuri • Rubatsiro

MuBhuku raMormoni tinoverenga pamusoro pemajaya akanaka zvikuru vakanga vaine ushingi zvikuru, vasingatye, uye vakasimba chaizvo. “Hongu, vaive varume vechokwadi vakatsiga, nokuti vakanga vakadzidziswa kuchengeta mirairo yaMwari nokufamba vakatwasanuka pamberi pake” (Aruma 53:21). Majaya akatendeka aya akapa rumbidzo kuna vanamai vavo—vaiva mienzaniso nevadzidzisi vavo.

Vanamai vevarwi vaHiramani vakararama munguva dzisina kusiyana nedzedu. Mamiriro ezvinhu avo akanga akaoma uye ainenjodzi, uye vechidiki vaidaidzwa kuti vadzivirire rusununguko rwenyama nerwe zvemweya. Nhasi tinorarama munyika umo “matisingarwi nenyama neropa, asi nevabati, navanesimba, navatongi verima renyika ino, nemweya yakaipa iri munzvimbo dzepamusoro” (VaEfeso 6;12).

Nguva dzakaoma dzinoda vabereki vakasimba uye mienzaniso avo vanodzidzisa chokwadi chaizivikanwa nevarwi vaHiramani: “Kana vachitenda, Mwari vanovabatsira” (Aruma 56:47). Kudzidzisa nekuratidza chokwadi ichi nhasi zvinoda kushinga. Zvisinei, hatifanire kutya. Kana tichinge tichiziva kuti tiri vanaani uye kuti Mwari ndiyani uye takaita zvibvumirano naVo, Isu—savanamai vevarwi ava—tinozova nekukurudzira kukuru kwezvakanaka.

Zvingangova kuti, mumwe nemumwe wevarwi zvuru zviviri nemakumi matanhatu vaHiramani akanga akakurudzirwa namai. Asi vanamai ava havana kuzviita vega. Pamwechete nevamwe varume nevakadzi vakarurama, vanamai ava vanofanira kunge vakabatanidza rutendo rwavo nemunzaniso wavo kuti vadzidzise simba rezvibvumirano. Vanhu vechidiki venguva iyoyo vainzwisisa chibvumirano chakanga chaitwa nevaberiki vavo chekusarwa muhondo. Uye kunyange apo pazvairatidzika sezvisingakwanisike, Baba Vekudenga vane rudo vakazarura nzira yekuti vabereki ava vachengete chibvumirano chavo—(ona Aruma 56:5–9). Nesuwo saizvozvo tinofanira kukudza zvibvumirano zvedu kuitira kuti vana uye vechidiki—vana vedu pachedu neavo vari mumawadhi edu, mumapazi edu, muvavakidzani vedu, nemunharaunda medu—vanozonzwisisa nekutsigira kuchengeta zvibvumirano.

Apo tinokudza zvibvumirano zvedu, Baba Vekudenga vanokwanisa kutigadzirira nzira. Tinofanira kurarama zvibvumirano zvedu nemazvo chaimo. Semuenzaniso, tinokwanisa kuita nemazvo chaimo mukunamata, mukuverenga magwaro matsvene, mukuva nemvumo yekupinda mutemberi, mukupfeka zvakadzikama, mukukudza Sabata. Apo tinoita izvozvo, vana vedu vanozoziva uye vanozokwanisa kuti, “Tinotenda kuti vanaamai vedu vaizviziva” (Aruma 56:48).

Madzimai eVatendi Vamazuva eKupedzisira avo vanoziva kuti simba ravo rinobva muRudzikinuro rwaIshe havabvume kukundikana munguva dzakaoma uye dzinoodza mwoyo. Sevachengeti vechibvumirano, tinoita zvakanakisisa pakuchengeta, kukudziridza, nekudzivirira vana uye vechidiki kuitira kuti rimwe zuva tingazokwanisa kuti maerarano nechizvarwa chirikukura ichi, “Handina kumbenge ndakaona kusatya kwakadaro, kwete, handina kumbozviona mukati mavose” (Aruma 56:45).

Kubva muMagwaro Matsvene

Aruma 58; 56–58

Chii Chandingaite?

  1. Ndingabatsire sei masisita angu kucherechedza nekushandisa simba ravainaro rekukurudzira chizvarwa chiri kukura?

  2. Ifemero ipi yandichawana muBhuku raMormoni yekugadzirisa zvinogozha zvandiri kutarisana nazvo nhasi?

Dhinda