2011
Mira muNzvimbo Tsvene
Mbudzi 2011


Mira muNzvimbo Tsvene

Kutaurirana naBaba vedu Vokudenga—kusanganisira minamato yedu kwaVari nefemero Yavo kwatiri—kunodikanwa kuitira kuti tikunde matambudziko nezviedzo zveupenyu.

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, tanzwa mashoko akanaka zvikuru magwanani ano, uye ndinokudza mumwe nemumwe atora chinhanho. Tinonyanya kufara kuva naGosa Robert D. Hales nesu zvakare uye varikunzwa zvirinani. Tinokuda, Bob.

Apo pandaifungisisa nezvandaida kuzotaura kwamuri magwanani ano, ndakanzwa kufemerwa kuti ndigovere dzimwe pfungwa nemanzwiro izvo zvandinofunga kuti zvakakosha zvikuru uye kuti ino ndiyo nguva kwayo yokuzvitaura. Ndinonamata kuti ndingatungamirirwa mumashoko angu.

Ndararama panyika pano kwemakore makumi masere nemana iyezvino. Kuti ndikupei nzwisiso diki, ndakazvarwa gore rimwechetero iro Charles Lindbergh raakabhururutsa ndege yokutanga kubhururutswa nemunhu mumwechete asingamiri munzira kubva kuNew York kuenda kuParis iri ndege yaiva neinjini imwechete uye yaiva nechigaro chimwechete. Zvizhinji zvakashanduka mumakore makumi masere nemana kubvira ipapo. Vanhu vakasoenda kumwedzi nokudzoka. Chokwadi ndechekuti, ngano dzesaenzi dzanezuro dzava chokwadi nhasi. Uye chokwadi ichocho, rutendo kutekinoroji yenguva yedu, chiri kuchinja nokukurumidza zvokuti tinotambura kufambirana nacho—ndokunge takwanisa. Kuna avo vedu vanorangarira runhare rwekudhaira uye matapureta aiva asingashandisi magetsi, tekinoroji yanhasi inopfuura zvokunguva inoshamisa.

Uyewo chimwe chiri kushanduka nokukurumidza kukuru hunhu hwevanhu munyika. Maitiro ayo aimboonekwa seasina kufanira uye asina hunhu iyezvino haasi arikungobvumidzwa chete asiwo ari kuonekwa nevanhu vakawanda zvikuru sechinhu chinotambirwa.

Chinguva chidiki chakapfuura ndakaverenga mu Wall Street Journal chinyorwa chakanyorwa naJanathan Sacks, mutungamiriri mukuru wechitendero chevaJudah muBritain. Pakati pezvimwe zvinhu, akanyora kuti “Muvazhinji vevagari vemunyika dzose dzokuMadokero mumakore emunana1960 makava nekushanduka kwehunhu, kusiiwa kwetsika yekare yose yokuzvidzora. Chaunoda chete, vakaimba maBeatles, rudo. Hunhu hweChitendero chevaJudah hwakaraswa. Munzvimbo yahwo makauya [chirevo]: [Ita] chipi nechipi zvacho chinokushandira. Mirairo ineGumi yakanyorwa zvakare seMazano Gumi Akafungwa Zvineunyanzvi.”

Mutungamiri wevaJudah Sacks anoenderera nerondedzero inokushungurudzika:

“Tangatichishandisa hupfumi hwehunhu hwedu zvisana nomwero wese sokushandisa kwatakanga tichiita hupfumi hwemari dzedu. …

“Kune nzvimbo huru [dzenyika] uko chitendero chinotorwa sechinhu chakare uye hakuna inzwi rinopokana netsika yekuti, chitenge, chishandise, chipfeke, chitaridze norudado, nokuti unozvikodzera. “Shoko ririkupiwa nderekuti zvehunhu ndezvekare, kuva nehana yakanaka ndekwembwende, uye murairo mumwechete unokunda mimwe yese ndewekuti ‘Usabatwa.’”1

Mabhuratha nemasisita angu, izvi—ndine urombo kuti—zvinotsanangura huzhinji hwenyika yakaikomberedza. Tosvina maoko edu here mukupererwa nokushama kuti tichazorarama sei munyika makadaro? Kwete. Pachokwadi, muupenyu hwedu tine vhangeri raJesu Kristu, uye tinoziva kuti hunhu hausi chinhu chakare, kuti hana yedu iripo kutitungamira, uye kuti tinozvidavirira pazviito zvedu.

Kunyangwe zvazvo nyika yashanduka, mirau yaMwari inoramba iri mimwecheteyo, haizoshanduki. Haina kushanduka; haizoshanduki. Mirairo inegumi iri zvairi izvozvo—mirairo. Haisi mazano. Inodikanwa nhasi zvakazara sekudikanwa kwayayiitwa apo Mwari pavakaipa kuvana veIsraeri. Kana chete tikateerera, tinonzwa maungira enzwi raMwari, vachitaura nesu pano iyezvino.

“Usava navamwe vamwari kunze kwangu.

“Usazviitira mufananidzo wakavezwa. …

Usareva zita raJehova Mwari wako pasina. …

“Rangarira zuva resabata, kuti uri chengete riri dzvene. …

“Kudza baba vako namai vako. …

“Usauraya.

“Usaita upombwe.

“Usaba.

“Usapupurira wokwako nhema. …

“Usachiva.”2

Mwero wamaitiro edu wakamiswa zvokupedzisira; uye haushandurwi. Hauwanikwi chete muMirairo ine Gumi asiwo muMharidzo yepaGomo, iyo yakapuwa kwatiri neMuponesi apo paAifamba pasi pano. Unowanikwa nemudzidziso Dzake dzese. Unowanikwa mumashoko ezvakazarurwa zvemazuva ano.

Baba vedu Vokudenga vamwechetevo nezuro, nhasi, nokusingaperi. Muporofita Mormoni anotiudza kuti Mwari “havashanduki kubva kusingaperi kose kusvika kusingaperi kose.”3 Munyika muno umo zvinhu zvose zvinotaridzika kuva zviri kushanduka, kusashanduka Kwavo chimwe chinhu chatinokwanisa kuvimba nacho, musimboti uyo watinokwanisa kubatirira pauri zvakasimba uye tigodzivirirwa, kuti tisayeredzwa tichiiswa kumvura dzisingazikwanwi dzinenjodzi.

Zvingangoratidzika kwauri pane dzimwe nguva kuti avo vari munyika vari kunakidzwa kupinda zvauri kuita iwe. Vamwe venyu mungangonzwa semurikudzivirirwa kuita zvakawanda nemwero wemaitiro uyo isu tiri muChechi watinotevedzera zvakakwana. Mabhuratha nemasisita angu, ndinotaura pachena kwamuri, zvisinei, kuti hakuna chimwe chinokwanisa kuunza rufaro rwakawedzerwa muupenyu hwenyu kana runyararo rwakawedzerwa kumweya yedu kupinda Mweya uyo unokwanisakuuya kwatiri apo tinotevera Muponesi nokuchengeta mirairo. Mweya haukwanisi kuvapo parudzi rwezviitwa izvo ruzhinjisa rwenyika runotora zvinhanho mazviri. Muporofita Pauro akaparidza chokwadi: “Zvino munhu sezvaakaberekwa haagamuchiri zvinhu zvoMweya waMwari: nokuti vupenzi kwaari: haazvinzwisisi, nokuti zvinonzwisiswa nomweya.”4 Chirevo munhu sezvaakaberekwa chinokwanisa kureva upi zvake wedu kana tikazvibvumira kuva vakadaro.

Tinofanira kuchenjerera zvakasimba munyika iyo yasudurukira kure kure kubva pane zvomweya. Zvakakosha kuti tirambe chinhu chose chisingaenderani nemwero wehunhu hwedu, mukudaro tichiramba kukundikana pane izvo zvatinonyanya kuda: upenyu hwekusingaperi muumambo hwaMwari. Matambudziko nezvinetso zvinoramba zvichigogodza pamikova yedu nguva nenguva, nokuti zvikamu zvatisingakwanisi kutiza zveugari hwedu muupenyu huno hwepanyika. Isu, zvisinei, tinozova nekwaniso iri nani yokusangana nazvo, kudzidza kubva kwazviri, uye kuzvikunda kana tiine vhangeri sechikamu chinokoshesesa chedu uye tiine rudo rweMuponesi mumwoyo yedu. Muporofita Isaya akaparidza, “Basa rokururama richava rugare; zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda nokusingaperi.”5

Senzira yokuva mu munyika asi tisingave ve munyika, zvinodikanwa kuti titaurirane naBaba vedu Vokudenga kuburikidza nemunamato. Vanoda kuti tidaro; Vanozopindura minamato yedu. Muponesi akatiyambira zvakasimba, sokunyorwa kwazakaitwa mu 3 Nifai 18, “munofanira kutarisa nokunamata kuti musapinde mukuedzwa; nokuti Satani anoda kukutorai. …

“Naizvozvo munofanira kunamata nguva dzose kuna Baba muzita rangu;

“Uyezve chose zvacho chamuchakumbira Baba muzita rangu, chakarurama, muchitenda kuti muchagamuchira, tarisai chichapiwa kwamuri.6

Ndakawana uchapupu hwangu hwesimba romunamato apo pandakanga ndine makore angaita gumi nemaviri okuberekwa. Ndakanga ndashanda nesimba kuti nditambire mari uye ndakanga ndakwanisa kuchengetedza madhora mashanu. Iyi yakanga iri nguva yeKunetseka Kukuru kweZvemari muNyika, apo madhora mashanu aiva mari yakawanda zvikuru—kunyanya kumukomanana wemakore gumi nemaviri. Ndakapa mari yendarama yangu yose, iyo yaisvika madhora mashanu, kuna baba vangu, uye mukuchinjana ivo vakandipa madhora mashanu epepa. Ndinoziva kuti pane chimwe chinhu chandakanga ndaronga kutenga nemadhora mashanu iwayo, kunyangwe zvazvo mushure memakore ese aya ndisisayeuki kuti chaiva chii. Ndinoyeuka chete makoshero akanga akaita mari yoyo kwandiri.

Panguva iyoyo, takanga tisina mushini wokuwachisa mbatya, saka amai vangu vhiki yega yega vaiendesa mbatya dzedu dzaida kuwachwa kunzvimbo yaiwachwa mbatya nemishini. Mushure memazuva maviri, murwi wembatya dzakawachwa uyo wataidaidza kuti “washeni nyoro” waidzoswa kwatiri, uye amai vaiyanika mbatya idzi pawaya kuti dziome.

Ndakanga ndaisa madhora mashanu angu epepa mumbudu yebhurugwa rangu rejini. Sekufembera kwamungangoita, bhurugwa rangu iri rakaendeswa kunzvimbo yaiwachwa mbatya nemari ichiri mumbudu. Pandakazoziva zvakanga zvaitika, ndakarwara norushushikano. Ndaiziva kuti mbudu dzaitariswa mukati mbatya dzisati dzawachwa. Kana mari yangu yaisawanikwa panguva yokutariswa kwembudu ikatorwa ipapo, ndaiziva kuti chokwadi chaizvo mari iyi yaizobuda mumbudu pakuwacha uye yaizotorwa nemuwachi wembatya uyo aisazoziva kuti yaifanira kudzorerwa kunaani, kunyangwe aizova nechido chokudaro. Rombo rokuwana madhora mashanu angu rakanga ririkure chaizvo—chokwadi icho amai vangu vanodiwa chavakasimbisa apo pandakavaudza kuti ndakanga ndasiya mari mumbudu yangu.

Ndaida mari iyoyo; ndaifanira kuva nemari iyoyo; ndakanga ndashanda zvakasimba zvikuru kuti nditambire mari iyoyo. Ndakaona kuti paiva nechinhu chimwechete chandaikwanisa kuita. Mukutambudzika kwangu kukuru ndakatendeukira kuna Baba vangu vari Kudenga uye ndikaVateterera kuti Vachengete mari yangu yakachengetedzeka mumbudu iya neimwe nzira kusvikira washeni nyoro yedu yadzoka.

Mushure memazuva maviri akareba zvikuru, apo pandakaziva kuti nguva inouya motokari yaiunza mbatya dzedu yakanga yaswedera, ndakagara pedyo nehwindo ndakamirira. Apo motokari payaisvika pamba, hana yangu yairova chaizvo. Mbatya nyoro padzakangopinzwa mumba, ndakatora bhurugwa rangu nokukurumidza ndikamhanya kuenda mumupanda wangu wokurara. Ndakatsvaga mumbudu neruoko rwaidedera. Pandakatadza kuwana chinhu pakarepo, ndakafunga kuti ndakanga ndarasikirwa chaizvo. Zvino ndokubva zvigunwe zvangu zvabata pepa remadhora mashanu iro rakanga ririnyoro. Apo pandairiburitsa kubva mumbudu, kugadzikana kwakazara nomuviri wangu wose. Ndakapa munamato wekutenda nemwoyo wangu wose kuna Baba vangu vari Kudenga, nokuti ndaiziva kuti Vakanga vapindura munamato wangu.

Kubva panguva iyoyo kare kare, ndakava neminamato isingaverengeki yakapindurwa. Hakuna zuva rakapfuura randisina kutaurirana naBaba vangu vari Kudenga kuburikidza nemunamato. Hukama hwandinokoshesesa—uhwo hwokuti ndaizorasika zvechokwadi chaizvo dai ndisinahwo. Kana usina hukama hwakadaro naBaba vako vari Kudenga, ndinokukurudzira kuti ushande wakanangana chinangwa ichocho. Apo paunodaro, unozokodzera femero nenhungamiro Yavo muupenyu hwako—zvidikanwi zvemumwe nemumwe wedu kuti tikwanise kurarama pamweya panguva yekugara kwedu pano pasi. Femero nenhungamiro yakadaro zvipo zvaVanonongopa kana tikazvitsvaga. Zvinova hupfumi hwakadii!

Nguva dzose ndinoninipiswa uye ndinotenda apo Baba vangu Vokudenga pavanotaura neni kuburikidza nefemero Yavo. Ndakadzidza kuiziva, kuvimba nayo, uye kuitevedzera. Nguva nenguva zvakare ndakava mutambiri wefemero yakadaro. Chimwe chiitiko chaiva chizere nezvishamiso chakatora nzvimbo muna Nyamavhuvhu wa1987 panguva yekutsaurwa kweTemberi yeFrankfurt Germany. Mutungamiri Ezra Taft Benson vakanga vainesu pazuva rokutanga kana maviri okutsvaurwa kwetemberi asi vakanga vadzokera kumusha, saka wakava mukana wangu wekutungamirira misangano yakanga yasara.

Musi weMugovera takava nemusangano wenhengo dzedu dzechiDutch avo vakanga vari mudunhu reTemberi yeFrankfurt. Ndainyatsozivana nemumwe wevatungamiri vedu vakanaka zvikuru vaibva kuNetherlands, Bhuratha Peter Mourik. Nguva diki diki musangano usati watanga, ndakava nefemero yakasimba kuti Bhuratha Mourik vaifanira kudeedzwa kuti vataure kunhengo dzechiDutch panguva yemusnagano uye kuti, pachokwadi, vaifanira kuva mutauri wokutanga. Sezvo ndakanga ndisina kuvaona mutemberi magwanani iwayo, ndakapa chitsamba kuna Gosa Carlos E. Asay, Mutungamiri weNharaunda wedu, ndichibvunza kana Peter Mourik akainge arimo mumusangano. Chinguva chidiki diki ndisati ndasumuka kuti ndivhure musangano, ndakatambira mhinduro kubva kunaGosa Asay vachaiti Bhuratha Mourik vakanga vasirimumusangano, kuti vakanga varikutora chinhanho munezvimwe kumwewo, uye kuti vaironga kupinda musangano wekutsaura mutemberi pazuva raitevera nemasiteki evari mumawuto.

Apo pandakanga ndakamira papodhiyamu kuti nditambire vanhu nokutsanangura chirongwa chemusangano, ndakatambira zvakare imwe femero yaiva pachena chaizvo kuti ndaifanira kuzivisa Peter Mourik semutauri wekutanga. Izvi zvaipikisana nemanzwiro angu ose, nokuti ndakanga ndichangonzwa kubva kunaGosa Asay kuti Bhuratha Mourik chaizvo vakanga vasiri mutemberi. Ndichivimba nefemero iyi, zvisinei, ndakazivisa kuimba kwaizoita kwaya uye munamato zvino ndikataura kuti mutauri wedu wokutanga aizova Bhuratha Peter Mourik.

Apo pandaidzokera kuchigaro changu ndakatarisa kwaiva naGosa Asay; ndikaona pachiso pavo kuratidzika kwekuvhunduka kukuru. Vakazondiudza pashure kuti pandakazivisa Bhuratha Mourik semutauri wekutanga, havana kubvuma zvavainzwa. Vakati vaiziva kuti ndakanga ndatambira chitsamba chavo uye kuti chokwadi ndakanga ndachiverenga, uye havana kunzwisisa kuti sei zvino ndaizozivisa Bhurutha Mourik semutauri wekutanga, ndichiziva kuti vakanga vasiri mutemberi zvachose.

Panguva izvi zvose pazvaiitika, Peter Mourik akanga ari mumusangano kumahofisi enharaunda muPorthstrasse. Apo musangano uyu pawaienderera mberi, pakarepo akatendeukira kuna Gosa Thomas A. Hawkes Jr., avo panguva iyoyo vakanga vari mumiririri wedunhu, uye akabvunza, “Munokwanisa kundisvitsa kutemberi nokukurumidza zvakadii?”

Fosa Hawkes, avo vaizikanwa mukuchaira vachimhanya chaizvo mumotokari yavo diki yemasipotsi, vakapindura, “Ndinokwanisa kukusvitsako mumaminetsi gumi! Asi sei uchifanira kuenda kutemberi?”

Bhuratha Mourik vakabvuma kuti vakanga vasingazivi kuti sei vaifanira kuenda kutemberi asi kuti vaiziva kuti vaifanirwa kusvikako. Vaviri ava vakasimuka voenda kutemberi pakare ipapo.

Munguva yerumbo rwaiimbwa nekwaya zvakanakisisa, ndakatarisa tarisa, ndichifunga kuti nenguva isipi ndaizoona Peter Mourik. Handina. Chaishamisa, zvisinei, ndechokuti handina kunzwa kuvhunduka. Ndakava nevimbiso yaitapira, isingarambiki yokuti zvose zvaizova zvakanaka.

Bhuratha Mourik vakapinda pamukova wemberi kwetemberi apo munamato wekuvhura pawakanga woguma, vachiri kusaziva kuti sei vakanga varipo. Apo vaifamba nokukurumidza vachidzika nemupaseji, vakaona mufananidzo wangu pasikirini uye vakanzwa ndichizivisa, “Zvino tichanzwa kubva kuna Bhuratha Peter Mourik.”

Mukushamiswa kwaGosa Asay, Peter Mourik ipapo akabva apinda mumupanda uye akatora nzvimbo yake papodhiyamu.

Mushure memusangano, Bhuratha Mourik neni takakurukura izvo zvakanga zvatora nzvimbo vasti vatora mukana wavo wokutaura. Ndakafungisisa nezve femero iyo yakauya musi iwoyo kwete kwandiri chete asiwo kuna Peter Mourik. Chhitiko chinoshamisa ichi chakapa kwandiri uchapupu husingarambwi hwekukosha kwekuva wakakodzera kutambira femero yakadaro nokuzovimba nayo—uye nokuitevera—apo painouya. Ndinoziva zvisina mubvunzo kuti Ishe vaida kuti avo vakanga varipo pamusangano iwoyo wekutsaurwa kweTemberi yeFrankfurt vanzwe uchapupu hwakasimba, hunobata mwoyo hwemuranda Wavo Bhuratha Peter Mouriki.

Mabhuratha nemasisita angu, kutaurirana naBaba vedu vari Kudenga—zvichisanganisira minamato yedu kwaVari nefemero Yavo kwatiri—kunodikanwa kuitira kuti tikwanise kukunda matambudziko nezviyedzo zvoupenyu. Ishe vanotikoka, “Swederai pedyo neni uye ini ndichaswedera pedyo nemi; nditsvakei nokushingaira uye muchandiwana.”7 Apo patinotia kudaro, tinozonzwa Mweya Wavo muupenyu hwedu, uchitipa chido neushingi hwekumira zvakasimba uye tisingasuduriki muururami—ku “mira….munzvimbo tsvene, uye usingabviswe.”8

Apo mhepo dzeshanduko padzinovhuvhuta nepatiri uye hunhu hwevanhu pahunoramba huchiparara pamberi pamaziso edu chaipo, ngatirangarirei vimbiso yakakosha yaIshe kuna avo vanovimba maVari: “Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka; nokuti ndiri Mwari wako: ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruvoko rwangu rworudyi rwokururama.”9

Ivimbiso yakadii! Iyi ngaive ropafadzo yenyu, ndinonamata muchokwadi nemuzita rinoera raIshe neMuponesi wedu, Jesu Kristu, ameni.

Dhinda