2011
Unokosha kwaVari
Mbudzi 2011


Unokosha kwaVari

Ishe vanoshandisa chikero chakasiyana zvikuru nechenyika kupima kukosha kwemweya wemunhu.

Mosesi, mumwe wevaporofita vakurusa vati vamboonekwa nenyika, akarerwa nemwanasikana waFarao uye akapedza makore makumi mana eupenyu hwake ari mudzimba dzeumambo dzeEjipita. Aiziva nokuzvionera mukurumbira noukuru hweumambo hwakare uhwu.

Pashure pemakore akawanda, pamusoro pegomo raiva kure nerunako nokubwinya kweEjipita yaiva nesimba, Mosesi akamira pamberi paMwari akataura kwaVari akatarisana naVo sezvinoita munhu achitaura neshamwari yake.1Panguva yokushanyirwa ikoko, Mwari Vakataridza Mosesi unyanzvi hwemaoko Avo, vachimubvumira kuona basa ravo nokubwinya Kwavo. Apo chiratidzo pachakaguma, Mosesi akawira pasi kwemaawa akawanda. Apo simba rake parakazodzoka, akaziva chimwe chinhu icho, mumakore ake ose mudare raFarao, chakanga chisina kumbouya kwaari.

“Ndava kuziva” akadaro, “kuti munhu hachisi chinhu.”2

Takaderera Kupinda Zvatinofunga

Nokudzidza kwatinoita zvimwe zvakawanda pamusoro pepasi nedenga, tinonzwisisa zvirinani—nemuchikamu chidiki zvacho—izvo zvaizivikanwa naMosesi. Pasi nedenga zvakakura chaizvo, hazvitsananguriki, uye zvinoshamisa zvokuti hazvinzwisiswi nepfungwa dzemunhu. “Nyika dzisingaverengeki ndakadzisika,” Mwari vakaudza Mosesi.3 Zvishamiso zvedenga reusiku uchapupu hwakanakisisa hwechokwadi ichocho.

Kune zvinhu zvishoma zvakandizadza nerushamiso rukuru sokuchaira ndege murima reusiku ndichipfuura makungwa nenyika uye ndichitarisa kunze nepahwindo rekunogara muchairi wendege kukubwinya kusingaperi kwemamiriyoni enyeredzi.

Vadzidzi vesaenzi dzezviri mudenga vakaedza kuverenga huwandu hwenyeredzi dziri mudenga. Rimwe boka revadzidzi vesaenzi rinofungidzira kuti uwandu hwenyeredzi dzinoonekwa nemuteresikopu hunopfuura zvinopetwa kagumi huwandu hwemhunze dzeivhu riri mumahombekombe emakungwa ese emunyika neriri mumarenje emunyika ose.4

Mhedzisiro yakasvikwa pairi iyi yakafanana zvikuru nechirevo chemuporofita wakare Enoki: “Dai zvaiitika kuti munhu averenge mhunze dzevhu, hongu, mamiriyoni enyika dzakawanda akadai, hakwaive kutanga kwekuverenga zvamakasika.”5

Nokuwanda kwakaita zvisikwa zvaMwari, hazvishamisi kuti Mambo mukuru Benjamini akaraira vanhu vake “muyeuke, mugare muchiziva, hukuru hwaMwari, nokusava chinhu kwenyu.”6

Takakura Kupinda Zvatinofungira

Asi kunyangwe zvazvo munhu asiri chinhu, zvinondizadza neshamiso nerukudzo rukuru kufunga kuti “kukosha kwemweya kukuru mumaziso aMwari.”7

Uye apo tingangotarisa kuhukuru hwepasi nedenga uye toti, “Munhu chii mukuenzaniswa nekubwinya kwekusika?” Mwari paChavo Vakati tiri chikonzero chaVakasikira pasi nedenga! Basa Ravo nokubwinya Kwavo—chinangwa chepasi nedenga zvakanakisisa izvi—ndechokuponesa nokusimudzira kumusoro-soro vanhu8Nemamwe manzwi, hukuru hwekusingaperi, runako nezvisinganzwisiswi zvenzvimbo nenguva zvisingagumi zvose zvakavakirwa chimuko chevanhu vamazuvaose vanofa vakaita sewe neni. Baba vedu Vokudenga vakasika pasi nedenga kuitira kuti tigosvika pakwaniso yedu sevanakomana nevanasikana Vavo.

Ichi ndicho chirevo chinotaura zvinopikisana pamusoro pemunhu asi chiri chechokwadi: mukuenzaniswa naMwari, munhu haasi chinhu; asi tiri zvinhu zvose kuna Mwari. Kunyangwe zvazvo apo patinoenzaniswa nehukuru husina mugumo hwekusika tingangotaridzika kuva tisiri chinhu, tine ruvaimo rwemoto wokusingaperi unopfuta muchipfuva chedu. Tine vimbiso isingakwanisi kunzwisiswa yekusimudzirwa kumusoro soro—nyika dzisina mugumo—izvo zvatinokwanisa kuwana. Uye chido chikuru chaMwari chokutibatsira kuzviwana.

Upenzi hweRudado

Munyengeri mukuru anoziva kuti chimwe chezvombo zvake zvinoshanda zvikurusa mukutungamira vana vaMwari kukurasika ndechokushandisa pfungwa dzinopikisana pakati pechakanaka nechakaipa kukangaidza vanhu. Kuna vamwe, anoshandisa maitiro avo erudado, achivatutumadza nokuvakurudzira kuti vatende mumanyepo ekuzvikoshesa nokufunga kuti vanemasimba asingakundwi. Anovaudza kuti varinani zvinopfuura vamwe vose uye kuti nokuda kwekwaniso, kodzero dzokuzvarwa kwavo kana chinzvimbo chavo mavagere, vanotsaurwa kubva kumwero wamazuva ose wezvose zvakavatenderedza. Anovatungamirira kusvika pakufunga kuti naizvozvo havafaniri kuteerera kumirairo yaani zvake uye kuti havafaniri kuita hanya nematambudziko evamwe vanhu.

Abraham Lincoln anonzi aida detembo rinoti:

Ko sei mweya wevanhu vanofa uchifanira kudada?

Senyeredzi inodonha, gore rinomhanya nomuchadenga,

Kupenya kwemheni, kuguma kwemasaisai,

Munhu anopfuura nomuupenyu kuenda kuzororo rake muguva.9

Vadzidzi vaJesu Kristu vanonzwisisa kuti zvichienzaniswa nekusingaperi, ugari hwedu munyika inofa ino “chinguva chidiki diki” chete munzvimbo nenguva.10 Vanoziva kuti kukosha kwechokwadi kwemunhu kune zvishomanana zvokuita neizvo zvinokosheseswa nenyika. Vanoziva kuti unokwanisa kuunganidzwa mari yakawanikwa yepanyika pose uye haizotengi rofu rechingwa muchitoro chokudenga.

Avo vanozo “wana umambo hwaMwari”11 ndeavo vanova “somwana, anozviisa pasi, anozvininipisa, munyoro, ane mwoyo murefu, akazara norudo.”12 “Nokuti mumwe nomumwe unozvikudza uchaninipiswa; nomumwe nomumwe unozvininipisa uchakudzwa.”13 Vadzidzi vakadaro vanonzwisisawo “kuti kana muri mukushandira vamwe venyu munenge muri mukushandira Mwari wenyu.”14

Hatina Kukanganikwa

Imwe nzira Satani yaanonyengere nayo kuburikidza nokuwodzamoyo. Anoedza kuti titarisise pakusakosha kwedu pachedu kusvikira tatanga kushaya chokwadi pakuti tinokodzera chinhu. Anotiudza kuti takadupuka zvokuti hapana anotiona, uye kuti takakanganikwa—kunyanya naMwari.

Regai ndikugoverei chimwe chiitiko chakaitika kwandiri icho chingangobatsira avo vanonzwa kusakosha, kukanganikwa, kana kuva vari voga.

Makore mazhinji akapfuura ndakapinda chikoro chokudzidziswa kuchaira ndege muMauto eMudenga eUnited States. Ndaiva kure zvikuru nekumusha kwangu, musoja mudiki wekuWest Germany, akazvarirwa kuCzechoslovakia, uyo akanga akurira muEast Germany uye aitaura Chirungu chete nokutambura kukura. Ndinonyatsa kuyeuka rwendo rwangu rwokuenda kunzvimbo yokudzidzira yedu muTexas. Ndakanga ndiri mundege, ndakagara pedyo nemumwe mufambi aitaura nemutauriro wakadzama wevanobva kuMaodzanyemba. Ndakanga ndisinganzwisisi zvachose zvaaitaura. Chokwadi ndakatanga kufunga kuti pamwe ndakanga ndadzidziswa rurimi rusirirwo nguva yose yakanga yapfuura. Ndaivhundutswa zvikuru nepfungwa yokuti ndaifanira kukwikwidzanira nzvimbo dzepamusoro dzaidikanwa mukudzidza kuchaira ndege nevadzidzi vaiva vatauri veChirungu kubva pakuzvarwa.

Pandakasvika pabhesi rokudzidzira mudhorobha diki reBig Spring, Texas, ndakatsvaka ndikwana bazi raVatendi Vamazuva Ekupedzisira, iro raiva nenhengo dzakanaka chaizvo dzaiva chitsama uye dzaisanganira mumipanda yairendwa pabhesi chaipo. Nhengo idzi dzaiva munzira yokuvaka imba yokusanganira diki iyo yaizoshanda senzvimbo yeChechi zvachose. Mumazuva iwayo nhengo ndidzo dzaivaka zvivako zvitsva.

Zuva rega rega ndaipinda dzidziso dzangu dzekuchaira ndege nokuverenga zvakasimba pamakwanisiro angu ose uye zvino ndaizopedza nguva zhinji yangu yokutandara ndichishanda paimba yokusanganira itsva iyi. Ikoko ndakadzidza kuti mbiri-ne-ina harisi danho rokudzana asi kuti chitanda chakavezwa. Ndakadzidzawo unyanzvi hunokosha hwekusarova zigunwe ziguru rangu apo pandainge ndichirovera chipikiri.

Ndakapedza nguva yakareba ndichishanda paimba yokusanganira iyi zvokuti mutungamiri webazi—uyo aivawo mumwe wevadzidzisi vezvokuchaira ndenge—akandiudza kunetsekana kwake kuti pamwe ndaifanira kupedza nguva yakawanda ndichiverenga zvedzidzo dzangu.

Shamwari dzangu nevamwe vandaidzidza navo kuchaira ndege vaitora zvinhanho muzviitwa zvenguva yokutandara, kunyange ndichifunga kuti hazvina kuipa kutaura kuti zvimwe zvezviitwa izvozvo hazvaizoenderana nemwero uri muchibhuku chanhasi che For the Strength of Youth. Ini hangu, ndaifadzwa nokuva chikamu chakasimba chechibazi chidiki ichi chaiva kumadokero kweTexas, ndichinatsidzira unyanzvi hwezvokuveza hwandakanga ndichangowana, uye ndichanatsa matauriro angu eChirungu apo pandaizadzikisa daidzo yangu yokudzidzisa muchikwata chemagosa nemuChikoro cheSvondo.

Panguva iyoyo, Big Spring, zvisinei nezita rayo, yaiva nzvimbo diki, isina kukosha, uye isngazikanwi. Uye ini kazhinji ndainzwa zvimwechetezvo pamusoro pangu—kusakosha, kusazikanwa, uye kusurikirwa chaizvo. Kunyangwe zvaiva zvakadaro, handina kana kamwechete kumbofunga kana Ishe vainge vandikanganwa kana kuti Vaizombokwanisa kundiwana munzvimbo iyoyo. Ndaiziva kuti zvakanga zvisina mhosva kuna Baba Vokudenga kuti ndaiva kupi, kana nzvimbo yandaipuwa pane vamwe mukirasi yangu yekudzidza kuchaira ndege, kana kuti daidzo yangu yaiva iri ipi muChechi. Zvaiva zvakakosha kwavari zvaiva zvokuti ndakanga ndichiita napose pandaikwanisa, kuti mwoyo wangu wakanga wakarerekera kwaVari, uye kuti ndaiva nechido chokubatsira avo vakandikomberedza. Ndaiziva kuti kana ndikaita napose pandaikwanisa, zvose zvaizova zvakanaka.

Uye zvose zvakava zvakanaka.15

Vokupedzisira Vachava Vokutanga

Ishe havana hanya zvachose kuti tinopedza mazuva edu tichishanda mumahofisi akavakwa nematombo akakwenenzverwa anovaima kana mumatanga ezvipfuwo. Vanoziva kwatiri, zvisinei nokuti mamiriro ezvinhu edu akaderera zvakadii. Vanozoshandisa—nenzira Yavo pachavo uye kuitira chinangwa Chavo chitsvene—avo vanorerekera mwoyo yavo kwaVari.

Mwari vanoziva kuti vamwe vevanhu vakurusa vakararama ndeavo vasingambofi vakabuda murondedzero dzezvinyorwa zvenhoroondol Vanhu vakaropofadzwa, vanozvininipisa avo vanotevedzera muenzaniso weMuponesi uye vanopedza mazuva eupenyu hwavo vachiita zvakanaka.16

Murume nemukadzi vakadaro, vabereki veshamwari yangu, avo vari muenzaniso wemusimboti uyu kwandiri. Murume wacho aishanda kufakitori yesimbi muUtah. Panguva yekudya kwemasikati aibudisa magwaro matsvene ake kana magazini reChechi overenga. Apo vamwe vashandi pavaiona izvi, vaimuseka uye vaipikisana nechitendero chake. Apo pese pavaidaro, aitaura navo nemwoyo chena neruvimbo. Haana kubvumira kushaya rukudzo kwavo kuti kumushatirise kana kumugumbura.

Mushure memakore akawanda mumwe wevainyanya kumunyomba akarwara chaizvo. Asati afa, akakumbira kuti murume aizvininipisa uyu ataure parufu rwake—izvo zvaakaita.

Nhengo yakatendeka iyi yeChechi yakanga isina zvakawanda maererano nechinzvimbo muvanhu kana upfumi, asi simba rake reshanduro raipinda zvakadzama muna vose vaimuziva. Akafa munjodzi yekubasa apo paakamira kubatsira mumwe mushandi akanga anyura mudutu remazaya echando.

Mushure megore shirikadzi yake yakaitwa opareshini yemuurozvi, iyo yakamusiya asisagone kufamba. Asi vanhu vanoda chaizvo kuenda kunomushanyira nokuti anoteerera. Anoyeuka. Ane hanya. Nokuda kwokuti haakwanisi kunyora, anodzidza nomusoro nhamba dzerunhare dzevana nevazukuru vake. Norudo anoyeuka mazuva okuzvarwa neemaanivhesari.

Avo vanomushanyira vanodzoka vava kunzwa zvirinani pamusoro peupenyu uye pamusoro pavo pachavo. Vanonzwa rudo rwake. Vanoziva kuti ane hanya. Haambofi akagunun’una asi anopedza mazuva ake achiropafadza upenyu hwevamwe. Mumwe weshamwari dzake akati mudzimai uyu aiva mumwe wevanhu vashoma vaaiziva vari muenzaniso wechokwadi werudo noupenyu hwaJesu Kristu.

Murume nemukadzi ava vangadai varivo vokutanga kutaura kuti vakanga vasiri vakakosha zvikuru munyika muno. Asi Ishe vanoshandisa chikero chakasiyana zvikuru kubva kune chenyika mukupima kukosha kwemweya. Vanoziva murume nemukadzi vakatendeka ava, Vanovada. Zviito zvavo uchapupu upenyu hwerutendo rwavo rwakasimba maVari.

Unokosha kwaVari

Mabhuratha nemasisita angu anodikanwa, zvingangova chokwadi kuti munhu haasi chinhu mukuenzwaniswa nehukuru hwepasi nedenga. Panedzimwe nguva tingangokwanisa kunyangwe kunzwa kuti hatina kukosha, hationekwi, tiri toga, kana kuti takakanganikwa. Asi nguva dzose yeuka—unokosha Kwavari! Kana ukange usisina chokwadi nazvo, funga misimboti mitsvene mina iyi:

Wokutanga, Mwari vanoda avo vanozvininipisa uye vakapfava, nokuti “vakurusa muvushe hwokudenga.”17

Wechipiri, Ishe Vanovimba “kuti kuzara kwevhangeri [Ravo] [ku]shambadzwe nevasinasimba nevanhuwo zvavo, kusvika kumagumo enyika.”18 Vakasarudza “zvisinasimba zvemunyika [kuti] zvichauya zvigotyora vemasimba uye nevakasimba”19 uye kunyadzisa “izvo zvinesimba.”20

Wechitatu, zvisinei nokwaunogara, zvisinei nokuti mamiriro ezvinhu ako akaderera zvakadii, kuderera kwebasa rako, kushomeka kwekwaniso yako, kusashamisa kwechimiro chako, kana kuti kudupuka kwedaidzo yako muChechi kunoratidzika sei kwauri, hausi usingaonekwi naBaba vako Vokudenga. Vanokuda. Vanoziva mwoyo wako wakaninipa uye zviito zvako zverudo nomwoyo chena. Pamwechete, zvinoumba uchapupu husingaperi hwekuvimbika kwako norutendo rwako.

Wechina nowokupedzisira, ndapota nzwisisa kuti zvaunoona nezvinoitka kwauri iyezvino hazvisizvo zvinezenge zvakaita kusingaperi. Hauzonzwi rusurikirwo, rusuwo, marwadzo, kana kuodzwa mwoyo zvisina mugumo. Tine vimbiso yakatendeka yaMwari yokuti haVazokanganwi kana kusiya avo vanorerekera hana dzavo kwaVari.21 Iva netariro nekutenda muvimbiso iyoyo. Dzidza kuda Baba vako Vokudenga uye iva mudzidzi Wavo mushoko nemuchiito.

Iva wakavimbiswa kuti kana chete ukabatirira, ukatenda maVari, uye ukaramba wakatendeka mukuchengeta mirairo, nerimwe zuva uchazowana iwe pachako vimbiso dzakazarurwa kuMuapositora Pauro: “Izvo zvisina kuvonekwa neziso, kana kunzwika nenzeve, nezvisina kupinda mumwoyo womunhu, ndizvo Mwari zvaVakagadzirira vanoVada.”22

Mabhuratha nemasisita, Munhu anesimba rinokunda vose pasi nekudenga ndiBaba vomweya wako. Vanokuziva. Vanokuda nerudo rwakarurama.

Mwari Vanokuona kwete chete semunhu anofa ari pakanyika kadiki uyo anorarama kwenguva shomanana—Vanokuona semwana Wavo. Vanokuona somunhu ane kwaniso yokuva zvawakagadzirirwa kuva. Vanoda kuti uzive kuti unokosha kwaVari.

Ngatigarei nguva dzose tichitenda, tichivimba, uye tichiruramisa upenyu hwedu kuitira kuti tizonzwisisa kodzero nekwaniso yechokwadi yedu yokusingaperi. Ngativei vakakodzera maropafadzo akakosha ayo Baba vedu Vokudenga avakatichengetera ndiwo munamato wangu nemuzita reMwanakomana Wavo, kunyangwe Jesu Kristu, ameni.

Dhinda