2011
Sarudzo yoKuva Unotenda
Zvita 2011


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Zvita 2011

Sarudzo YokuvaUnotenda

Mufananidzo
Mutungamiri Henry B. Eyring

Baba Vedu vari Kudenga vanotiraira kuti tive tinotenda muzvinhu zvose (ona 1 VaTesaronika 5:18), uye Vanoda kuti tipe kutenda kumaropafadzo atinogashira (ona D&Z 46:32). Tinoziva kuti mirairo Yavo yose inoitirwa kuita kuti tifare, uye tinozivawo kuti kutyora mirairo kunotungamirira kurusuwo.

Saka kuti tifare uye kudzivirira rusuwo, tinofanira kuva nemwoyo wokutenda. Tinoona muupenyu hwedu ukama huri pakati perutendo nerufaro. Tose tinoda kunzwa rutendo, asi hazvisi nyore kugara tichitenda muzvinhu zvose mumatambudziko eupenyu. Urwere, chigumburo, uye kurasikirwa nevanhu vatinoda zvinouya dzimwe nguva muupenyu hwedu. Zvisuwo zvedu zvinokwanisa kuita kuti zviome kuona maropafadzo edu nekutenda maropafadzo atakachengeterwa naMwari muneramangwana.

Zvakaoma kuverenga makomborero edu nokuti tinetsika yekusakoshesa zvinhu zvakanaka. Kana tarasikirwa nepekugara, chikafu chokudya, kana rudo rweshamwari nemhuri, tinozoziva kutenda kwatingadai takaita apo pataiva nazvo.

Kunyanya, dzimwenguva zvakatiomera kuti titende zvakakwana kuzvipo zvikuru-kuru zvatinogashira: kuzvarwa kwaJesu Kristu, Rudzikinuro Rwake, vimbiso yekumuka kuvakafa, mukana wekunakirwa neupenyu husingaperi nemhuri dzedu, Kudzorerwa kwevhangeri nehupirisita nemakiyi ahwo. Chete nerubatsiro rweMweya Mutsvene ndipo patingakwanise kutanga kunzwa zvinoreva maropafadzo iwayo kwatiri nekuneavo vatinoda. Uye chete ipapo ndipo patingakwanise kuita tariro yekuva tinotenda muzvinhu zvose uye tigodzivirira mhosva kuna Mwari yekusava nerutendo.

Tinofanira kukumbira mumunamato kuti Mwari, nesimba reMweya Mutsvene, vanozotibatsira kuona maropafadzo edu zvakajeka kunyange pakati pematambudziko edu. Vanokwanisa kutibatsira nesimba reMweya kuziva nekuva tinotenda kumaropafadzo atisingakoshese. Zvinondibatsira zvakanyanya kukumbira Mwari mumunamato, “Ndapota Munganditungamirewo here kune mumwe munhu wandingakwanise kukubatsirirai?” Mukubatsira Mwari kuti varopafadze vamwe ndimo mandinoona maropafadzo angu pachangu zvakanyanya.

Munamato wangu wakapindurwa pane imwenguva apo murume nemukadzi vandakanga ndisina kumbenge ndichiziva pavakandikoka kuenda kuchipatara. Ikoko ndakawana kamwana kacheche kaiva kadiki zvekuti kaikwanisa kukwana muchanza changu. Mumasvondo mashoma chete eupenyu, akanga aitwa maoparesheni mazhinji. Vanachiremba vakanga vaudza vabereki kuti imwe oparesheni yakaoma yaizodikanwa kuti mwoyo nemapapu zvichengetedze upenyu mukamwana kadiki aka kaMwari.

Nekukumbira kwevabereki, ndakapa mwana ropafadzo rehupirisita. Ropafadzo iri rakasanganisira vimbiso yekurebeswa kweupenyu. Kupfuura kupa ropafadzo, ndakagashira ropafadzo ini pachangu remwoyo unova nekutenda kwakawedzerwa.

Nerubatsiro rwaBaba vedu, tese tinokwanisa kusarudza kunzwa rutendo rwakawedzerwa. Tinokwanisa kuVakumbira kutibatsira kuona maropafadzo edu zvakajekesesa, mumamiriro edu ezvinhu api zvawo. Kwandiri musi iwoyo, ndakakoshesa sezvandisina kumboita chishamiso chemwoyo nemapapu zvangu pachangu zviri kushanda. Munzira kuenda kumba ndakapa kutenda nemaropafadzo kuvana vangu andaiona zvakajekesesa kuti aive zvishamiso zvenyasha kubva kuna Mwari uye kubva kuvanhu vakanaka vakavatenderedza.

Kunyanya, ndakanzwa rutendo rweumboo hweRudzikinuro rwaishanda muupenyu hwevabereki avo vainetsekana uye nemangu. Ndakanga ndaona ruvimbo nerudo ruzere rwaKristu rwuchipenya muzviso zvavo, kunyange mumatambudziko avo akaipisisa. Uye ndikanzwa umboo hwaunokwanisa kunzwa kana ukakumbira Mwari kuti varatidze kwauri kuti Rudzikinuro rwunokwanisa kukubvumira kuti unzwe tariro nerudo.

Tose tinokwanisa kuita sarudzo yekupa kutenda mumunamato nekukumbira Mwari nhungamiro yekuVabatsirira vamwe—kunyanya munguva ino yegore apo tinopemberera kuzvarwa kweMuponesi. Mwari Baba vakapa Mwanakomana Wavo, uye Jesu Kristu akatipa Rudzikinuro, chipo chikurusa kupfuura zvose zvipo nokupa kwose (ona D&Z 14:7).

Kupa kutenda mumunamato kunokwanisa kutibvumira kuona kukoshesesa kwemaropafadzo aya neose mamwe maropafadzo edu nokudaro togashira chipo chemwoyo wokutenda kwakawedzerwa.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Kunyora pasi zviitiko zvedu nemaropafadzo zvinokwanisa kutibatsira kuzviyeuka uye zvotipa chimwe chinhu chekwekuzozvitsvaga. Funga kukumbira avo vamunodzidzisa kuti vanyore pasi zvavanotenda nazvo—kuvabatsira kuyeuka maropafadzo avakagashira, kuziva maropafadzo azvino, uye kutarisira maropafadzo eramangwana.

Unokwanisa kukurudzirawo avo vamunodzidzisa kutevera muenzaniso weMutungamiri Eyring mukukumbira Baba Vekudenga kuti vavatungamire kune mumwe munhu wavangabatsire kana kushandira.

Dhinda