2011
Nzvimbo Huru yeMushando
Zvita 2011


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Zvita 2011

Nzvimbo Huru yeMushando

Dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu.

Rutendo • Mhuri • Rubatsiro

Ishe, Chechi Yavo, mhuri, nevagari vemunzvimbo vanoda kurudziro yemadzimai akarurama. Chokwadi ndechekuti, Gosa M. Russell Ballard veChikwata cheVaapositori Gumi neVaviri vakadzidzisa kuti “sisita wese ari muChechi muno akaita zvibvumirano naIshe ane mvumo tsvene yekubatsira kuponesa mweya, yekutungamira madzimai enyika, yekusimbisa dzimba dzeZioni, nekuvaka umambo hwaMwari.”1

Mamwe masisita vangasaziva kana vachikwanisa kuita zvinangwa zvikuru zvakadaro. Asi sekutsanangura kwakaita Eliza R. Snow (1804–87), mutungamiri wechipiri weChita cheRubatsiro, kuti, “hakuna sisita ari kwake ega, uye nzvimbo yake yakamanikidzika zvokuti haakwanisi kuita zvikuru pakumisa Umambo hwaMwari panyika.”2 Sisita Snow vakadzidzisawo kuti Chita cheRubatsiro chakarongerwa “kuita basa rese rakanaka uye rakarurama.”3

Kutora chinhano muChita cheRubatsiro kunokudza nzvimbo dzedu dzekurudziro nekupa sisita wega wega mikana yekuvaka rutendo, yekusimbisa mhuri nedzimba, uye yekupa rubatsiro kumba zvese nepasi rose. Uye kunaka kwazvo ndekwekuti, mabasa edu sevanhu uye seZvita zveRubatsiro haadikanwe kuva makuru uye anotikurira, asi anofanira kunyatsofungwa nokurongwa uye achigara achiitwa. Zviito zvakarurama zvakaita semunamato wako pachako uye wemhuri zuva rega rega, kudzidza magwaro matsvene zuva rega rega, nekugara uchikudziridza mabasa eChechi zvinozobatsira kuwedzera rutendo nekuvaka umambo hwaIshe.

Kumasisita vasingazive kana kutora chinhano uku kunoratidzika sekudiki kuchiita shanduro, Gosa Ballard vanosimbisa kuti: “Wese sisita anomirira chokwadi neururami anodzikisa simba reuyipi. Wese sisita anosimbisa nekudzivirira mhuri yake arikuita basa raMwari. Wese sisita anorarama semudzimai waMwari anovachiyedza chekuti vamwe vatevere uye anodyara mbeu dzekurudziro yeururami dzinozokohwewa kwemakumi emakore achauya.”4

Kubva muMagwaro Matsvene

1 VaKorinte 12:4–18;1 Timotio 6:18–19; Mosaya 4:27; Misimboti yeChitendero 1:13

Kubva muNhoroondo Yedu

Eliza R. Snow, uyo akanga ashanda semunyori apo pakarongwa Chita cheRubatsiro muNauvoo, akadaidzwa neMutungamiri Brigham Young (1801–77) kuti afambe neChechi yose, achibatsira mabishopi kuronga Chita cheRubatsiro mumawadhi avo.

Sisita Snow vakadzidzisa: “Kana vapi zvavo vanasikana nanaamai muIsraeri vachingonzwa vakamanikidzika [vakashomeka] munzvimbo dzavo dzazvino, vachawana mukana wakawanda werose simba nekwaniso zvekuita zvakanaka izvo zvavakaropafadzwa zvikuru nazvo. … Mutungamiri Young vazarura musuwo kunzvimbo yakapamhama uye hurusa yemushando nerubatsiro.”5

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. M. Russell Ballard, “Women of Righteousness,” Liahona, Zvita 2002, 39.

  2. Eliza R. Snow, “An Address,” Woman’s Exponent, Gunyana 15, 1873, 62.

  3. Eliza R. Snow, “Female Relief Society,” Deseret News, Kubvumbi 22, 1868, 81.

  4. M. Russell Ballard, Liahona, Zvita 2002, 39.

  5. Eliza R. Snow, Deseret News, Kubvumbi 22, 1868, 81.

Chii Chandingaite?

  1. Ndingabatsire sei masisita andinoshanyira kuziva nokushandisa kwaniso yavo yekuvakurudziro yakarurama?

  2. Ndingashandise sei zvipo zvangu nematarenda angu zvisina vamwe kuti ndiropafadze vamwe?

Dhinda