2012
Kutenda kuMudzidzisi Wangu weChikoro cheSvondo
Chikumi 2012


Vechidiki

Rutendo kuMudzidzisi Wangu weChikoro cheSvondo

Kirasi yangu yeChikoro cheSvondo hayisi ine ruremekedzo nguva dzose. Ndinoda kuteerera kuchidzidzo vhiki yoga yoga, as dzimwe nguva zvinoratidzika sokuti vamwe mukirasi mangu havadi. Kazhinji vanotaura pakati pavo kana kutamba magemhu pazvimushini zvemagemhu apo mudzidzisi paanenge achiedza kuti dzidzisa. Zvinosuwisa ndezvekuti, dzimwe nguva ndinozviwana ndiri chikamu chedambudziko iri.

Imwe vhiki takanyanyisa kusateerera kupinda dzimwe nguva dzose, uye pakupera kwekirasi, mudzidzisi wedu akanga ava kuchema nokuti hapana aiteerera kuchidzidzo chake. Apo taibuda mukirasirumhu, ndakamunzwira tsitsi.

Svondo yakatevera mudzidzisi wedu akatsanangura kuti akanga anamata zvikuru vhiki iyoyo, achitsvaga hutungamiri, uye zvakanga zvauya kwaari kuti aifanira kutitaridza firimu reChechi. Akatanga kuratidza firimu, iro rakanga riri pamusoro peupenyu hwaJesu Kristu nezvishamiso zvaAkaita.

Apo ndaifunga nezve firimu manheru iwayo, ndakanzwa zvimwe zvakasiyana. Nenguva diki ndakaona kuti ndainzwa Mweya, zvakanyanya kupinda zvandakanga ndambonzwa. Pakare ipapo ndakasarudza kuti ndaida kuita shanduro muupenyu hwangu kuti ndive zvakanyanya seMuponesi, uye ndakaona kuti chiitiko chemuChikoro cheSvondo zuva iroro chakanga chasimbisa zvikurusa uchapupu hwangu. Ndinotenda chaizvo nemudzidzisi wangu weChikoro cheSvondo uye nezvose zvaanoitira kirasi yedu vhiki roga roga.

Dhinda