2012
Kudaidzwa naMwari noKutsigirwa naVanhu
Chikumi 2012


Shoko reVatungamiri Vekutanga

Kudaidzwa naMwari noKutsigirwa naVanhu

Mufananidzo
Mutungamiri Henry B. Eyring

Senhengo dzeChechi, tinokokwa kakawanda kuti titsigire vanhu mumabasa ekuti vashande. Makore mazhinji akapfuura mwana wechikoro aiva nemaikore gumi nemaviri akanditaridza zvazvinoreva kutsigira varanda vaIshe. Ndichiri kuropafadzwa nemuenzaniso wakaninipa wake.

Akanga achangotanga gore rake rokutanga payunivhesiti. Akanga abhabhatidza nguva isingapfuuri gore asati abva pamba kuenda kunotanga zvidzidzo zvake kuyunivhesiti huru. Ikoko ndaishanda sabhishopi wake.

Apo gore rechikoro parakatanga, ndakava nemusangano webvunzo pfupi naye muhofisi yabhishopi. Ndinorangarira zvishoma zvehurukuro yokutanga iyoyo kusara kwekuti akataura nezve zvinetso zvake munzvimbo itsva, asi handimbofi ndakakanganwa hurukuro yedu yechipiri.

Akakumbira kundiona muhofisi mangu. Ndakashamiswa apo paakati, “Tinganamata pamwechete, uye ndingava inzwi here?” Ndakanga ndava kuda kuti ndakanga ndatonamata uye ndaifunga kuti iye akanga atonamatawo. Panokudaro ndakabvuma.

Akatanga munamato wake neuchapupu hwekuti aiziva kuti bhishopi vakanga vakadaidzwa naMwari. Akakumbira Mwari kuti vandiudze zvaaifanira kuita panyaya yaiva nemubairo mukuru pane zvemweya. Murume wechidiki uyu akaudza Mwari kuti aiva nechokwadi chekuti bhishopi vaitoziva nechakare zvidikanwi zvake uye vaizopiwa rairo yaaifanira kunzwa.

Apo aitaura, njodzi chaidzo dzaaizosangana nadzo dzakauya mupfungwa mangu. Rairo yakanga yakareruka asi yakapuwa zvakajeka zvikuru: namata nguva dzose, teerera mirairo, uye usava nokutya.

Murume wechidiki iyeye, gore rimwechete ari muChechi, akadzidzisa nemuenzaniso zvinokwanisa kuitwa naMwari nemutungamiri apo anotsigirwa nerutendo neminamato yaavo vaanenge adaidzwa kutungamirira. Murume wechidiki uyu akanditaridza simba remutemo wekubvumirana kwavese muChechi (ona D&Z 26:2). Kunyange zvazvo Ishe vachidaidza varanda Vavo nezvakazarurwa, vanokwanisa kushanda chete mushure mekunge vatsigirwa neavo vavanodaidzwa kushandira.

Nevhoti yedu inotsigira, tinoita vimbiso dzechokwadi chakadzama. Tinovimbisa kunamatira varanda vaIshe uye kuti Vagovatungamirira nokuvasimbisa (ona D&Z 93:51. Tinovimbisa kuti tinozotsvaka nokutarisira kunzwa femero kubva kuna Mwari murairo yavo uye pese pavanoshanda mubasa ravo (ona D&Z 1:38).

Vimbiso iyoyo inofanira kuvandudzwa mumwoyo yedu nguva dzose. Mudzidzisi wenyu weChikoro cheSvondo achaedza kudzidzisa neMweya, asi sezvamungangoitawo imi, mudzidzisi wenyu anogona kukanganisa pamberi pekirasi. Imi, zvisinei, munokwanisa kusarudza kuteerera uye motaririra kunguva idzo munonzwa femero ichiuya. Nenguva muchaona zvikanganiso zvishoma uye umboo hwakawanda hwekuti Mwari varikutsigira mudzidzisi iyeye.

Apo tinosimudza ruoko kutsigira munhu, tinotsidzira kushandira chinangwa chipi zvacho chaIshe icho munhu iyeye chaakadaidzwa kubudirira pachiri. Apo vana vedu pavainge vari vadiki, mudzimai wangu akadaidzwa kudzidzisa vana vadiki muwadhi medu. Handina chete kusimudza ruoko rwangu kumutsigira, asi ndakamunamatirawo uyezve ndikakumbira mvumo yokumubatsira. Zvidzidzo zvandakatambira zvekutenda nezvinoitwa nemadzimai uye nerudo rwaIshe kuvana zvichiri kuropafadza mhuri yangu neupenyu hwangu.

Ndakataura nguva pfupi yapfuura iyo nemurume wechidiki uya akatsigira bhishopi wake makore mazhinji akapfuura. Ndakadzidza kuti Ishe navanhu vakanga vamutsigira mubasa rake semushumiri, semutungamiri wesiteki, uye sababa. Akati, apo patakanga topedza hurukuro yedu, “Ndichiri kukunamatirai zuva rega rega.”

Tinokwanisa kusarudza kunamatira zuva nezuva mumwe munhu akadaidzwa naMwari kutishandira. Tinokwanisa kutenda mumwe munhu akatiropafadza nemushando wake. TInokwanisa kusarudza kuuya mberi kana mumwe munhu watakatsigira achitsvaka vabatsiri.1

Avo vanotsigira varanda vaIshe muumambo Hwavo vachatsigirwa nesimba Ravo iro risina muenzaniso. Tose tinoda ropafadzo iroro.

Kwakatorwa Chinyorwa

  1. Ona Dzidziso dzeVatungamiri veChechi: Joseph F. Smith (1998), xiv, 21–22

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Mushure mekugovera shoko rino, funga kuverenga chitapwa chinotevera: “Ishe vachakuita mudziyo mumaoko Avo kana wakaninipa, unerutendo, uye uchishingirira. … Uchatambira simba rakawedzerwa apo paunotsigirwa nechita uye paunotsaurwa” (Teaching, No Greater Call [1999], 20). Ita kuti mhuri iungane pachinhu chinorema uye kumbira kuti munhu mumwechete aedze kuchisimudza. Uchiwedzera munhu mumwechete panguva, koka dzimwe nhengo dzemhuri kubatsira kusimudza chinhu ichi. Kurukura zvinoitika apo munhu wese paanobatsira. Funga kusimbisisa rairo yaMutungamiri Eyring pamusoro penzira dzinoshanda dzatinokwanisa kutsigira vamwe mumabasa avo.

Dhinda