2012
Kuziva Zvokutaura
Gunyana 2012


Vechidiki

Kuziva Zvokutaura

Kana uchinzwa kuti hauzivi zvakakwana pamusoro pevhangeri zvokuti ugoverane navamwe, tora nyaradzo muvimbiso idzi dzinobva mumagwaro matsvene:

“Simudzai mazwi enyu kuvanhu ava; taurai pfungwa dzandichaisa mumwoyo menyu, uye hamuzonyadziswa pamberi pevanhu;

“Nokuti zvichapihwa kwamuri munguva iyoyo, hongu muchinguva ichocho, zvamuchataura” (D&Z 100:5–6).

“Asi Munyaradzi, Mweya Mutsvene, uchatumwa naBaba muzita rangu, iye uchakudzidzisai zvose, nokukuyevudzirai zvose, zvandakareva kwamuri” Johane 14:26).

Vimbiso idzi ihuru, asi kudziwana, tinofanira kuita chikamu chedu. Mushoko rino, Mutungamiri Eyring vakatidzidzisa maitiro: “Gadzirira kugovera [vhangeri] nokuzadza pfungwa dzako zuva rega rega nezvokwadi zvevhangeri.” Chii chaungaita kuti uzadze pfungwa dzako nezvokwadi zvevhangeri?

Dhinda