2012
Kugovera Vhangeri kubva paMwoyo kuenda kuMwoyo
Gunyana 2012


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Gunyana 2012

Kugovera Vhangeri kubva paMwoyo kuenda kuMwoyo

Mufananidzo
Mutungamiri Henry B. Eyring

Mwari vanozoisa vanhu vakagadzirira kutambira vhangeri munzira yevaranda Vavo vakagadzirira uye vanoda kugovera vhangeri. Izvi zvakamboitika muupenyu hwako pachako. Kuti zvinoitika kakawanda zvakadii kunoenderana nokugadzirira kwepfungwa nemwoyo wako.

Ndine shamwari inonamata zuva rega rega kuti asangane nemumwe munhu akagadzirira kutambira vhangeri. Anotakura paari Bhuku raMormoni rimwechete. Mamwe manheru asati asimuka kuenda parwendo rupfupi, akasarudza kusatakura bhuku asi kutakura makadhi anosuma Chechi. Asi apo paaigadzirira kusimuka, femero yomweya yakauya kwaari: “Tora Bhuku raMormoni newe.” Akaisa bhuku rimwechete mubheke rake.

Apo mudzimai waaiziva paakagara pedyo naye parwendo urwu, akafunga, “Ndiye here wandinofanira kugovera vhangeri uyu?” Akafamba naye zvakare parwendo rwekudzoka. Akafunga, “Ndinotaura sei nezve vhangeri?”

Panzvimbo pazvo, mudzimai uyu akati kwaari, “Unobvisa chegumi kuchechi kwako, handiti?” Iye akati aibvisa. Mudzimai uya akati aifanira kubvisa chegumi kuchechi yake asi akanga asingabvisi. Zvino akabvunza; “Chii chaungandiudza pamusoro peBhuku raMormoni?”

Akatsanangura kuti bhuku iri raiva gwaro dzvene, umwe uchapupu hwaJesu Kristu, rakadudzirwa neMuporofita Joseph Smith. Mudzimai uya akataridzika seaifarira zvaainzwa, saka shamwari yangu yakapinza ruoko mubheke rake uye akati, “ndakafemerwa kuuya nebhuku iri neni. Ndinofunga nderako.”

Akatanga kuriverenga. Apo pavakaparadzana, mudzimai akati, “Iwe neni tichakurukura zvimwe zvakawanda pamusoro pebhuku iri.”

Zvisina kukwanisa kuzivikanwa neshamwari yangu—asi Mwari zvaVaiziva—ndezvokuti mudzimai uyu aitsvaga chechi. Mwari Vaiziva kuti akanga atarisa shamwari yangu achishama kuti sei chechi yake yaimuita munhu anofara kudaro. Mwari Vaiziva kuti aizobvunza pamusoro peBhuku raMormoni uye kuti aizova nechido chokudzidziswa nevashumuri. Akanga agadzirira. Neshamwari yangu yakanga vakagadzirirawo. Iwe neni tinokwanisawo kuva takagadzirira.

Gadziriro yatinoda iri mupfungwa dzedu nemumwoyo yedu. Mudzimai akanga anzwa uye akayeuka mashoko pamusoro peBhuku raMormoni, peChechi yaIshe yakadzorerwa, nepemurairo wekubvisa zvegumi kunaMwari. Uye akanga anzwa mavambo euchapupu hwechokwadi mumwoyo make.

Ishe Vakati Vanozozarura chokwadi kupfungwa yedu nekumwoyo wedu neMweya Mutsvene (ona D&Z 8:2). Vanhu vazhinji vaunozosangana navo vakatova nemavambo egadziriro iyoyo. Vakanzwa kana kuti vakaverenga nezva Mwari neshoko Ravo. Kana mwoyo yavo yakapfava zvakakwana, vakanzwa, zvisinei kuti zvishoma zvakadii, simbiso yechokwadi.

Mudzimai uyu akanga akagadzirira. Neshamwari yangu yakanga yakagadzirirawo, Mutendi waMazuva Ekupedzisira akanga adzidza Bhuku raMormoni. Akanga anzwa uchapupu hwekuti ichokwadi, uye akaziva nhungamiro yaibva kuMweya yokuti atore bhuku parwendo. Akanga akagadzirira mupfungwa make nemumwoyo make.

Mwari varikugadzirira vanhu kutambira uchapupu hwako hwechokwadi chakadzorerwa. Vanoda rutendo rwako uyezve chiito chako chekugovera usingatyi, izvo zvava zvinokoshesesa kwauri nekuna avo vaunoda.

Gadzirira kugovera nokuzadza pfungwa yako zuva rega rega nechokwadi chevhangeri. Apo paunochengeta mirairo uye uchikudza zvibvumirano zvako, unozonzwa uchapupu hweMweya uye rudo rwakawanda rweMuponesi kwauri nekune avo vaunosangana navo.

Kana ukaita chikamu chako, unozonyanya kuva nezviitiko zvinotapira zvokusangana nevanhu vanenge vakagadzirira kunzwa uchapupu hwako hwechokwadi—hwuchipuhwa zvinobva pamwoyo wako zvichienda kumwoyo wavo.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Funga kuverenga shoko rino nemhuri uye kukurukura ndima inoteverwa nendima yokupedzisira, iyo Mutungamiri Eyring vanokurukura nzira dzingashandiswa nomunhu kusimbisa uchapupu hwake. Kurukura nemhuri kukosha kwekupa uchapupu apo pavanenge vachigovera vhangeri. Vana mumhuri vangangowana zvichibatsira kudzidzira pane mumwe mwana mumba mapiro okuita uchapupu kushamwari dzavo.

Dhinda