2013
Kugoverana neShamwari
Kukadzi 2013


Vechidiki

Kugoverana neShamwari

Rimwe zuva pandaidzidzira chidzidzo chekirasi yeseminari yangu, ndakava nekunzwa kwakanaka uye kwaiva pachena. Apo pandaiverenga chidzidzo chezuva raitevera, ndakaona chiso cheshamwari yangu yokuchikoro uye ndakava nekunzwa kwakasimba kuti ndaifanira kugovera uchapupu hwangu kwaari.

Zvisinei nekuva pachena kwekunzwa uku, ndaitya. Ndaitya kuti shamwari yangu yaigona kundiramba, kunyanya nokuti akanga asingataridziki kuva rudzi rwemusikana anozova nechido chokupinda Chechi.

 Ndakafunga shure kunhaurwa naSisita Mary N. Cook vehutungamiri hukuru hweVasikana Vechidiki umo mavakatikurudzira kuti tishande nesimba uye tive neushingi.1 Ndaida kuva seizvi, saka ndakanyorera musikana uyu tsamba ndichipupura nezve huchokwadi hweChechi uye nezve rudo rwangu rweBhuku raMormoni. Zuva rakatevera ndakaisa Bhuku raMormoni, pamwechete netsamba yangu, mubhegi rake.

 Mukushamiswa kwangu, shamwari yangu yakatambira vhangeri zvakanaka chaizvo. Kutanga pazuva iroro, aindiudza pamusoro pezvaainge adzidza mukudzidza kwake kweBhuku raMormoni. Mushure memavhiki mashomanana, ndakamusuma kuvashumiri. Nenguva diki diki, akatambira chisimbiso kubva kuMweya Mutsvene kuti zvaakanga achidzidza zvaiva zvechokwadi. Vashumiri neni takachema apo paakatiudza nezve manzwiro ake. Shamwari yangu yakabhabhatidzwa mushure menguva diki, uye vabereki vake vakashamiswa kuona shanduko yakanga yaitika maari.

 Ndinofara zvikuru kuti ndakakwanisa kukunda kutya kwangu uye ndikaunza vhangeri muupenyu hwake.

Kwakatorwa Chinyorwa

  1. Ona Mary N. Cook, “Never, Never, Never Give Up!” Liahona, Kubvumbi 2010, 117–19.

Dhinda