2013
Rairo kuMushumiri Anozengurira Kugovera Vhangeri
Kukadzi 2013


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kukadzi 2013

Rairo kuMushumiri Anozengurira Kugovera Vhangeri

Mufananidzo
Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf

Vadzidzi vaJesu Kristu vakagara vaine basa rokuendesa vhangeri Rake kunyika (ona Marko 16:15–16). Zvisinei, dzimwe nguva zvakaoma kuvhura miromo yedu nokutaura pamusoro pechitendero chedu kuna avo vakatikomberedza. Apo dzimwe nhengo dzeChechi dziine chipo chokuzvarwa nacho chokutaura kuna vamwe pamusoro pechitendero, vamwe vanozengurira zvishoma kana kuti vanonzwa kusagadzikana, kunyara, kana kunyangwe kutya kuita saizvozvo.

Nokuda kwechikonzero ichi, ndinoda kupa zano rezvinhu zvina zvinokwanisa kuitwa nani zvake kuti atevere rairo yeMuponesi kuparidza vhangeri “kuchisikwa chose” (D&Z 58:64).

Iva Chiedza

Chirevo changu chandinoda chaizvo icho kazhinji chinonzi chakataurwa naSt. Francis wekuAssisi chinoti “Paridza vhangeri nguva dzose uye kana zvichifanira, shandisa manzwi.”1 Chirevo ichi hachizvidudziri pachena, asi chazvinoreva chaizvo ndechekuti kazhinji mharidzo dzakasimbisisa ndeidzo dzisingataurwi.

Kana tiine hunhu hwakarurama uye tichirarama nguva dzose nemwero wehunhu hwedu, vanhu vanozviona. Kana tichiratidza rufaro rukuru, vanozviona zvakanyanya.

Munhu wese anoda kuva anofara. Kana isu nhengo dzeChechi tichiratidza chiedza chevhangeri, vanhu vanokwanisa kuona rufaro rwedu uye vanonzwa rudo rwaMwari ruchizadza nokufashama muupenyu hwedu. Vanoda kuziva kuti sei. Vanoda kuziva kuti tinozvikwanisa sei.

Izvi zvinovatungamirira kubvunza mibvunzo yakaita sokuti “Sei uchifara kudaro?” kana “Sei uchigara uine mafungiro akanaka nguva dzose?” Mhinduro kumibvunzo iyi, zvechokwadi, inonyatsotungamirira kuhurukuro pamusoro pevhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu.

Iva neChido Chokukurukura

Kutanga hurukuro pamusoro penyaya dzechitendero—kunyanya kushamwari dzedu nekunaavo vatinoda—kunokwanisa kutaridzika sechinhu chinotyisa uye chinonetsa. Hazvifaniri kunge zvakadaro. Kutaura zviitiko zvemweya kana kutaura pamusoro pezviitwa kana zviitiko zveChechi muhurukuro dzamazuva ose kunokwanisa kuva nyore uye kunonakidza kana tikashandisa ushingi hushomanana nepfungwa dzinomusoro.

Mukadzi wangu, Harriet, muenzaniso wakanaka zvikuru weizvi. Apo pataigara muGermany, aiwana nzira dzokuunza misoro yenyaya inoenderana nezveChechi muhurukuro dzake neshamwari nevazivikanwi. Somuenzaniso, apo munhu paaibvunza pamusoro pekuti hwikendi yake yanga yakadii, aiti, “Svondo ino takava nechiitiko chinoshamisa muchechi yedu! Mukomana wechidiki anemakore gumi nematanhatu akapa nhaurwa yakanaka zvikuru pamberi pevanhu mazana maviri vegungano redu pamusoro pekurarama upenyu hwakachena.” Kana, “Ndakanzwa nezve mudzimai anemakore makumi mapfumbamwe akaruka magumbeze anopfuura mazana mashanu akaapa kuchirongwa cherubatsiro cheChechi yedu kuti aendeswe kuvanhu vanoshaya pasi penyika pose.”

Kazhinji kacho, vanhu vainzwa izvi vaida kuziva zvimwe zvakawanda. Vaibvunza mibvunzo. Uye izvo zvaitungamirira kumikana yokutaura pamusoro pevhangeri nenzira iri nyore, inechivimbo, isingagumburi vamwe.

Kubvira kuuya kweIndaneti nemamwe marudzi okutaurirana vanhu varikure nakure, zvavanyore chaizvo nhasi kutaura pamusoro pezvinhu izvi muhurukuro kupinda nguva dzakare. Chatinoda kungova neushingi hwekuzviita.

Iva Wakazara neNyasha

Zvinonetsa ndezvokuti, zviri nyore chaizvo kugumbura. Zvinoitika kazhinji chaizvo kuti tinoita nharo, tinodupukisa nokushora. Apo patinoshatirwa, nokugumbura kana kurwadzisa vamwe vanhu, chokupedzisira chavanozoda kudzidza zvimwe pamusoro pedu. Hazvikwanisiki kuzivikanwa kuti vanhu vangani vakasiya kana vasina kuzombopinda Chechi nokuda kwekuti mumwe munhu akataura chimwe chinhu chakavarwadza kana kuvagumbura.

Munyika nhasi munekugumburisana kwakawanda zvikuru. Nokuda kwekuti vanhu vanogona kunyora paIndaneti vamwe vasingazozivi kuti ndiyani azvinyora, zviri nyore zvikuru kupinda kare kutaura zvinhu zvinorwadza kana zvinogumbura paIndaneti ipapo. Hatifaniri here, isu, vadzidzi vazere netariro vaKristu wedu akapfava, kuva nemwero wepamusoro, unerudo rukuru? Magwaro matsvene anodzidzisa kuti, “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita” (Vakorose 4:6).

Ndinoda pfungwa yekuti manzwi edu ave anofadza, echokwadi uye azere netsitsi. Mungafungidzira here zvingazova mhuri dzedu, mawadhi edu, nyika dzedu, uye kunyangwe pasi pose kana tikatora musimboti wakareruka uyu?

Iva Wakazadzwa neRutendo

Dzimwe nguva tinozvitorera rukudzo rwakawanda kana kuzvipa mhosva huru pamusoro pekutambira kwevamwe vhangeri. Zvakakosha kuyeuka kuti Ishe havatitarisire kuti isu titendeutse munhu.

Retendeuko runouya kwete nemumashoko edu asi nemukuparidza kwekudenga kweMweya Mutsvene. Dzimwe nguva zvose zvazvinotora indevo imwechete yeuchapupu hwedu kana yezvechiitiko kukonzera kunyevenuka kwemwoyo kana kuvhurika kwemukova unozokwanisa kutungamirira vamwe kuti vawane zvokwadi zvikurusa kuburikidza nekuridziro yeMweya.

Mutungamiri Brigham Young (1801–77) vakati vakaziva kuti vhangeri nderechokwadi pavaka “ona murume akanga asina unyanzvi, kana zvipo zvekutaura kuvanhu vazhinji, uyo aikwanisa chete kuti, ‘Ndinoziva, nesimba reMweya Mutsvene, kuti Bhuku raMormoni ndere chokwadi, kuti Joseph Smith Muporofita waIshe. Mutungamiri Young vakati apo pavakanzwa uchapupu hwakaninipa uhwu, “Mweya Mutsvene waibva kumurume uyu wa[ka]jekesa nzwisiso yangu, uye chiedza, kubwinya, nekusafa [zvakava] pamberi pangu.’”2

Mabhurutha nemasisita, ivai nerutendo. Ishe vanokwanisa kukudziridza manzwi amunotaura nokuaita kuti ave anesimba guru. Mwari havakukumbirei kuti mutendeutse asi chete kuvhura miromo yenyu. Basa rokutendeutsa harisi renyu—iro ndere munhu arikunzwa uye ndere Mweya Mutsvene.

Nhengo Yese Mushumiri

Shamwari dzangu dzinodikanwa, nhasi kune nzira dzakawanda kupinda kare dzokuti tivhure miromo yedu nokugoverana nevamwe nyaya dzinofadza dzevhangeri raJesu Kristu. Kune nzira yomunhu wese—kunyangwe mushumiri anozengurira kugovera vhangeri—yokutora chinhanho mubasa guru iri. Tinokwanisa mumwe nemumwe wedu kuwana nzira yokushandisa zvipo nezvido zvedu pachedu mukutsigira basa guru rokuzadza nyika nechiedza nechokwadi. Apo patinodaro, tinozowana rufaro runouya kunaavo vakatendeka uye vakashinga zvakakwana “kumira sevapupuri vaMwari panguva dzose” (Mosiah 18:9).

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. St. Francis wekuAssisi, muna William Fay naLinda Evans Shepherd, Share Jesus without Fear (1999), 22.

  2. Teachings of Presidents of the Church: Brigham Young (1997), 67.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Imwe nzira inoshanda yokudzidzisa nayo ndeyeku “kurudzira avo vamunodzidzisa kuti vamise … zvinangwa zvinokwanisa kuvabatsira kurarama musimboti wamadzidzisa” (Teaching, No Greater Call [1999], 159). Funga kukoka avo vamunodzidzisa kuti nemunamato vamise chinangwa chokugoverana vhangeri nemunhu mumwechete kana kupfuura mwedzi uno. Vabereki vanokwanisa kukurukura nzira idzo vana vadiki dzavanokwanisa kubatsira nadzo. Unokwanisawo kubatsira nhengo dzemhuri kufunga mazano kana kudzidzira nemutambo nzira dzokuunza vhangeri muhurukuro dzemazuva ose uye kufunga nezve zviitwa zvirikuuya zveChechi uko kwavanokwanisa kukoka shamwari.

Dhinda