2013
Akamuka
Kubvumbi 2013


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kubvumbi 2013

Akamuka

Mufananidzo
Mutungamiri Henry B. Eyring

Uchapupu hwehuchokwadi hweKumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu iwaniso yezvese tariro neushingi. Uye kunokwanisa kuva saizvozvo kuneupi zvake mwana waMwari. Kumuka Kuvakafa kwaJesu Kristu kwakava waniso yetariro neushingi kwandiri panerimwe zuva rezhizha muna Chikumi 1969 apo pakafa amai vangu, kwava saizvozvo makore ese akapfuura kubva ipapo, uye kuchava saizvozvo kusvikira pandinovaona zvakare.

Rusuwo rwaibva pakuparadzana kwenguva pfupi rwakachinjaniswa pakarepo nerufaro. Rwaidarika tariro yekusanganiswa murufaro. Nokuti Ishe vakazarura zvizhinji kuburikidza nemaporofita Avo uye nokuti Mweya Mutsvene wakasimbisa chokwadi cheKumuka Kuvakafa kwandiri, ndinokwanisa kuona mupfungwa mangu zvazvichazenge zvakaita kuva tinosanganiswa nevadikani vedu vakatsveneswa uye vakamutswa kuvakafa.

“Ivava ndivo vachauya mukumuka kuvakafa kwevakarurama. …

“Ndivo ivava vane mazita akanyorwa kudenga, uko Mwari naKristu ndivo vatongi vavose.

“Ivava ndivo vaye vanova vanhu vakarurama vakaitwa vakakwana kuburikidza naJesu munyai wechibvumirano chitsva, uyu wakashanda urwu rudzikinuro rwakakwana kuburikidza nekudeura ropa rake.” (D&Z 76:65, 68–69).

Nokuti Jesu Kristu akakunda rufu, vese vana vaBaba Vekudenga vakazvarwa munyika vachamutswa kuvakafa mumuviri usingazombofa wakafa. Saka uchapupu hwangu nehwako hwechokwadi chinoshamisa ichocho hunokwanisa kubvisa marwadzo erufu rwenhengo yemhuri kana shamwari inodikanwa achichinjaniswa nerufaro rwetarisiro neushingi hwakasimba.

Ishe vakatipa tese chipo chekumuka kuvakafa, chekuti mweya yedu inoiswa mumiviri isina chakaipa pairi (ona Aruma 11:42–44). Amai vangu vachauya vasisiri chembere uye vachibwinya, zvikonzero zvekukwegura nemakore ekutambudzika panyama zvabviswa. Chipo chekumuka kuvakafa ichi chichauya kwavari nekwatiri sechipo.

Asi avo vedu vanoshuwira kuzova navo nokusingaperi vanofanira kuita sarudzo dzinoita kuti vakodzere hukama ihwohwo, hwekuti vagare uko kunogara mukubwinya Baba neMwanakomana Wavo Anodikanwa akamutswa kuvakafa. Ndiyo nzvimbo chete inokwanisa kuti upenyu hwemhuri huenderere mberi nokusingaperi. Uchapupu hwechokwadi ichocho hwakawedzera ushingi hwangu hwekuti ndikodzere ini pachangu uye neavo vandinoda kumutaro wepamusoro-soro wehumambo hweseresitiyaro kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu rwuchishanda muupenyu hwedu (ona D&C 76:70).

Ishe vanotipa nhungamiro muminamato yesakaramende inondibatsira uye inokwanisa kukubatsira mukutsvaga uku kweupenyu husingaperi. Tinokokwa kuti tivandudze zvibvumirano zvedu zverubhabhatidzo mumusangano wese wesakaramende.

Tinovimbisa kugara tichiyeuka Muponesi. Zviratidzo zvekuzvipira Kwake zvinotibatsira kuva tinotenda makuriro emarwadzo Aakatambura kuti akunde rufu, kuti atipe nyasha, uye kuti ape ruregerero rwezvitadzo zvedu zvose kana tikasarudza kutendeuka.

Tinovimbisa kuchengeta mirairo Yavo. Kuverenga magwaro matsvene nemazwi evaporofita vanorarama nekuteerera kuvatauri vakafemerwa mumisangano yedu yesakaramende zvinotiyeuchidza zvibvumirano zvedu kuti tiite izvozvo. Mweya Mutsvene unounza kupfungwa dzedu nemwoyo yedu mirairo yatinonyanya kufanira kuchengeta zuva iroro.

Muminamato yesakaramende, Mwari vanovimbisa kutumira Mweya Mutsvene kuti uve nesu (ona Moronai 4:3; 5:2; D&Z 20:77, 79). Ndinoona panguva iyoyo kuti Mwari vanokwanisa kundipa zvinonzwika sebvunzurudzo yangu pachangu. Vanondiratidza zvandakaita zvinoVafadza, kudikanwa kwangu kwerutendeuko neruregerero, uye mazita nezviso zvevanhu Vavanoda kuti ndiVashandirire.

Mumakore apfuura, chiitiko ichocho chinoramba chichidzokororwa chakashandura tariro kuiita manzwiro erudo rwakadzama uye chikaunza simbiso yekuti nyasha dzakapihwa kwandiri neRudzikinuro neKumuka Kuvakafa kweMuponesi.

Ndinopupura kuti Jesu ndiye Kristu akamuka, Muponesi wedu, uye muenzaniso wedu wakarurama nenhungamiro yedu kuupenyu husingaperi.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Tinofanira “Kufananidza magwaro matsene ose kwatiri, kuti zvitiyamure nekuti tidzidze” (1 Nifai 19:23). Funga kuverenga minamato yesakaramende, inowanikwa muDzidziso neZvibvumirano 20:76–79. Mushure mekuverenga dzidziso dzeMutungamiri Eyring pamusoro peminamato yesakaramende, ungangoda kukoka avo vaurikudzidzisa kuti vafunge nzira dzekuti minamato iyi ikwanise kutungamira upenyu hwavo uye ivabatsire kudzokera kunogara zvakare naBaba Vekudenga naJesu Kristu.

Dhinda