2013
Zvibvumirano zveMutemberi
Kubvumbi 2013


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kubvumbi 2013

Zvibvumirano zveMutemberi

Nomunamato dzidza chinyorwa chino uye, pazvinoita, chikurukure nemasisita amunoshanyira. Shandisa mibvunzo yacho kuti ikubatsirei kusimbisa masisita enyu uye kuita kuti Chita cheRubatsiro chive chikamu chinoshanda cheupenyu hwenyu pachenyu. Kuwana rumwe ruzivo, enda kuwww.reliefsociety.lds.org.

Mufananidzo
Chiratidzo cheSimbiso cheChita cheRubatsiro

Ruvimbo • Mhuri • Rubatsiro

“Zvisungo zvinoponesa zvinogashirwa mutemberi zvinotibvumira kuti nerimwezuva tidzokere kuna Baba vedu Vekudenga muhukama hwemhuri yekusingaperi uye nekuti tigadzwe nemaropafadzo nesimba rinobva kudenga zvakakodzera kuzvipira kose nekuedza kose.”1 vakadaro Mutungamiri Thomas S. Monson. Kana usati waenda kutemberi, unokwanisa kugadzirira kugashira zvisungo zvinoera zvemutemberi ne:

  • Kutenda munaBaba Vekudenga, Jesu Kristu, uye neMweya Mutsvene.

  • Kukudziridza uchapupu hweRudzikinuro rwaJesu Kristu nevhangeri rakadzorerwa.

  • Kutsigira nekutevera muporofita anorarama.

  • Kukodzera kuva negwaro remvumo yekupinda mutemberi nekubvisa chegumi, kuva wakachena pahunhu, kuva wakatendeka, kuchengeta Shoko reUchenjeri, uye kurarama mukuyanana nedzidziso dzeChechi.

  • Kupa nguva, matarenda, nekwaniso dzekubatsira kuvaka umambo hwaMwari.

  • Kutora chinhanho mubasa renhoroondo yemhuri.2

Mutungamiri Monson vakadzidzisa zvakare kuti, “Apo patinoyeuka zvibvumirano zvatinoita mukati [metemberi] tinozokwanisa zvirinani kutakura dambudzo rese nekukwanisa kukunda chiedzo chega chega.”3

Kubva muMagwaro Matsvene

Dziziso neZvibvumirano 14:7; 25:13; 109:22

Kubva muNhoroondo Yedu

“Vatendi vanopfuura zviuru zvishanu vakaungana paTemberi yeNauvoo mushure mekukumikidzwa kwayo . …

“Simba, huremo, nemaropafadzo ezvisungo zvemutemberi [zvakatsigira] Vatendi vaMazuva Ekupedzisira munguva yerwendo rwavo [kumadokero], apo pava[katambudzika] nechando, kupisa, nzara, hurombo, hurwere, njodzi, nerufu.”4

Semasisita eChita cheRubatsiro mazhinji, Sarah Rich akashanda semushandi wemutemberi. Akataura nazvechiitiko chake achiti: “Dai zvakanga zvisiri zverutendo neruzivo rwakagadzwa patiri mutemberi iyoyo ne … Mweya waIshe, rwendo rwedu rwungadai rwakaita semunhu ari kusvetuka murima asingaone paanonowira. … Asi taive neruvimbo muna Baba vedu Vekudenga, … tichinzwa kuti takanga tiri vanhu Vavo vakasarudzwa … , uye kunze kwerusuwo, takanzwa kufara kuti zuva redu rerusununguko rakanga rauya.”5

Kumadzimai eVatendi Vamazuva Ekupedzisira akatendeka, kutama kweruzhinji kwakanga kusiri “kusvetuka murima usingaone paunonowira.” Vakatsigirwa nezvibvumirano zvavo zvemutemberi.

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Thomas S. Monson, “The Holy Temple—a Beacon to the World,” Liahona, Kubvumbi 2011, 92.

  2. Ona Daughters in My Kingdom: The History and Work of Relief Society (2011), 21.

  3. Thomas S. Monson, Liahona, Kubvumbi 2011, 93.

  4. Daughters in My Kingdom, 29–30.

  5. Sarah Rich, muDaughters in My Kingdom, 30.

Chii Chandingaite?

  1. Ndiri kunamata here mutemberi kakawanda?

  2. Ndiri kukurudzira here masisita angu kuti agashire maropafadzo etemberi?

Dhinda