2013
Uyai, Mubatane Nesu
Mbudzi 2013


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Mbudzi 2013

Uyai, Mubatane Nesu

Zvisinei nemamiriro ezvinhu ako, nhoroondo yako pachako, kana kusimba kweuchapupu hwako, kune nzvimbo yako muChechi ino.

Kwaiva nemurume akarota kuti aiva muhoro huru chaizvo umo zvitendero zvose zvepanyika mazvaiva zvakaungana. Akaona kuti chitendero choga choga chaiva nezvakawanda zvaitaridzika sezvakanaka uye zvakakodzera.

Akasangana nemurume nemudzimai vakanaka avo vaiva vakamiririra Chechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira uye akabvunza, “Chii chamunoda kubva kunhengo dzenyu?”

Hatina chatinoda.” vakapindura “Asi Ishe vanokumbira kuti tipire zvose.”

Murume nemudzimai ava vakaenderera kutsanangura pamusoro pemabasa ekudaidzwa emuChechi, dzidziso yekumba neyekushanyirana, ushumiri huzere, manheru emhuri pamba vhiki yoga yoga, basa romutemberi, rubatsiro pamagariro akanaka evanhu, uye mabasa ekudzidzisa.

“Munobhadhara here vanhu venyu nebasa rose iri ravanoita?” murume uyu akabvunza.

“Aaa, kwete,” murume nomudzimai vakatsanangura. “Vanopa nguva yavo norusununguko uye zvisina mubhadharo.”

“Pamusoro paizvozvo,” murume nomudzimai vakaenderera, “mwedzi mitanhatu yoga yoga nhengo dzeChechi yedu dzinopedza mazuva maviri, Mugovera neSvondo, dzichipinda kana kuona maawa gumi ekonifarenzi.”

“Maawa gumi evanhu vachipa nhaurwa?” murume akabvunza nekusabvuma zvaainzwa.

“Ko misangano yenyu yechechi yevhiki yoga yoga? Yakareba zvakadii?”

“Maawa matatu, Svondo yoga yoga!”

“Maiwee,” akadaro murume uyu. “Nhengo dzechechi yenyu dzinotoita chaizvo here zvamataura?”

“Izvozvo nezvimwe zvakawanda. Hatina kana kutombotaura nezve nhoroondo yemhuri, kembi dzevechidiki, mimwe misangano yekuzvipira, kunzvera magwaro matsvene, kudzidziswa kwevatungamiri, mitambo yevechidiki, seminari yemagwanani ngwanani, kuchengetedza zvivako zveChechi, uye chokwadi kune murau waIshe weutano, kutsanya mwedzi woga woga kuitira kubatsira vanoshaya, uye chegumi.”

Murume uyu akati, “Zvino ndadzimaidzwa. Chii chaizvo chingaita kuti munhu ade kupinda chechi yakadaro?”

Murume nemudzimai ava vakanyemwerera vakati, “Tanga tichivimba kuti uchabvunza.”

Chii Chaizvo Chingaita Kuti Munhu Apinde Chechi Yakadaro?

Panguva apo machechi mazhinji epanyika pose paari kuona kuderera kukuru muuwandu hwenhengo, Chechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira —kunyangwe iri diki mukuenzaniswa nedzimwe dzakawanda —ndiyo yedzimwe chechi dziri kukura kupinda dzimwe dzose panyika. Kubvira mwedzi waGunyana 2013 Chechi yava nenhengo dzinopfuura mamiriyoni gumi nemashanu panyika pose.

Kune zvikonzero zvakawanda zveizvi, asi ndinokupai zvishoma chete?

Chechi yeMuponesi

Chokutanga, Chechi ino yakadzorerwa muzuva redu naJesu Kristu Pachake. Pano munowana mvumo yokuita zvinhu muzita Rake — kubhabhatidza kuitira kukanganirwa zvivi, kupa chipo cheMweya Mutsvene, uye kusunga pasi nokudenga.1

Avo vanopinda Chechi ino vanoda Muponesi Jesu Kristu uye vanoda kuMutevera. Vanofara muruzivo rwekuti Mwari anotaura nevanhu zvakare. Apo pavanotambira zvisungo zvehupirisita zvinoyera uye nokuita zvibvumirano naMwari, vanokwanisa kunzwa simba Rake muupenyu hwavo.2 Apo pavanopinda mutemberi tsvene, vanonzwa kuti vari pamberi Pake. Apo pavanoverenga magwaro matsvene 3 nokurarama dzidziso dzevaporofita Vake, vanoswedera kuMuponesi wavanoda chaizvo.

Rutendo Rune Mabasa

Chimwe chikonzero ndechekuti Chechi inopa mikana yokuita zvakanaka.

Kutenda muna Mwari kunokudzwa, asi vanhu vakawanda vanoda kuita zvakawanda kupfuura kuteerera kumharidzo dzinokurudzira kana kungorota nezve kuzorora kwakanaka zvikuru kwavachaita kudenga.4 Vanoda kuisa rutendo rwavo mumushando. Vanoda kupfunyira maoko ehembe dzavo uye voshanda nesimba mubasa guru rino.

Uye izvi ndizvo zvinoitika apo pavanobatana nesu — vane mikana yakawanda yokushandura materanda, tsitsi, nenguva zvavo kuzviita mabasa akanaka. Nokuti hatina vafundisi vemunzvimbo vanobhadharwa mumakungano edu epanyika pose, nhengo dzedu dzinoita basa remharidzo nereutariri pachadzo. Vanodaidzwa nefemero. Dzimwe nguva tinozvipira pachedu, dzimwe nguva tino “piwa mabasa acho.” Tinoona mabasa kwete semitoro asi semikana yokuzadzikisa zvibvumirano zvatinoita nomufaro kushandira Mwari nevana Vavo.

Maropafadzo Akakosha Zvikuru

Chikonzero chechitatu chinoita kuti vanhu vapinde chechi ndechekuti kufamba nemunzira yeudzidzi kunotungamira kumaropafadzo akakosha chaizvo.

Tinoona rubhabhatidzo senzvimbo yokutangira murwendo rwedu rweudzidzi. Kufamba kwedu naJesu Kristu kwezuva roga roga kunotungamirira kurunyararo nechinangwa muupenyu huno uye mufaro mukuru neruponeso rwekusingaperi munyika ichauya.

Avo vanotevera nzira iyi nokutendeka vanodzivirira zvizhinji zvenjodzi, kusuwa, uye nezvikunguro zveupenyu.

Varombo pamweya uye vakarurama pamoyo vanowana upfumi hukuru hweruzivo pano.

Avo vanotambura kana vanochema vanowana kuporeswa pano.

Avo vakaremerwa nechivi vanowana ruregerero, rusununguko, nezororo.

Kuna Avo Vanobuda

Rutsvako rwechokwadi rwakatungamirira mamiriyoni evanhu kuChechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira. Zvisinei, kune vamwe vanobuda muChechi yavaimboda.

Munhu angangobvunza kuti, “Kana vhangeri rakanaka kudaro, chii chingaita kuti munhu abude?”

Dzimwe nguva tinofungidzira kuti vanobuda nokuda kwekuti vakagumburwa kana kuti vane usimbe kana kuti vazere nezvivi. Chaizvo ndezvekuti, hazvisi zvakareruka kudaro. Chokwadi ndechekuti hakuna chikonzero chimwechete chinoenderana nemamiriro ezvinhu akasiyana siyana.

Dzimwe dzenhengo dzedu dzinodiwa dzinotambudzika kwemakore nemubvunzo wokuti vozvitsaura here kubva muChechi.

MuChechi ino inokudza sarudzo yomunhu pachake zvakasimba kudaro, iyo yakadzorerwa nemukomana mudiki akabvunza mibvunzo uye akatsvaka mhinduro, tinoremekedza avo vanotsvaka chokwadi zvakavimbika. Zvingangotisuwisa zvikuru apo rwendo rwavo parunovatora kubva muChechi yatinoda uye kubva kuchokwadi chatakawana, asi tinokudza kodzero yavo yekushumira Mwari Samasimba maererano nezvavanobvuma kuti ndizvo zvakanaka, sematorero atinozviitirawo mukana iwoyo.5

Mibvunzo Isina Kupindurwa

Vamwe vanoshushikana nemibvunzo isina kupindurwa pamusoro pezvinhu zvakaitwa kana zvakataurwa kare. Tinobvuma pachena kuti mumakore angangoita mazana maviri enhoroondo yeChechi — pamwepo nemutsetse usina kugurwa wezviitiko zvakafemerwa, zvinerukudzo, uye zvitsvene —kwakava nezvimwe zvinhu zvakataurwa nokuitwa zvingangokonzera vanhu kuva nemibvunzo.

Dzimwe nguva mibvunzo inouya nokuda kwekuti hatina ruzivo rwese uye chatinoda chete kuva nemoyo murefu zvakawedzerwa. Apo chokwadi chose pachinozopedzisira chazivikanwa, zvinhu zvakanga zvisinganzwisisiki kwatiri kare zvinozopindurwa zvatinogutsikana nazvo.

Dzimwe nguva pane kusiyana kwemafungiro maererano nezvinorehwa chaizvo ne “zvokwadi.” Mubvunzo unokonzera kusatenda muna vamwe vanhu unokwanisa, mushure mekunyatsotsvaka, kuvaka rutendo munavamwe.

Zvikanganiso zveVanhu Vasina Kururama

Uye, mukutaura pachokwadi chakazara, kwakava nenguva apo nhengo kana vatungamiri muChechi pavakangoita zvikanganiso. Pangangova nezvinhu zvakataurwa kana kuitwa zvakanga zvisiri muwirirano nemaitiro, misimboti, kana dzidziso dzedu.

Ndinobvuma kuti Chechi yaizova yakarurama isina zvikanganiso chete kana yaitungamirirwa nevanhu vakarurama vasina zvikanganiso. Mwari vakarurama, uye dzidziso Yavo itsvene. Asi Vanoshanda nematiri — vana Vavo vasina kururama— uye vanhu vasina kururama vanoita zvikanganiso.

Mupeji yemusoro wenyaya yeBhuku raMormoni tinoverenga kuti, “Uye zvino, kana paine zvisiriizvo kukanganisa kwavanhu; naizvozvo, musaramba zvinhu zvaMwari, kuti muzoonekwa musina tsvina pachigaro chokutonga chaKristu.”6

Izvi ndizvo zvazvakagara zviri uye zvicharamba zvakadaro kusvikira zuva rakarurama apo Kristu Pachake paachatonga iye mbune pasi rose.

Zvinosuwisa kuti vamwe vakaputsika nokuda kwezvikanganiso zvakaitwa nevanhu. Asi kunyagwe zvakadaro, chokwadi chokusingaperi chevhangeri rakadzorerwa rinowanikwa muChechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva ekupedzisira hachina kusvibiswa, kuderedzwa, kana kuparadzwa.

SemuApositori waIshe Jesu Kristu uye semunhu akaona pachake matare nemashandiro eChechi ino, ndinopupura pachokwadi kuti hapana sarudzo yakakosha iri maererano neChechi ino kana nenhengo dzayo inombofa yakaitwa pasina kutsvaka nemoyo wese femero, nhungamiro, nemvumo yaBaba vedu Vokusingaperi. Iyi iChechi yechokwadi yaJesu Kristu. Mwari havazobvumiri Chechi Yavo kuti itsauke kubva munzira yayo yakatarwa kana kuti itadze kuzadzikisa chinangwa chitsvene chayo.

Pane Nzvimbo Yenyu

Kuna avo vakazvitsaura kubva muChechi, ndinoti, shamwari dzangu dzinodiwa, pachine nzvimbo yenyu pano.

Uyai mupamhidzire matarenda enyu, zvipo zvenyu, nesimba renyu kunezvedu. Tose tinozova nani somugumisiro.

Vamwe vangangobvunza, “Ko kusatenda kwangu?”

Kuva nemibvunzo chinhu chiri muvanhu —mhodzi diki yekubvunza kwechokwadi kazhinji yakamera ikakura kuita zimuti ziguru renzwisiso. Kune nhengo shoma dzeChechi idzo, paneimwe nguva, dzisina kumbonetsekana nemibvunzo yakakomba kana inogozha. Chimwe chezvinangwa zveChechi ndechokuriritira nokukudziridza mhodzi yerutendo — kunyangwe dzimwenguva muivhu rejecha rekusatenda nokusava nechokwadi. Rutendo kutaririra zvinhu zvisingaonekwi asi zviri zvechokwadi.7

Naizvozvo, mabhuratha nemasisita angu anodiwa — shamwari dzangu dzinodiwa — ndapota, chokutanga ivai nemibvunzo pakusatenda kwenyu musati mava nemibvunzo parutendo rwenyu.8 Hatifaniri kumbobvumidza kusatenda kuti kutibate sevasungwa nokutidzivirira kutambira rudo rutsvene, runyararo rutsvene nezvipo zvitsvene izvo zvinouya kuburikidza nerutendo munaIshe Jesu Kristu.

Vamwe vangangoti, “Handinzwi kuyanana nemi vanhu vari muChechi.

Dai maikwanisa kuona zviri mumoyo medu, pamwe maikwanisa kuwana kuti munoyanana zvakanaka kupinda zvamunofungira. Mungangoshamiswa kuwana kuti tine zvido nezvinetso netariro zvakafanana nezvenyu. Mazvarirwo enyu kana marererwe enyu angangotaridzika seakasiyana kubva kune zvamunofungidzira muVatendi Vamazuva Ekupedzisira vakawanda, asi izvi zvinokwansia kuva ropafadzo. Mabhuratha nemasisita, shamwari dzinodiwa, tinoda matarenda enyu nemafungiro enyu izvo zvakasiyana nezve vamwe. Kusiyana siyana kwevanhu pachavo nekwe mapoka evanhu pasi pose isimba reChechi ino.

Vamwe vangongoti, “Handifungi kuti ndingakwanisa kurarama zvinokwanirana nemwero yemaitiro enyu.

Ichi ndicho chinotova chikonzero chikuru chokuti muuye! Chechi yakarongwa kuriritira vasina kururama, vanonetsekana, uye vakaneta. Yakazara nevanhu vane chido nemoyo wavo wese chokuchengeta mirairo, kunyangwe kana vasati vavanyanzvi mukuichengeta.

Vamwe vangangoti, “Ndinoziva nhengo yeChechi yenyu ari munyengeri. Handingambofi ndakapinda muchechi ine munhu akadaro senhengo.

Kana mukatsanangura munyengeri semunhu anotadza kurarama zvakanyatsokwana kune zvaanobvuma sechokwadi, saka zvino tose tiri vanyengeri. Hapana wedu akanyotsoita saKristu samaziviro atinoita kuti tinofanira kuva. Asi tinoda zvechokadi kukunda zvikanganiso zvedu uye unhu hwedu hwekuita chivi. Nemoyo wedu nemweya wedu tinoda zvikuru kuva varinani nerubatsiro rweRudzikinuro rwaJesu Kristu.

Kana izvi zvirizvo zvido zvako, zvino zvisinei nemamiriro eupenyu hwako, nhoroondo yako pachako, kana kusimba kweuchapupu hwako, mune nzvimbo yako muchechi ino. Uyai, mubatane nesu!

Uyai, Mubatane Nesu!

Zvisinei nezvikanganiso zvedu savanhu, ndine chokwadi chekuti muchawana pakati penhengo dzeChechi ino mizhinji yemweya yakanakisisa ingawanikwa panyika pano. Chechi yaJesu Kristu inenge inokwezva avo vane hanya, vakatendeka uye vanoshanda nesimba.

Kana muchitarisira kuwana vanhu vakarurama muno, muchazogumbuka. Asi kana muchitsvaka dzidziso tsvene yaKristu, shoko raMwari “iro rinorapa mweya une ronda,”9 uye femero inotsvenesa yeMweya Mutsvene zvino pano muchazviwana. Munguva ino yokuderera kwerutendo — munguva ino apo vazhinji pavanonzwa kuva kure nerudo rwaMwari — pano muchawana vanhu vanoshuwira kuziva nokuswedera pedyo neMuponesi wavo nokushandira Mwari nevamwe vanhu, sezvamuri imi. Uyai, mubatane nesu!

Nemi Muchabvawo Here?

Ndinoyeuchidzwa nezve nguva muupenyu hweMuponesi apo vazhinji pavakaMusiya.10 Jesu akabvunza vadzidzi Vake kuti:

“Nemi munoda kubvawo here?

“Zvino Simoni Petro akamupindura akati, Ishe tichagoenda kunaniko? ndimi munamashoko oupenyu husingaperi.”11

Pane nguva dzatinofanira kupindura mibvunzo mimwecheteyo. Nesu tichabvawo here? Kana kuti saPetro, tichabatirira zvakasimba kumashoko eupenyu hwokusingaperi?

Kana muchitsvaka chokwadi, mhinduro, uye nzira yokushandura rutendo kuruisa mumabasa; kana muchitsvaka nzvimbo yokuva vobwo; Uyai, mubatane nesu!

Kana makasiya chitendero chamakambotambira: Dzokai zvakare. Batanai nesu!

Kana muchinzwa kuda kuregera: Garai kwechinguva. Pane nzvimbo yenyu pano.

Ndinoteterera kuna vose vanonzwa kana kuverenga mashoko ano: Uyai, mubatane nesu. Uyai mudavire kudaidzo yaKristu akapfava. Simudza muchinjikwa wako uMutevere.12

Uyai, mubatane nesu! Nokuti pano muchawana izvo zvakakosha zvinopfuura mutengo.

Ndinopupura kuti pano muchawana mashoko eupenyu husingaperi, vimbiso yerununuro rwakaropafadzwa, uye nzira yokurunyararo norufaro.

Ndinonamata nomoyo wese kuti kutsvaka kwenyu pachenyu kwechokwadi kuchaisa pamoyo yenyu chido chekuuya kuzobatana nesu. Nemuzita rinoyera raJesu Kristu, amen.

Dhinda