2013
Handingakuregi, Kana Kukusiya
Mbudzi 2013


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Mbudzi 2013

“Handingakuregi, Kana Kukusiya”

Baba vedu Vokudenga … vanoziva kuti tinodzidza nokukura uye tova vakasimba apo patinotarisana nokukunda zviedzo izvo zvatinofanira kupfuura nemazviri.

Mujenari rangu manheru ano, ndichanyora kuti, “Uno ndiwo wanga uri mumwe wemisangano inokurudzira zvikuru wekonifarenzi ipi zvayo yandakapinda. Zvinhu zvose zvanga zviri zvine mweya mukuru chaizvo.”

Mabhuratha nemasisita, mwedzi mitanhatu yakapfuura apo pataisangana pamwechete mukonifarenzi yedu, mudzimai wangu wakanaka, Frances, akanga arere muchipatara, mushure mokuputsika kwakaipa kwaakanga aita mazuva mashoma akanga apfuura. Muna Kubvumbi, mushure memavhiki mazhinji achitambudzika zvineushingi kuti akunde kukuvara kwake, akatisiya otungamira kuenda kusingaperi. Ndinomushuva zvikuru chaizvo. Iye neni takachata muSalt Lake Temple musi wa 7 Gumiguru, 1948. Magwana raizenge riri zuva rerangariro yemusi wemuchato wedu remakore makumi matanhatu nemashanu. Ndiye munhu wandaida kupinda zvimwe zvinhu zvose muupenyu hwangu, mudikanwi wangu akatendeka, uye shamwari yangu yapamoyo. Kutaura kuti ndinomushuva hakutombotangi kutsanangura udzami hwemanzwiro angu.

Konifarenzi ino inosvitsa makore makumi mashanu kubva pandakadaidzwa kuChikwata cheVaapositora Vane Gumi neVaviri naMutungamiri David O. McKay. Nemumakore ose aya handina chimwe chandakanzwa kusara kwerutsigiro rwakakwana uye rwakazara rwemudikanwi wangu wakanaka uyu. Akazvipira kasingaverengeki kuitira kuti ndikwanise kuzadzikisa mabasa ekudaidzwa kwangu. Handina kana kumbonzwa inzwi rokugunun’una kubva kwaari apo kazhinji pandaifanirwa kugara mazuva uye dzimwe nguva mavhiki ndiri kure naye nevana vedu. Chokwadi aiva ngirozi chaiyo.

Ndinoda kutaura kutenda kwangu, pamwepo nekwe avo vemhuri yangu, nokuda kwerudo rukuru rwakaratidzwa kwatiri kubvira kushayika kwakaita Frances. Mazana nemazana emakadzi netsamba zvakatumwa kubva kunyika dzose zvichitaura ruyemuro kwaari uye neurombo kumhuri yedu. Takatambira maruva akarongwa pamwechete akawanda uye akanaka chaizvo. Tinotenda chema dzakawanda idzo dzakapiwa muzita rake kuHomwe yeHushumiri Hwese yeChechi. Ndakamirira avo vedu vaakasiya, ndinotenda nemoyo wangu wese nemashoko enyu etsitsi uye erudo rwechokwadi.

Chinhu changa chichi unza nyaradzo zvikuru kwandiri panguva inorwadza ino yokuparadzaniswa naye changa chiri uchapupu hwangu hwevhangeri raJesu Kristu uye ruzivo rwandinarwo rwekuti mudikanwi wangu Frances anorarama. Ndinoziva kuti kuparadzaniswa kwedu ndekwenguva diki. Takasunganidzwa muimba yaMwari nemunhu aiva nemvumo yokusunga panyika nokudenga. Ndinoziva kuti tichabatanidzwa zvakare rimwe zuva uye hatizombofa takaparadzaniswa zvakare. Urwo ndiro ruzivo runonditsigira.

Mabhuratha nemasisita, zvingangotaurwa pasina rupokano kuti hapana munhu akararama upenyu hwake hwose asina dambudziko nerusuwo, uye hakuna kumbova nenguva munhoroondo yevanhu yakanga isina mugove uzere wayo wemanyongori nenhamo.

Apo patinosanga nemamiro ezvinhu akaipa zvikuru muupenyu, kazhinji tinoda kubvunza mubvunzo wekuti, “Sei zvaitika kwandiri?” Panedzimwe nguva zvinotaridzika sekusina mugumo kumatambudziko edu, sekusina rununuro kubva kuzviedzo zvedu. Tinonzwa kupoteredzwa nerusuwo rwezvishuwiro zvisina kuzadzikiswa uye kuora moyo kwetariro dzaparara. Tinobatana nevamwe mukuteterera kwemubhaibheri kunoti, “Ko hakunomuti webarsami muGireadi here?”1 Tinonzwa kuti tasiyiwa, tizere nerusuwo, uye tiri toga. Kazhinji tinotarisa rombo rakaipa redu pachedu nemafungiro asina tariro. Tinoshaya moyo murefu wekuwana mhinduro kumatambudziko edu, tichikanganwa kuti kazhinji hunhu hwekudenga hwemoyo murefu hunodikanwa.

Matambudziko anouya kwatiri anotipa mukana wekuedzwa chaiko kwekwaniso yedu yekushingirira. Mubvunzo wakakosha unoramba wakamirira kupindurwa nemumwe nemumwe wedu ndewekuti: Ndokundikana here, kana kuti ndokunda? Vamwe vanokundikana apo pavanozviwana vasisakwanisi kukunda matambudziko avo. Kukunda kunosanganisira kushingirira kusvikira kumagumo chaiko kwehupenyu pachahwo.

Apo patinofungisisa nezve zviitiko zvinokwanisa kutiwira tose, tinokwanisa kuti naJobo wakare, “Munhu anoberekerwa nhamo.”2 Jobo aiva murume “akakwana uye akarurama” uyo “waitya Mwari achinzvenga zvakaipa.”3 Akarurama muzviito zvake, akabudirira muhupfumi hwake, Jobo aifanira kutarisana nechiedzo icho chaikwanisa kuparadza aninani zvake. Upfumi hwake hwatorwa, shamwari dzake dzamushoropodza, anetsekana nokutambura kwake, arwadziwa zvikuru nekurasikirwa nemhuri yake, akakurudzirwa kuti “ashore Mwari, afe.”4 Akakunda kuedzwa uku uye akataura pachena kubva muudzami hwemweya wake wakarurama kuti:

“Tarirai, chapupu changu chiri kudenga, uye unondipupurira zvakanaka uri kumusoro.”5

“Ndinoziva Kuti Mununuri Wangu Mupenyu!”6

Jobo akachengeta rutendo. Tinozoita zvimwechetezvo here apo patinotarisana namatambudziko edu?

Apo pose patinenge toda kunzwa kuremerwa netsiva dzeupenyu, ngatirangarirei kuti vamwe vakapfuura nenzira imwecheteyo, vakashingirira, uyezve vakakunda.

Nhoroondo yeChechi mumukuwo uno wokuzara kwenguva, yakazara nezviitiko zveavo vakatambudzika asi vakaramba vakashinga zvakasimba uye vainomufaro. Chikonzero chiri chii? Vakaita Vhangeri raJesu Kristu musimboti weupenyu hwavo. Izvi ndizvo zvinozotibatsira kushingirira pazvinhu zvipi zvazvo zvatingasangana nazvo muupenyu. Tinozoramba tichiwirwa nezviedzo zvinonetsa, asi tinozokwanisa kutarisana nazvo, kusangana nazvo neushingi, uye pakupedzisira tozokunda.

Kubva pachirariro chemarwadzo, kubva pamutsago wakanyakatika nemisodzi, tinosimudzirwa mudenga nechitsidzo chitsvene uye vimbiso yakakosha: “Handingakuregi, kana kukusiya.”7 Nyaradzo yakadaro haiina mutengo ungaiswa pairi.

Apo pandinofamba nzvimbo dzokure dzakawanda dzepanyika pose ndichizadzikisa mabasa ekudaidzwa kwangu, ndakasvika pakuziva zvinhu zvakawanda —kusanganisira chokwadi chekuti rusuwo nekutambudzika zvinowira munhu wese. Handikwanisi kutanga kuyera marwadzo epamoyo ese nerusuwo rwese zvandakaona apo pandaishanyirana neavo vari pakati pokuchema, vane urwere, vari pakati pekurambana, vari kutambura nemwanakomana kana mwanasikana asingateereri kana varikutambura nemibairo yechivi. Mudorongodzwa uyu unogona kuenderera zvisingaperi, nokuti kune matambudziko asingaverengeki anokwanisa kutiwira. Kudoma muenzaniso mumwechete kunonetsa, asi apo pese pandinofunga nezvezvinetso, pfungwa dzangu dzinoenda kuna Bhurutha Brems, mumwe wevadzidzisi vangu veChikoro cheSvondo pandaiva ndiri mukomana mudiki. Vakanga vari nhengo yakatendeka yeChechi, murume aiva nerudo rwakarurama. Ivo nemudzimai wavo, Sadie, vakanga vane vana vasere, vazhinji vavo vaiva nezera rimwechete nevana vemumhuri yedu.

Mushure mokuchata kwangu naFrances nokubva kwedu muwadhi, taisangana naBhuratha naSisita Brems nenhengo dzemhuri yavo pamichato neparufu, pamwepo nepamitambo yokusanganazve pamwechete yewadhi.

Muna 1968, Bhuratha Brems vakashayikirwa nemudzimai wavo, Sadie. Vaviri vevana vavo vakashayikawo nekufamba kwemakore.

Pane rimwe zuva makore angaita gumi nematatu apfuura ayo, muzukuru sikana wekutanga waBhuratha Brem akandichaira runhare. Akatsanangura kuti sekuru vake vakanga vasvitsa gore ravo rekuzvarwa rechizana nemashanu. Akati, “Vanogara munzvimbo inochengetwa vakwegura idiki asi vanosangana nemhuri yavo yose Svondo yoga yoga, apo pavanopa chidzidzo chevhangeri.” Akaenderera achiti, “Svondo yapfuura iyo, Sekuru vakataura kwatiri tose vachiti, ‘Vadikanwi vangu, ndiri kuzofa vhiki ino. Ndapota mungadaidza here Tommy Monson. Anozoziva zvokuita.”

Ndakashanyira Bhuratha Brems manheru aitevera chaiwo. Ndakanga ndisati ndavaona kwenguva yakareba. Handina kukwanisa kutaura navo, nokuti vakanga vasisanzwe. Handina kukwanisa kunyora shoko kuti vaverenge, nokuti vakanga vasisaone. Ndakaudzwa kuti mhuri yaitaurirana navo nokutora munwe weruoko rwavo rwerudyi zvino vonyora nawo pachanza cheruoko rwavo rweruboshwe zita remunhu ainge achishanya. Shoko ripi zvaro raifanira kutaurwa kwavari nenzira imwecheteyo iyi. Ndakatevera nzira iyi nokutora munwe wavo nokupereta T-O-M-M-Y M-O-N-S-O-N, zita iro ravaindiziva naro mukugara kose. Bhuratha Brems vakafara zvikuru, uye vachitora maoko angu, vakaaisa pamusoro wavo. Ndakaziva kuti chido chavo chaiva chokutambira ropafadzo yehupirisita. Mutyairi wemotokari akanga andiendesa kunzvimbo inochengetwa vakwegura iyi akabatana neni pakuisa maoko edu pamusoro waBhuratha Brems tichivapa ropafadzo raidikanwa. Mushure, misodzi yakayerera kubva mumaziso avo akanga asisaone. Vakabata maoko edu nesimba mukutenda. Kunyangwe vakanga vasina kunzwa ropafadzo ratakanga tavapa, Mweya wakanzwikwa zvakasimba, uye ndinobvuma kuti vakafemerwa kuti vazive kuti takanga tavapa ropafadzo ravaida. Murume wakanaka uyu akanga asisaone. Akanga asisanzwe. Usiku nemasikati akanga asisakwanise kubuda mumupanda wake mudiki panzvimbo yevakwengura iyi. Asi zvisinei runyemwerero rwaiva pachiso chake uye mashoko aakataura zvakabata moyo wangu. “Ndinotenda,” vakadaro “Baba vangu Vokudenga vanga vakanaka kwandiri chaizvo.”

Muvhiki rimwechete iroro, sokufembera kwavakanga vaita, Bhuratha Brems vakashaya. Havana kana kumbofungisisa pamusoro pezvavaishaya; asi panokudaro, nguva dzose vaitenda zvakadzama nemaropafadzo avo akawanda.

Baba vedu Vokudenga, avo vanotipa zvakawandisa zvokufara mazviri, vanozivawo kuti tinodzidza nokukura uye tova vakasimba apo patinotarisana nokukunda zviedzo izvo zvatinofanira kupfuura nemazviri. Tinoziva kuti kune nguva apo tinozosangana nekusuwa kunotyora moyo yedu, patinozochema, uye patinozoedzwa kusvika kumugumo ekwaniso dzedu. Zvisinei, matambudziko akadaro anotibvumira kushanduka kuva vanhu varinani, kuvakazve upenyu hwedu nenzira iyo Baba vedu Vokudenga yavanotidzidzisa, uye kuva vanhu vakasiyana kubva kune zvatakanga tiri—kuva varinani kupinda zvataiva tiri, kuva vanonzwisisa kupinda zvataiva tiri, kuva neurombo nevamwe kupinda zvataiva tiri, kuva neuchapupu hwakasimba kupinda zvataiva kare.

Ichi ndicho chinofanira kuva chinangwa chedu— kutirira nokushingirira, hongu, asiwo kuzova vakanyanya kutsveneka pamweya apo tinorarama nemunguva dzakanaka nedzakaipa. Dai kwakanga kusina matambudziko ekukunda nenhamo dzinoda mhinduro, taizoramba tiri sezvatiri iyezvino, tichifambira mberi zvishomanana kana kusafambira mberi zvachose takananga kuchinangwa chedu cheupenyu hwokusingaperi. Mudetembi akataura pfungwa dzimwechetedzo mumashoko aya:

Mapango akanaka haakuri zvirinyore,

Kusimba kwemhepo inovhuvhuta, ndikowo kusimba kunoita muti uri kukura mumhepo iyoyo.

Makwiriro anenge akaita nzvimbo yaunokura, ndikowo kureba kwauchaita.

Masimbiro emvura inounaya, ndiwo masimbirowo auchaita.

Nemuzuva nemuchando, nemumvura nemumazaya echando,

Mapango akanaka anokura mumiti, uye unhu hwakanaka hunokura muvanhu.8

Tenzi ndiye chete anoziva udzami hwezviedzo zvedu, hwemarwadzo edu, nehwematamburiro edu. Ndiye chete anotipa runyararo rwekusingaperi munguva dzematambudziko. Ndiye chete anobata mweya yedu inotambura nemashoko Ake anonyaradza:

“Huyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai.

“Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomoyo unozvininipisa: kuti muwane zororo pamweya yenyu.

“Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unoreruka.”9

Kunyangwe iri nguva yakanakisisa kana kuti iri nguva yakaipisisa muupenyu hwedu, Anesu. Akavimbisa kuti izvi hazvimbofa zvakashanduka.

Mabhuratha nemasisita angu, ngativei netsidziro kuna Baba vedu vokudenga isingashanduki nekufamba kwenguva kana maererano nematambudziko ari muupenyu hwedu. Hatifaniri kusangana nematambudziko kuitira kuti tiVarangarire, uye hatifaniri kumanikidzwa kuzvininipisa tisati taVapa rutendo noruvimbo rwedu.

Ngatirambei tichiedza nesimba rose kuva pedyo naBaba vedu Vokudenga. Kuti tidaro, tinofanira kunamata kwaVari uye nokuteerera kwaVari zuva roga roga. Chokwadi tinoVada nguva dzose, kunyangwe tiri munguva dzakanaka kana munguva dzematambudziko. Tinofanira kurangarira nguva dzose vimbiso Yavo: “Handingakuregi, kana kukusiya.”10

Nesimba rose remweya wangu, ndipopupura kuti Mwari vanorarama uye vanotida, kuti Mwanakomana Wavo Mumwechete Akaberekwa akararama uye akatifira, uye kuti vhangeri raJesu Kristu ndicho chiedza chinopenya chinovhenekera nemurima reupenyu hwedu. Ngazvirambe zvakadaro, ndinonamata nemuzita rinoera raJesu Kristu, amen.

Dhinda