2014
Vavarira Kunakisisa Munezvaunoita Zvose—Uchitanga Iyezvino
Ndira 2014


Vechidiki

Vavarira Kunakisisa Munezvaunoita Zvose—Uchitanga Iyezvino

Mutungangimiri Uchtdorf vanodzidzisa kuti “zvinangwa zvedu pachedu zvinokwanisa kuburitsa kunakisisa matiri.” Funga kumisa zvimwe zvinangwa munzvimbo mbiri kana nhatu dzeupenyu hwako, semuenzaniso, sezvakaita utano hwenyama, utano hwemweya, uye ushamwari. Ndedzipi budiriro dzaunoda kuva nadzo munzvimbo idzi gore rino? Apo paunofunga nemunamato nezve zvimwe zvinangwa, ita chokwadi kuti izvi zvinhu zvaunokwanisa kubudirira pazviri asi zvinozoita kuti ukure. Mujenari rako, tsanangura zvakazara zvinangwa zvako kuitira kuti ugokwanisa kuona kufambira mberi kwako apo gore parinopera.