Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Ndira 2014
Basa Dzvene raJesu Kristu: Muenzaniso
Nemunamato dzidza shoko rino uye tsvaka kuziva zvokugovera. Kunzwisisa upenyu nebasa reMuponesi kunozowedzera sei rutendo rwako Maari nokuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda ku reliefsociety.lds.org.
Apo patinonzwisisa kuti Jesu Kristu ndiye muenzaniso wedu muzvinhu zvose, tinokwanisa kuwedzera chido chedu chokuMutevera. Magwaro matsvene akazara nekurudziro kwatiri kuti titevere nemutsoka dzaKristu. KuvaNifai, Kristu akati, “Nokuti mabasa amakandiona ndichiita nemiwo munofanira kuaita” (3 Nifai 27:21). Kuna Tomasi, Jesu akati, “Ndini nzira, nezvokwadi, neupenyu; hapana munhu unouya kuna Baba asi nokwandiri” (Johane 14:6).
Nhasi vatungamiri vedu vanotiyeuchidza kuti timise Muponesi semuenzaniso wedu. Linda K. Burton, mutungamiri mukuru weChita Cherubatsiro, akati, “Kana mumwe nemumwe wedu aine dzidziso yeRudzikinuro yakanyorwa zvakadzika mumoyo yedu, zvino tinozotanga kuva rudzi rwevanhu Ishe rwavanoda kuti tive.”1
Mutungamiri Thomas S. Monson vakati, “Ishe neMuponesi wedu, Jesu Kristu, ndiye Muenzaniso wedu nesimba redu.”2
Ngatitsidzirei kuswedera pedyo kuna Jesu Kristu, kuteerera mirairo Yake, nokuedza napose patinokwanisa kudzokera kuna Baba vedu Vokudenga.
Kubva muMagwaro Matsvene
Kubva muNhoroondo Yedu
“Akatara gwara uye akatungamira nzira,” akanyora Eliza R. Snow, mutevedzeri wechipiri muChita cheRubatsiro, nezve hushumiri hwepanyika hwaJesu Kristu.3 Akaparidza kuvanhu—mumwe nemumwe. Akadzidzisa kuti tinofanira kusiya makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe kuti tiponese rimwechete rarashika (ona Ruka 15:3–7). Akarapa uye akadzidzisa vanhu mumwe nemumwe, akapa nguva kumunhu mumwe nemumwe pakati pegungano revanhu zviuru zviviri nemazana mashanu (ona 3 Nifai 11:13–15; 17:25).
Kumadzimai eVatendi Vamazuva Ekupedzisira, Mutungamiri Dieter F. Uchtdorf, Mutevedzeri Wechipiri muHutungamiri Hwekutanga, vakati: “Imi masisita anoshamisa munopa rubatsiro runetsitsi kunavamwe nokuda kwezvikonzero zvakakura kupfuura zvido zvezvimuko zvenyu pachenyu. Mukudaro munotevera muenzaniso weMuponesi. … Pfungwa dzake nguva dzose dzaigara dzakananga pakubatsira vamwe.”4
© 2014 neIntellectual Reserve, Inc. Ndiyo chete inekodzero dziripamutemo dzekushandiswa kwechinyorwa chino. Chakadhindwa muUSA. Mvumo yeMuchirungu: 6/13. Mvumo yedudziro: 6/13. Dudziro yeVisiting Teaching Message, January 2014. Shona. 10861 731