2016
Kusikwa muMufananidzo waMwari
Kurume 2016


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Kurume 2016

Kusikwa muMufananidzo waMwari

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga kuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa “Mhuri: Chiziviso kuNyika” kunozowedzera sei rutendo rwako muna Mwari nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda ku reliefsociety.lds.org.

Chiratidzo cheSimbiso cheChita cheRubatsiro

Rutendo, Mhuri, Rubatsiro

“Mwari akati, Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu. …

“Mwari akasika mumhu nemufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi” (Genesi 1:26–27).

Mwari ndiye Baba vedu Vokudenga, uye Vakatisika mumufananidzo Wavo. Nezve chokwadi ichi, Mutungamiri Thomas S. Monson vakati: “Mwari Baba vedu vane nzeve dzavanonzwa nadzo minamato yedu. Vane maziso avanoona navo zviito zvedu. Vane muromo wavanotaura nawo kwatiri. Vane mwoyo uyo wavanonzwa nawo tsitsi nerudo. Ndeve chokwadi Vanorarama Tiri vana Vavo takasikwa mumufananidzo wavo. Takafanana navo uye vakafanana nesu.”1

“Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vanoona vanhu vese sevana vaMwari mukuzara kwemafungiro ese; vanotora munhu wese kuva nehumwari pakuzvarwa, pahunhu, uye pakwanisiro”2 Munhu wega wega “mwanakomana kana mwanasikana wemweya anodiwa wevabereki vokudenga”3

“[Muporofita] Joseph Smith akadzidzawo kuti Mwari vanoda kuti vana Vavo vatambire rudzi rumwecheterwo rwekurarama kwekusimudzirwa seurwo rwaVanarwo.”4 Sokutaura kwakaita Mwari “Nokuti tarisai, iri ndiro basa rangu nekubwinya kwangu—kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwevanhu.” (Mosesi 1:39).

ZvimweZvinyorwaZvitsvene

Genesi 1:26–27; 1 VaKorinte 3:17; Dzidziso neZvibvumirano 130:1

Kubva muMagwaro Matsvene

Mukoma waJaredhi muBhuku raMormoni akatsvaka nzira yokuvheneka nayo magwa masere akagadzirirwa kutakura maJaredhi kuyambuka nemumvura kuenda kunyika yakavimbiswa. Aka “bva anamanura pabwe matombo aikwana gumi nematanhatu” uye akanamata kuti Mwari vaizo “bata matombo aya” nemunwe Wavo “kuti apenye murima.” Uye Mwari “vakatambanudza ruoko rwavo uye vakabata matombo aya rimwe nerimwe.” Uye chidzikatidzo chakabviswa kumaziso emukoma waJaredhi, uye “akaona munwe waIshe; uye wakanga wakaita semunwe wemunhu. …

“Uye Ishe vakati kwaari: Uchatenda here mazwi andichataura?

“Uye akapindura achiti: “Hongu, Ishe.”

Uye “Ishe vakazviratidza ku [mukoma waJaredhi]” uye vakati, “Waona here kuti wakasikwa nomufananidzo wangu? Hongu, vose vanhu vakasikwa pakutanga nemufananidzo wangu.” (Ona Eta 3:1–17.)

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Thomas S. Monson, “I Know That My Redeemer Lives,” mu Conference Report, Apr. 1966, 63.

  2. Gospel Topics, “Becoming Like God,” topics.lds.org; anawo Moses 7:31–37

  3. “Mhuri: “Chiziviso kuNyika” Liahona, Mbudzi 2010, 129;

  4. Misoro yeNyaya yeVhangeri “Becoming Like God,”topics.lds.orgonawoTeachings of Presidents of the Church: Joseph Smith (2007), 221.

Funga Izvi

Kuziva kuti munhu woga woga akasikwa mumufananidzo waMwari kunotibatsira sei mukuwadzana kwedu nevamwe?