2016
Dzidzai neZvangu
Kurume 2016


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Kurume 2016

“Dzidzai neZvangu”

MuChechi yaJesu Kristu yaVatendi vaMazuva Ekupedzisira, tose tiri vadzidzisi uye tose tiri vadzidzi. Ishe vanopa kukoka kunyoro kumunhu wese: “Mudzidze kwandiri… kuti muwane zororo pamweya yenyu”1

Ndinokoka Vatendi vaMazuva Ekupedzisira vose kuti vafungisise nezve kuedza kwavo pakudzidzisa nokudzidza uye kuti vatarise kuna Muponesi kuti ave Mutungamiri wedu mukuita izvozvo. Tinoziva kuti uyu “mudzidzisi wakabva kuna Mwari”2 akanga asingori mudzidzisi chete. Uyo akatidzidzisa kuda Ishe Mwari wedu nomwoyo wedu wose, nomweya wedu wose, nesimba redu rose, nokufunga kwedu kwose, uye kuda wokwedu sezvatinozvida isu, ndiye Tenzi Mudzidzisi uye Muenzaniso wakanakisisa wehupenyu hwakarurama.

Ndiye Akataura pachena: “Ugovuya, unditevere.”3 “ndakupai muenzaniso.”4

Kusara Kwekunge Matendeuka

Jesu akadzidzisa chokwadi chakareruka asi chikurusa icho chakanyorwa muna Mateo. Mushure mokunge Iye nevadzidzi Vake vaburuka muGomo reKushandurwa, vakamira paGarirea uye vakabva voenda kuKapernaume. Ikoko vadzidzi vakauya kuna Jesu, vachibvunza:

“Ndianiko mukuru pavushe bwokudenga?

“Jesu Akadanira kwaari mwana muduku, akamuisa pakati pavo,

“Akati: zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kana musingashanduki, mukava savana vaduku, hamungatongopindi muvushe bwokudenga.”5

MuChechi, chinangwa chekudzidzisa vhangeri hachisi chokudira ruzivo mupfungwa dzevana vaMwari, kubva kumudzidzisi kuenda kumudzidzi sokunge mvura inokwanisa kudirwa, zvisinei nekuti kumba, mukirasi, kana kuhushumiri. Hachisi chokuratidza kuti mubereki, mudzidzisi, kana mushumiri anoziva zvakawanda zvakadii. Hachisi chokungowedzera ruzivo pamusoro peMuponesi neChechi Yake.

Chinangwa chakakosha chekudzidzisa ndechekubatsira vanakomana nevanasikana vaBaba Vokudenga kudzokera pamberi Pavo nokunonakirwa neupenyu hwekusingaperi naVo. Kuita izvi, kudzidzisa vhangeri kunofanira kuvakurudzira nemunzira yeudzidzi hwezuva roga roga nezvibvumirano zvinoyera. Chinangwa ndechekukurudzira vanhu pachavo kufunga nezve, kunzwa nezve, uye zvino kuita chimwe chinhu nezvekurarama misimboti yevhangeri. Vavariro ndeye kukudziridza rutendo muna Ishe Jesu Kristu uye kuva uno tendeukira kuvhangeri.

Kudzidzisa kunoropafadza nokutendeutsa nokuponesa ndiko kudzidzisa kunotevedzera muenzaniso weMuponesi. Vadzidzisi vanotevedzera muenzaniso weMuponesi vanoda nokushandira avo vavanodzidzisa. Vanokurudzira vateereri vavo nezvidzidzo zvokusingaperi zvechokwadi chehumwari. Vanorarama hupenyu hunokodzera kutevedzera.

Ida noKushandira

Hushumiri hwese hweMuponesi hwaiva muenzaniso werudo rwewekwako. Chokwadi, rudo nerubatsiro Rwake kazhinji zvaiva chidzidzo Chake. Saizvozvo, vadzidzisi vandinonyanya kuyeuka ndeavo vaiziva, vaida, uye vaiva nehanya nevadzidzi vavo. Vaitsvaka makwai akarasika. Vaidzidzisa zvidzidzo zveupenyu izvo zvandichagara ndichirangarira.

Mumwe wevadzidzisi vakadai aiva Lucy Gertsch. Aiziva mumwe nemumwe wevadzidzi vake. Akanga asingatadzi kushanyira avo vainge vatadza kuuya kuchechi musi weSvondo kana avo vainge vangorega zvavo kuuya. Taiziva kuti aiva nehanya nesu. Hapana mumwe wedu akambomukanganwa kana zvidzidzo zvaakadzidzisa.

Mushure memakore mazhinji, apo Lucy paakanga ava pedyo nekumagumo ehupenyu hwake, ndakashanyirana naye. Takakurukura nokurangarira maererano nemazuva iwayo akare apo paakanga ari mudzidzisi wedu. Takataura nezve nhengo yoga yoga yekirasi yedu uye tikakurukura pamusoro pezvakanga zviri kuitwa iyezvino nemumwe nemumwe wedu. Rudo rwake nehanya dzake zvaiva zvoupenyu hwese.

Ndinoda murairo waIshe unowanikwa muDzidziso neZvibvumirano:

“Ndinopa kwamuri murairo kuti mudzidzisane dzidziso dzeumambo.

“Dzidzisai imi nesimba uye nyasha dzangu dzichave nemi.”6

Lucy Gertsch akadzidzisa nesimba nokuti aiva norudo rusingagumi.

Ipa Tariro neChokwadi

Muapositora Petro akaraira, “mugare makazvigadzirira kupindura mumwe nomumwe unokubvunzai pamusoro petariro iri mukati menyu.”7

Pamwe tariro hurusa iyo mudzidzisi yaanokwanisa kupa itariro inowanikwa muzvokwadi zvevhangeri raJesu Kristu.

“Uye ko zvino munotarisira chii?” Mormoni akabvunza. “Tarisai ndinoti kwamuri muchawana tariro kuburikidza norudzikinuro rwaKristu nesimba rokumutswa kwake, kuti mugomutswa kuupenyu hwokusingaperi, izvi nokuda kwokutenda kwenyu maari.”8

Vadzidzisi, kwiridzirai manzwi enyu mupupure nezve hunhu hwechokwadi hwemusoro weHumwari. Taurai pachena uchapupu hwenyu maererano neBhuku raMormoni. Zivisai pamusoro pezvokwadi zvinoshamisa uye zvakanaka zviri muchirogwa cheruponeso. Shandisai zvinyorwa zvinobvumidzwa neChechi, kunyanya magwaro matsvene, kudzidzisa zvokwadi zvevhangeri rakadzorerwa raJesu Kristu mukururama nekureruka kwazvo. Yeukai murairo weMuponesi weku “nzvera magwaro; nokuti munoti vupenyu bwusingaperi munabwo maari: ndiwo anondipupurira ini.”9

Batsirai vana vaMwari kunzwisisa izvo zvechokwadi uye zvakakosha muhupenyu huno. Vabatsirei kukudziridza simba rokusarudza makwara anozovachengeta panzira yokuhupenyu hwekusingaperi.

Dzidzisai chokwadi, uye Mweya Mutsvene unozobatsira kuedza kwenyu.

“Dzidzai neZvangu”

Nokuda kwekuti Jesu Kristu aiteerera nokuzvininipisa zvakarurama kuna Baba Vake, “Akaramba achienda mberi pakuchenjera, napakukura, napakufadza Mwari navanhu.”10 Tine ushingi here hwekuita zvimwechetezvo? Seku “gashira nyasha pane dzimwe nyasha,”11 kwakaitwa naJesu, isu tinofanira kutsvaka nemwoyo murefu uye zvisingagumi chiedza neruzivo kubva kuna Mwari mukuedza kwedu kudzidza vhangeri.

Kuteerera chikamu chakakosha chekudzidza. Apo patinogadzirira kudzidziswa, nemunamato tinotsvaka kurudziro nesimbiso kubva kuMweya Mutsvene. Tinofungisisa, tinonamata, tinoshandisa zvidzidzo zvevhangeri, uye tinotsvaka chido chaBaba kwatiri12

Jesu “akadzidzisa … zvizhinji nemifananidzo,”13 izvo zvinoda nzeve dzinonzwa, maziso anoona uye mwoyo inonzwisisa. Apo patinorarama zvakakodzera, tinokwanisa kunyatsonzwa uzevezeve hweMweya Mutsvene, uhwo hwunokwanisa “ku[ti]dzidzisa zvose, noku[ti]yevudzira zvose.”14

Apo patinotambira kukoka kunyoro kwaIshe: “Dzidzai nezvangu,” tinova vawani vesimba rehumwari Rake. Naizvozvo, ngatiendererei mberi mumweya wekuteerera, tichitevera Muenzaniso wedu nokudzidzisa samadzidzisiro aAngada kuti tiite uye kudzidza samadzidziro aAngada kuti tiite.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Mutungamiri Monson vanotikoka “kufungisisa nezve kuedza [kwedu] kudzidzisa nekudzidza uye kutarisa kuMuponesi seMutungamiri wemukuita izvozvo.” Ungangofunga kutsvaga mumagwaro matsvene neavo vamunoshanyira kuti muwane mazano munzira idzo Jesu Kristu dzaakadzidzisa nokudzidza nadzo. Munokwanisa kutanga nezvimwe zvinyorwa zvitsvene zvakatapwa naMutungamiri Monson, sezvakaita Mateo 11:29, Johane 5:30, uye Marko 4:2 Munokwanisa kukurukura kuti izvo zvamadzidza pamusoro paKristu zvinokwanisa kukubatsirai sei “kuva vawani vesimba Rake rehumwari.”