2016
Baba Vedu, Murairidzi Wedu
Chikumi 2016


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Chikumi 2016

Baba Vedu, Murairidzi Wedu

Wakambovhura bokisi remapatsi here, ukaburitsa mirairo inoshandiswa pakuumba chinhu, uye ukafunga kuti, “Izvi hazvirevi chinhu zvachose”?

Dzimwe nguva, zvisinei nevavariro dzakanakisisa dzedu neruvimbo rwatinenge tiinarwo matiri, tinoburitsa pati uye tobvunza kuti, “Ichi ndecheiko?” kana “Ichi chinokwana sei?”

Kunetsekana kwedu kunokura apo patinotarira bhokisi toona chiziviso chinoti, “Kuumba kunodikanwa mazera emakore masere zvichikwira” Nokuda kwekuti tinenge tisingazivi kuti tinoumba chinhu chacho sei, izvi hazviwedzeri ruvimbo rwedu kana kutenda kwedu matiri pachedu.

Dzimwe nguva tinova nechiitiko chakafanana nechichi nevhangeri. Apo patinotarisa pane chimwe chikamu charo, tingangokwenya misoro yedu toshama kuti chikamu ichocho ndechei. Kana kuti apo patinowongorora chimwe chikamu, tinokwanisa kuona kuti kunyange mushure mokuedza nesimba kunzwisisa zvakazara, hatigoni kuziva kuti sei chikamu ichocho chakasanganisirwa.

Baba vedu Vokudenga Ndivo Murairidzi Wedu

Zvakanaka ndezvokuti, Baba vedu vari Kudenga vakatipa mirairo yakanaka zvikuru yokuronga hupenyu hwedu uye kuti tikwanise kusvika pakwanisiro dzedu dzizere. Mirairo iyoyo inoshanda zvisinei nezera redu kana mamiriro ezvinhu edu. Vakatipa vhangeri uye Chechi yaJesu Kristu. Vakatipa chirongwa cherununuro, chirongwa cheruponeso, icho chinonziwo chirongwa cherufaro. Havana kutisiya tiri toga nezvimhingamupini kana zviyedzo zvose zvoupenyu, vachiti, “Hezvino chienda. Uve nerombo rakanaka. Zvizivire wega.”

Kana chete tikava nemwoyo mirefu uye totarira nemwoyo yakaninipa nepfungwa dzakavhurika, tinozoona kuti Mwari Vakatipa nzira dzakawanda dzokuti tinyatsonzwisisa mirairo yakazara yavo yerufaro rwedu muupenyu.

  • Vakatipa chipo chakakosha zvinopfuura mipimho yose cheMweya Mutsvene, icho chine kwaniso yekuva murairidzi wekudenga wedu pachedu apo patinonzvera shoko raMwari nokuedza kuunza pfungwa dzedu nezviito zvedu mukuyanana neshoko Ravo.

  • Vanotibvumira kuenda kwaVari panguva ipi zvayo kuburikidza neminamato yerutendo nokukumbira kwakaninipa kwomwoyo wose.

  • Vakatipa vaapositora nevaporofita vamazuva ano, avo vanozarura shoko raMwari muzuva redu uye vane mvumo yokubatanidza kana kusunga pasi uye nekudenga.

  • Vakadzorera Chechi Yavo - sangano revatendi avo vanoshanda pamwechete kubatsirana apo pavanoshandira ruponeso rwavo nekutya, nekudedera, uye nerufaro rusingaenzaniswi nerumwe rupi zvarwo.1

  • Vakatipa magwaro matsvene - Shoko Ravo rakanyorwa kwatiri.

  • Vakapa zvishandiso zvakawandisa zvetekinoroji yanhasi kuitira kutibatsira mukuva vadzidzi Vavo. Zvizhinji zvezvishandiso zvakanakisisa izvi zvinokwanisa kuwanikwa pa LDS.org.

Sei Baba vedu Vokudenga vakatipa rubatsiro rwakawanda kudai? Nokuti Vanotida uye nokuti, sokutaura kwaVakaita, “Iri ndiro basa rangu nekubwinya kwangu—kuunza kusafa neupenyu hwokusingaperi hwevanhu.”2

Nemune mamwe mazwi, Baba Vekudenga ndivo Mwari wedu, uye Mwari ndivo murairidzi kwatiri.

Baba vedu vari Kudenga vanoziva zvidikanwi zvevana Vavo zvirinani kupinda mumwe munhu zvake. Ibasa Ravo nekubwinya Kwavo kutibatsira zvinoenderera, vachitipa zvishandiso zvakanakisisa zvenyama nezvemweya kutibatsira panzira yedu yokudzokera kwaVari.

Baba Wega Wega Murairidzi

Kune dzimwe nzvimbo dzenyika, madzibaba anokudzwa nemhuri nevanhu vose mumwedzi waChikumi. Chinhu chakanaka nguva dzose kukudza nokuremekedza vabereki vedu. Vanababa vanoitira mhuri dzavo zvinhu zvakawanda zvakanaka uye vane hunhu hwakawanda Putcomma between highlighted words: hunoyemurika. Maviri emabasa akanyanya kukosha ana vanababa muhupenyu hwevana vavo ndeawo okuva muenzaniso wakanaka nekuva murairidzi. Vanababa vanoita zvakawanda kupfuura kutaurira vana vavo izvo zvakanaka nezvakaipa; vanoita zvakawandisa kupfuura kuvapa bhuku remirairo uye votarisira kuti vazvizivire voga zvinhu zvoupenyu.

Vanababa vanorairidza vana vavo vakakosha uye kuratidza nemuenzaniso wavo wakanaka nzira iyo upenyu hwakavimbika yahunoraramwa nayo. Vanababa havasiyi vana vavo vega asi vanomhanya kunovayamura, vachivabatsira kukunda matambudziko apo pese pavanosangana nawo. Uye dzimwe nguva apo pazvinenge zviri chinhu chakachenjera kuita, vanababa vanobvumira vana vavo kutambura, vachiziva kuti iyi ndiyo ingange iri nzira yakanakisisa kwavari kuti vadzidze.

Tiri Varairidzi Tose

Apo vanababa vepasi vanoitira izvi vana vavo pachavo, mweya wekurairidza chimwe chinhu chatinofanira kupa kuvana vose vaMwari, zvisinei nezera, nzvimbo yavari, kana mamiriro ezvinhu. Rangarirai, vana vaMwari ihanzvadzi nemadzikoma kana vanun’una vedu; tose tiri vemhuri yokusingaperi imwecheteyo.

Neruzivo urwu, tinofanira tose kuva varairidzi - tiine chido chikuru chokupanana rubatsiro kuti tive vanhu vakanakisisa. Nokuti tiri vana vaMwari, tine kwaniso yokuva saVo. Kuda Mwari nevamwe vedu, kuchengeta mirairo yaMwari, uye kutevera muenzaniso waKristu ndizvo nzira yakamanika, nhete, uye ine rufaro yokudzokera pamberi pavabereki vedu vokudenga.

Kana Mwari wepasi nedenga aine hanya huru kudaro nesu zvokuti Ari murairidzi kwatiri, zvimwe isuwo tinokwanisa kunanavira kune vamwe vedu, zvisinei neganda ravo, rudzi rwavo, mamiriro ehupfumi hwavo, rurimi rwavo, kana chitendero chavo. Ngativei varairidzi vakafemerwa uye tiropafadze upenyu hwevamwe kwete chete vana vedu pachedu asiwo vese vana vaMwari munyika yose.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Ungangoda kutanga nokukumbira avo vaunodzidzisa kuti vafunge nguva apo Baba Vokudenga paVakavarairidza. Unokwanisa zvino kuvakumbira kuti vafunge kufanana kwenguva iyoyo nenguva apo pavakanzwa kurairidzwa nababa vavo vepasi. Vakoke kunyora pasi mafananiro akaita nzira yavakarairidzwa nayo. Unokwanisa kuvakurudzira kuti vaedze kutevedzera chinhu chavanyora pasi mukuedza kuva muenzaniso urinani kuna vamwe.