2016
Kuva Pachokwadi kuChitendero Chavo
Chikunguru 2016


Vechidiki

Kuva Pachokwadi kuChitendero Chavo

Mutungamiri Monson vanotaura nyaya pamusoro peimwe mhuri yevaparuri uye vanotapa Mutungamiri George Albert Smith: “ Munozogara muchokwadi kuchitendero chemadzitateguru enyu here? … Edzai kukodzera kuzvipira kwose kwavakakuitirai.” Kunyange uine madzitateguru vaparuri kana kuti uri nhengo yechizvarwa chekutanga yeChechi, unotsvaga here mienzaniso yerutendo kuti uwane nhungamiri nesimba. Heino nzira yakanaka yaunokwanisa kutangisa nayo:

1. Nyora hudongorodzwa wevanhu vaunoyemura. Vanokwanisa kuva nhengo dzemhuri yako pachako (vakapfuura kana varipo), shamwari, vatungamiri veChechi, kana vanhu vari mumagwaro matsvene.

2. Nyora pasi hunhu hwavainahwo hwaunoda. Amai vako vane mwoyo murefu chaizvo here? Zvimwe shamwari yako inetsitsi kune vamwe. Zvimwe unoda ushingi hweMutungamiri Moronai.

3. Sarudza hunhu humwechete kubva muhudorongodzwa hwako uye wozvibvunza kuti, “Ndingawane sei hunhu uhwu? Chii chandinofanira kuita kuti ndikudziridze uhwu muupenyu hwangu?”

4. Nyora pasi zvirongwa zvako zvekukudziridza hunhu uhwu uye woisa pamwe panhu paunozviona nguva zhinji, kukuyeuchidza nezvechinangwa chako. Namatira rubatsiro rwaBaba Vekudenga uye wongorora kufambira mberi kwako nguva nenguva. Apo paunonzwa kuti wakudziridza zvakakwana hunhu uhwu, unokwanisa kusarudza hunhu hutsva hwekushanda pahuri.

Yeuka kuti apo patinokudziridza hunhu hwakanakisisa matiri, hatikudze chete rutendo rwemadzitateguru edu nekuzvipira kwavakaita, asi tinokwanisawo kuva kurudziro yezvakanaka kune avo vakatikomberedza.

Dhinda