2016
Kuva Pachokwadi kuChitendero cheMadzitateguru Edu
Chikunguru 2016


Shoko reVatungamiri Vekutanga, Chikunguru 2016

Kuva Pachokwadi kuChitendero cheMadzitateguru Edu

John Linford aive nemakore makumi mana nematatu apo iye nemudzimai wake, Maria, nevatatu vevanakomana vavo pavakaita sarudzo yekusiya musha wavo muGravely, England, kunofamba rwendo rwezviuru zvemakiromita kunobatana neVatendi munhika yeGreat Salt Lake. Vakasiya shure mwanakomana wavo wechina, uyo akanga achishanda muhushumiri, vakatengesa zvinhu zvavo, uye vakapinda parwendo muLiverpool nengarava yainzi Thornton.

Rwendo urwu nemugungwa kusvika kuNew York City, uye kubva ikoko nemugwagwa kuenda kuIowa, rwakava nyore. Matambudziko akatanga, zvisinei, chinguva chipfupi mushure mekunge mhuri yavanaLinford nevamwe Vatendi vaMazuva Ekupedzisira avo vakanga vafamba vari paThornton pavakabva muIowa City musi waChikunguru 15, 1856, sechikamu chechikwata chakava nerombo rakaipa chaJames G. Willie chengoro dzekudhonza nemaoko.

Mamiriro ekunze akaipa nerwendo rwakaoma zvakakonzera hurwere nerufu kuvazhinji muchikwata ichi, kusanganisira John. Akapedzisira arwara uye nekurukutika zvikuru zvekuti akapedzisira ava kudhonzwa mungoro yemaoko. Panguva yakazosvika chikwata ichi kuWyoming, mamiriro ehutano hwake akanga adzikira zvakanyanyisa. Chikwata chekuvanunura chaibva kuSalt Lake City chakasvika musi waGumiguru 21, maawa mashomanani mushure mekunge John afa. Akanga afa mambakuedza mangwanani iwayo padyo nemahombekombe eRwizi rweSweetwater.

John aiva neurombo here kuti akanga achinjanisa rudekaro nerunyararo kuti awane zvinetso, kushaiwa zvokudya nokushandisa, nematambudziko ekuendesa mhuri yake kuZion?

“Kwete, Maria,” akataurira mudzimai wake chinguva chipfupi asati afa. “Ndinofara kuti takauya. Handisi kuzorarama kuti ndisvike kuSalt Lake, asi iwe nevakomana muchasvika, uye handikungure zvose zvatakasangana nazvo kana vakomana vedu vakakwanisa kukura uye vakakudza mhuri dzavo muZioni.”1

Maria nevanakomana vake vakapedza rwendo rwavo. Apo Maria paakazofa mushure memakore angada kusvika makumi matatu, iye naJohn vakasiya shure nhoroondo yerutendo, yekushandira, yekuvimbika, uye neyekuzvipira.

Kuva Mutendi waMazuva Ekupedzisira zvinoreva kuva muparuri, nekuti tsanangudzo yemuparuri inoti “munhu anoenda mberi kunogadzirira kana kunovhura nzira kuitira kuti vamwe vagotevera.”2 Uye kuva muparuri zvinoreva kuva unoziva nezvekuzvipira. Kunyange zvazvo nhengo dzeChechi dzisisakumbirwe kusiya misha yavo kuti vaite rwendo rwekuenda kuZion, kazhinji vanowanzofanira kusiya shure maitiro ekare, tsika dzaitevedzwa kwenguva refu, uye shamwari dzinodikanwa. Vamwe vanoita sarudzo inorwadza zvikuru yekusiya kumashure nhengo dzemhuri idzo dzinopikisa hunhengo hwavo hwemuChechi. Vatendi vaMazuva ekupedzisira vanoenderera mberi, zvisinei, vachinamata kuti vanhu vavanodisisa vanozonzwisisa nekuzvitambira.

Nzira yemuparuri hayisi nyore, asi tinotevera nemutsoka dzeMuparuri akanakisisa—kunyange Muponesi—uyo akatungamira mberi, achitiratidza nzira yekutevera.

“Uya, unditevere,”3 Akakoka.

“Ndini nzira, nezvokwadi, noupenyu,”4 Akadaro.

“Uya kwandiri,”5 Akadaidza.

Nzira yacho inokwanisa kuoma. Vamwe vanowana zvakaoma kutsunga pamashoko ekunyomba uye asina kunaka evanhu mapenzi avo vanoseka kuzvibata, kuvimbika, nokuteerera kumirairo yaMwari. Nyika yakagara ichitarisira pasi kuteerera kumusimboti. Apo Nowa paakarairwa kuti avake ngarava, vanhu veruzhinji mapenzi vakatarisa kudenga rakanga risina makore uye vakanyomba nokuseka—kusvikira mvura yauya.

Panyika yeAmerica mazana mazhinji emakore akapfuura, vanhu vaisatenda, vachipikisa, uye vasingateerere kusvikira moto waparadza Zarahemura, nyika ikafukidza Moronaiha, uye mvura ikanyudza Moronai. Kuseka, kunyomba, mutauro usina hunhu, nechivi zvakanga zvisisipo. Zvakanga zvachinjaniswa nerunyararo runerusuwo, nerima guru. Mwoyo murefu waMwari wakanga wapera, Nguva yekuitika kwezvinhu Yavo yazadzikiswa.

Maria Linford haana kana kumborasikirwa nerutendo rwake kunyange nekutambudzwa muEngland, matambudziko erwendo rwake kuenda “kunzvimbo iyo yakanga yagadzirirwa naMwari,”6 uye nezviyedzo zvakatevera zvaakashingirira pazviri kuitira mhuri yake neChechi.

Pamunamato wa1937 wepaguva uyo wakaitwa wakamisirwa kurangarira Maria, Gosa George Albert Smith (1870–1951) vakabvunza zvizvarwa zvake kuti: “Muchararama muchokwadi kuchitendero chemadzitateguru enyu here? … Ndapota edzai kuva munokodzera kuzvipira kwose kwavakakuitirai.”7

Apo patinotsvaga kuvaka Zioni mumwoyo medu, mudzimba dzedu, munzvimbo dzedu dzatinogara, nemunyika dzedu, ndinovimba kuti tinozoyeuka ushingi husingazunguzike nerutendo rusingaperi rweavo vakapa zvose zvavaivanazvo kuitira kuti tigozonakirwa nemaropafadzo evhangeri rakadzorerwa, netariro nevimbiso yaro kuburikidza neRudzikinuro rwaJesu Kristu.

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Ona Andrew D. Olsen, The Price We Paid (2006), 45–46, 136–37.

  2. The Compact Edition of the Oxford English Dictionary (1971), “pioneer.”

  3. Ruka 18:22.

  4. Johane 14:6

  5. Johane 7:37; onawo 3 Nifai 9:22.

  6. “Come, Come, Ye Saints,” {Hymns, no. 30.

  7. Ona Olsen, The Price We Paid, 203–4.

Kudzidzisa kubva Mushoko Rino

Funga kukumbira avo vaunodzidzisa kuti vafunge vanhu muupenyu hwavo avo vakafa uye vakanga vari vaparuri kwavari. Zvino wovabvunza nezve apo pavakava vaparuri uye vakagadzirira vamwe nzira. Vakoke kufungisisa nguva dzavakazvipira uye kuti sei zvakanga zviine chimuko. Unokwanisa zvino kuvakurudzira kuti vanyore pasi uchapupu hwavo “hweMuparuri akanakisisa,” Muponesi.

Dhinda