2016
Kwaniso Yedu yeHubereki
Chikunguru 2016


Shoko reDzidziso yeKushanyirana, Chikunguru 2016

Kwaniso Yedu yeHubereki

Nemunamato dzidza chinyorwa chino uye wotsvaga kuziva izvo zvekugovera. Kunzwisisa “Mhuri: Chiziviso kuNyika” kunozowedzera sei rutendo rwako muna Mwari nekuropafadza avo vaunotaririra kuburikidza nedzidziso yekushanyirana? Kuwana rumwe ruzivo, enda ku reliefsociety.lds.org.

Rutendo , Mhuri, Rubatsiro

“Zvakanga zvakafanira kuti vana vemweya vaMwari vave nekuberekwa panyama uye nemukana wekufambira mberi vakananga kuupenyu hwekusingaperi,” vakadzidzisa Gosa Dallin H. Oaks veChikwata cheVaapositora Gumi neVaviri. “Nokuda kwechikonzero chinokosha zvikuru chechirongwa chikuru cherufaro, ndinotenda kuti hupfumi hunokoshesa panyika nekudenga ndehwe vana vedu nezvizvarwa zvedu.”1

Gosa Neil L. Anderson veChikwata cheVaapositora vaneGumi neVaviri vakati:

“Tinotenda mumhuri, uye tinotenda muvana.” …

“‘… Mwari vakati kuna [Adama naEva], Berekai, muwande, muzadze nyika’ [Genesi 1:28] …

“Murairo uyu hauna kukanganwikwa kana kushairwa hanya nawo muChechi yaJesu Kristu yaVatendi Vamazuva Ekupedzisira.”2

Kunyange zvazvo tisiri tose tinova vabereki muupenyu huno, tinokwanisa kurera vana vezera rese rese. Tinonakirwa nemaropafadzo ekuva chikamu chemhuri yaBaba Vekudenga, uye tinosangana nemifaro nezviedzo zvekuva chikamu chemhuri yepanyika. Uye kuvazhinji, hubereki hwakavamirira mukusingaperi kurimberi.Zvimwe Zvinyorwa Zvitsvene

Mapisarema 127:3; Mateo 18:3–5; 1 Nifai 7:1; Mosesi 5:2–3

Nyaya dzeVanhu Vanorarama Nhasi

“Mazwi mazhinji munyika nhasi anoderedza kukosha kwekuva nevana kana kupa zano rekunonoka kana kushomekesa huwandu hwevana mumhuri,” vakadaro Gosa Andersen. “Vanasikana vangu nguva pfupi yakapfuura iyo vakandiratidza web site yakanyorwa naamai vechiKristu (vasiri nhengo yechechi yedu) vane vana vashanu. Vakataura kuti: ‘[Kukura] mutsika yehupenyu ino, zvakaoma zvikuru kuwana maonero ebhaibheri pamusoro pehumai. … Vana vari panzvimbo yepasi pasi pekukosha kunoiswa pakuenda kuyunivhesiti. Kuva nevana zvechokwadi kuri pasi pekufamba uchiona nyika dzepasi. Kuri pasi pekuenda kumafaro mhanheru paunozvidira. Kuri pasi pekugadziridza muviri wako kujimu. Kuri pasi pebasa ripi zvaro raungange uinaro kana raunotarisira kuwana.’ Anozowedzera kuti: ‘Humai hausi chinhu chaunoita panguva yekuzvifadza, idaidzo. Hawuunganidze vana nokuti unovaona vakanaka kupfuura zvitambi. Hachisi chimwe chinhu chekuita kana uchikwanisa kumanikidzira nguva. Kuva nevana ndiko kwawakapiirwa nguva naMwari.’”3

Kwakatorwa Zvimwe Zvinyorwa

  1. Dallin H. Oaks, “The Great Plan of Happiness,” Ensign, Mbudzi 1993, 72, 75.

  2. Neil L. Andersen, “Children,” Liahona, Mbudzi 2011, 28.

  3. Neil L. Andersen, “Children,” 28.

Funga Izvi

Mhuri yedu yepasi yakafanana nenzira dzakadii nemhuri yedu yekudenga?

Dhinda