Vechidiki
Kuchengeta Mirairo neKuda Vamwe
Apo patinofunga nezve rudo, kazhinji zvinhu zvokutanga zvinouya mupfungwa ndezve mafirimu ezvokudanana, chokoreti, nemaruva. Asi rudo—rudo rwechokwadi—rwakadzama kupinda izvi uye haruna chindingoveni zvachose. Jesu Kristu akatiraramira uye akatifira nokuda kwerudo Rwake kwatiri. Chokwadi ndechokuti, mirairo mikuru miviri ndeye kuda Mwari uye kuda mumwe munhu wese (ona Mateo 22:36–40). Asi tingataridza sei vamwe kuti tinovada?
Mutungamiri Uchtdorf anogovera rungano rwemufananidzo rwaKristu rwevanakomana vaviri, mumwe anoshandira baba vake uye mumwe asingavashandiri. Muponesi anotaridza kuti chete mwanakomana akateerera baba vake ndiye aivada zvechokwadi. Zvimwechetezvo, apo patinoteerera rairo dzaMwari, tinotaridza kuti tinoVada uye tinoda kudzokera kwaVari.
Asi tinotaridza sei kuti tinoda vamwe vanhu vose? Mutungamiri Uchtdorf vanotsanangurawo izvozvo: “Kana tichida vamwe vedu zvechokwadi, tinozoedza napose patinokwanisa kubatsira ‘varombo nevanoshaya, varwere nevanonetsekana.’ Nokuti avo vanoita zviito izvi zvisina undingoveni zvetsitsi nekushandira, vamwechetewo vadzidzi vaJesu Kristu.”
Saka nguva inotevera yaunoona vabereki vako, mwana wamai vako, kana shamwari yako, funga pamusoro pekuvashandira kutaridza rudo rwako kwavari. Hazvisi zvinozovafadza ivo chete, asi zvinozoita kuti Baba vako vari Kudenga vafarewo.